ShonaTeam Ezekiel « 29 »

Shoko pamusoro peEgipita

29Mugore regumi, nemwedzi wegumi, neregumi nemaviri remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuna Farao mambo weEgipita, uporofite uchipokana naye uye uchipokana neEgipita rose.

3 Taura zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, Farao mambo weEgipita, bukanana guru, rirere pakati penzizi dzaro, unoti: Rwizi rwangu nderwangu, ndakazviitira irwo.

4 Asi ndichaisa mahaka pashaya dzako, uye ndichanamatidza hove dzenzizi dzako pamakwande ako, uye ndichakubvisa mukati menzizi dzako; uye hove dzose dzenzizi dzako dzichanamatira pamakwande ako.

5 Zvino ndichakusiya murenje, iwe nehove yose yenzizi dzako; uchawira pachiso chesango; haungasanganiswi uye haungaunganidzwi; ndakakupa kuva zvekudya kuzvikara zvesango nekushiri dzekudenga.

6 Zvino vagari vose veEgipita vachaziva kuti ndiri Jehovha, nokuti vaiva tsvimbo yerutsanga kuimba yaIsraeri.

7 Pavachakubata neruoko, wakavhunika ndokudambura fudzi ravo rose; uye pavakasendama pamusoro pako, wakavhunika, ndokumisisa zviuno zvavo zvose.

8 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichauisa munondo pamusoro pako, nekugura munhu nemhuka kubva mauri.

9 Zvino nyika yeEgipita ichava dongo nerenje; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha; nokuti iye akati: Rwizi nderwangu, ndini ndakarwuita.

10 Naizvozvo tarira, ndinopokana newe, uye ndinopokana nenzizi dzako, uye ndichaita nyika yeEgipita yakaparara kwazvo-kwazvo uye dongo, kubva pashongwe yeSevhene kusvika pamuganhu weItiyopiya.

11 Hakuna rutsoka rwemunhu rwuchapfuura nemariri, uye hakuna rutsoka rwemhuka rwuchapfuura nemariri, uye haringagarwi makore makumi mana.

12 Zvino ndakaita nyika yeEgipita dongo pakati penyika dziri matongo, nemaguta aro pakati pemaguta akaparara achava matongo makore makumi mana; uye ndichaparadzira vaEgipita pakati pemarudzi, nekuvakushanya panyika zhinji.

13 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pakupera kwemakore makumi mana ndichaunganidza vaEgipita kubva kumarudzi kwavaiva vakaparadzirwa.

14 Zvino ndichadzosa utapwa hweEgipita, uye ndichavadzosa kunyika yePatirosi, kunyika yechizvarigo chavo, uye ikoko vachava umambo hwepasi.

15 Huchava hwakaderera kupfuura ushe hwose, uye hahungazvikudzizve kupfuura marudzi, nokuti ndichavadukupisa, uye havangazotongi pamusoro pemarudzi.

16 Zvino harichazovizve chivimbo cheimba yaIsraeri, yechiyeuchidziso cheuipi, pavachavatendeukira kuvatevera. Asi vachaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.

17 Zvino zvakaitika mugore remakumi maviri nenomwe, mune wekutanga, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

18 Mwanakomana wemunhu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakabatisa hondo yake basa guru kurwisa Tire; musoro umwe neumwe wakaitwa muparavara, uye fudzi rimwe nerimwe rakasvuuka; zvakadaro waiva asina mubairo, kana hondo yake, nekuda kweTire, pamusoro peshumiro yaaiva ashumira kuirwisa.

19 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichapa nyika yeEgipita kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi; zvino iye achatora chaunga chake ndokupamba zvakapambiwa zvake, ndokutora zvakajimbiwa zvake, uye zvichava mubairo wehondo yake.

20 Ndakamupa nyika yeEgipita uve mubairo wake wezvaakashandira, nokuti vakandishandira, anoreva Ishe Jehovha.

21 Nezuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichakupa kushama kwemuromo pakati pavo. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.