ShonaTeam Ezekiel « 28 »

Shoko pamusoro pamambo weTire

28Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, iti kumuchinda weTire: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Moyo wako zvawakazvikudza, iwe ndokuti: Ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari mumoyo wemakungwa; asi iwe uri munhu uye hausi Mwari, kunyange wakamisa moyo wako semoyo waMwari.

3 Tarira, wakachenjera kupfuura Dhaniyeri; hakuna chakavanzika chavangaviga kwauri.

4 Neuchenjeri hwako uye nekunzwisisa kwako wakazviwanira upfumi, uye wakawana goridhe nesirivha muzvivigiriro zvefuma zvako.

5 Neuchenjeri hwako ukuru mukutengeserana kwako wakawanza ufumi hwako, uye moyo wako wakazvikudza nekuda kwefuma yako.

6 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvawakamisa moyo wako semoyo waMwari,

7 naizvozvo tarira, ndichauisa vatorwa pamusoro pako, vatyisi vemarudzi, uye vachavhomorera runako rweuchenjeri hwako munondo, zvino vachasvibisa kubwinya kwako.

8 Vachakuburusira kugomba; uye uchafa mundufu dzevanourawa pakati pemakungwa.

9 Chokwadi uchati here pamberi peanokuuraya: Ndiri Mwari? Asi uri munhu, uye hausi Mwari, paruoko rweanokukuvadza.

10 Uchafa ndufu dzevasina kudzingiswa neruoko rwevatorwa; nokuti ini ndataura, anoreva Ishe Jehovha.

11 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

12 Mwanakomana wemunhu, simudzira mambo weTire mariro, uye uti kwaari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iwe unoisa chidhindo pakaperedzerwa, uzere neuchenjeri, uye wakaperera parunako.

13 Waiva muEdheni mubindu raMwari; ibwe ripi neripi rinokosha raiva chifukidzo chako, saridhiosi*, topasi*, nedhaimani, bheriri*, onikisi*, nejasipiri*, safiri, emaradhi, nekaribhunikuri*, negoridhe; basa rengoma dzako nenyere dzako raiva kwauri; pazuva rekusikwa kwako zvakagadzirwa.

14 Iwe uri kerubhi rakazodzwa rinofukidza; uye ndakakumisa; waiva pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakafamba kuenda uko neuko pakati pemabwe emoto.

15 Waiva wakaperera panzira dzako kubva pazuva rawakasikwa kusvika uipi hwawanikwa mauri.

16 Neuwandu hwevatengeserani vako vakazadza mukati mako nechisimba, zvino iwe wakatadza. Naizvozvo ndichakurasa sewakasvibiswa ubve pagomo raMwari, uye ndichakuparadza, iwe kerubhi rekufukidza, kubva pakati pemabwe emoto.

17 Moyo wako wakazvikudza nekuda kwerunako rwako; wakaodza uchenjeri hwako nekuda kwekubwinya kwako; ndakakupotsera pasi, ndakakuisa pamberi pemadzimambo kuti vakuone.

18 Neuwandu hwezvitadzo zvako neuipi hwekutengeserana kwako wakasvibisa nzvimbo tsvene dzako; naizvozvo ndichabudisa moto mukati mako; ndiwo uchakuparadza; uye ndichakuita dota panyika pameso evose vanokuona.

19 Vose vanokuziva pakati pemarudzi vachashamiswa kwazvo pamusoro pako; uchava zvityiso, ukasavapo kusvika rinhi narinhi.

Shoko pamusoro peSidhoni

20 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

21 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kumirisana neSidhoni, ugoporofita pamusoro paro.

22 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, iwe Sidhoni; zvino ndichakudzwa mukati mako; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha kana ndaita mitongo mariri, uye ndichaitwa mutsvene mariri.

23 Nokuti ndichatuma hosha mariri, neropa munzira dzaro dzemumusha; uye vakakuvadzwa vachawa mukati maro nemunondo pamusoro pake kudivi rimwe nerimwe; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.

24 Zvino hakuchazovizve kuimba yaIsraeri nerukato runobaya kana minzwa inorwadza kubva kune vose vakakomberedza vanovazvidza. Zvino vachaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.

25 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pandinenge ndaunganidza imba yaIsraeri kubva kumarudzi kwavakanga vakaparadzirwa pakati pawo, uye ndaitwa mutsvene mavari pameso pemarudzi, ipapo vachagara munyika yavo yandakapa kumuranda wangu Jakove.

26 Zvino vachagara vakachengeteka mariri, uye vachavaka dzimba, nekusima minda yemizambiringa, hongu, vachagara vakachengeteka, pandinenge ndaita mitongo pamusoro pevose vanovazvidza vakavapoteredza. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha Mwari wavo.