ShonaTeam Ezekiel « 27 »

27Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, simudzire Tire mariro;

3 uti kuTire ugere pakupinda pazhinji pegungwa, uchitengeserana nevanhu pazviwi zvakawanda: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tire, iwe wakati: Ndakaperera pakunaka.

4 Miganhu yako iri mumoyo yemakungwa; vavaki vako vakaperedzera runako rwako.

5 Vakaita mapuranga ako ose nemisipiresi yekuSeniri; vakatora musidhari kubva kuRebhanoni kuti vakuitire mbiru yechikepe.

6Nemiouki yeBhashani vakaita matanda ako ekukwasva nawo; mukunda wevaAsiriya wakaita zvigaro zvako zvepazvikepe nenyanga dzenzou dzinobva kuzviwi zveKitimi.

7 Mucheka wakapfava kwazvo wakarukirwa unobva Egipita ndiwo waiva chekuwaridza chako kuva chiratidzo chako; zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute kubva kuzviwi zvaErisha zvakava chifukidzo chako.

8 Vagari veSidhoni neArivhadhi vaiva vakwasvi vako; vakachenjera vako, iwe Tire, vaiva mukati mako, vaiva vafambisi vezvikepe zvako.

9 Vatana veGebhari nevakachenjera varo vaiva mauri vari vagadziri vemaburi ako; zvikepe zvose zvegungwa nevafambisi vazvo vaiva mauri kuti vatengeserane newe nhumbi dzako dzekutengeserana.

10 VaPerisiya nevaRudhi nevaPuti vaiva muhondo yako, varume vako vehondo; vaiturikira mukati mako nhovo nenguwani; ivo vakapa runako rwako.

11 Varume veArivhadhi pamwe nehondo yako vaiva pamusoro pemasvingo ako kupoteredza; uye mhare dzaiva pashongwe dzako; vakaremberedza nhovo dzavo pamasvingo ako kupoteredza; ivo vakaperedzera runako rwako.

12 Tarishishi raitengeserana newe nekuda kweuwandu hwefuma yose; vakatsinhanisa nhumbi dzako nesirivha, dare, tini, nemutobvu.

13 Javhani, Tubhari, neMesheki, ndivo vatengeserani vako; vakatsinhanisa nhumbi dzako nemweya yevanhu nemidziyo yendarira.

14 Veimba yaTogarima vakatsinhanisa nhumbi dzako nemabhiza nevatasvi vemabhiza nemahesera.

15 Varume veDhedhani vaiva vatengeserani vako; zviwi zvizhinji zvaiva zvekutengeserana zveruoko rwako; zvakakuvigira nyanga dzenzou nematanda emusuma kuva chipo.

16 Siriya yaiva vatengeserani vako nekuda kweuzhinji hwemabasa ako; vakatsinhanisa nhumbi dzako nemaemaradhi, zveruvara rwehute, nezvakarukwa, nemucheka wakapfava, nekorari* neagate*.

17 Judha nenyika yaIsraeri, ndivo vatengeserani vako; vakatsinhanisa nhumbi dzako negorosi reMiniti*, nepenagi*, neuchi, nemafuta, nebharisami.

18 Dhamasiko raiva mutengeserani wako neuwandu hwemabasa ako nekuda kweuwandu hwefuma dzose, newaini yeHeribhoni nemvere chena.

19 Zvino Dhani neJavhani dzichienda nekudzoka dzakabatikana pamabasa ako; dare rinobwinya, kasia*, nekaramusi* zvaiva pakati penhumbi dzako.

20 Dhedhani raiva mutengeserani wako nemicheka inokosha yepangoro.

21 Arabhiya nemachinda ose eKedhari vaiva vatengeserani veruoko rwako; nemakwayana nemakondohwe nembudzi, neizvi vaitengeserana newe.

22 Vatengeserani veShebha neRaama vaiva vatengeserani vako; vaitsinhanisa nhumbi dzako nezvikuru zvose zvezvinonhuhwira, uye nemabwe ose anokosha, negoridhe.

23 Harani neKane neEdheni vaiva vatengeserani veShebha; Ashuri neKirimadhi vaiva vatengeserani vako.

24 Ava vatengeserani vako pazvinhu zvakaperera, pamabutiro eruvara rwedenga, nezvakarukwa, nepazvipfuva zvenguvo dzeufumi dzakasungwa nemabote, uye dzakaitwa nemisidhari, pakati pezvitengeswa zvako.

25 Zvikepe zveTarishishi zvaiimba nezvako nekuda kwenhumbi dzako dzekutengeserana; uye wakazadzwa, wakarumbidzwa kwazvo mumoyo wemakungwa.

26 Avo vanokukwasva vakakuuisa kumvura zhinji; mhepo yekumabvazuva yakakuputsa mumoyo wemakungwa.

27 Fuma yako, nenhumbi dzako, zvitengeswa zvako, vafambisi vezvikepe vako, nevachairi vako, vagadziri vemaburi vako, nevatengesi venhumbi dzako, nevarume vako vehondo vari mukati mako, nemuboka rako rose riri mukati mako, vachawira mumoyo wemakungwa nezuva rekuparara kwako.

28 Neinzwi rekuchema kwevachairi vezvikepe vako mafuro achadengenyeka.

29 Nevose vanobata matanda ekukwasva, vezvikepe, vachairi vose vegungwa, vachaburuka kubva muzvikepe zvavo, vachamira pavhu.

30 Zvino vachanzwisa inzwi ravo kurwisana newe, uye vachachema zvinorwadza, uye vachakushira guruva mumisoro yavo, vachazviumburudza mumadota,

31 vachazviita miparavara nemiparavara nekuda kwako, vachazvisunga zvivuno nemasaga, uye vachachema pamusoro pako mukurwadza kwemweya, mariro anorwadza.

32 Zvino pakurira kwavo vachakusimudzira mariro ndokurira pamusoro pako vachiti: Ndiani wakafanana neTire, sewakaparara mukati megungwa?

33 Pakubuda kwenhumbi dzako dzekutengeserana kubva mumakungwa, wakagutsa vanhu vazhinji; neuwandu hwefuma yako nenhumbi dzako dzekutengeserana wakafumisa madzimambo epanyika.

34Panguva yawakaputswa nemakungwa muudziku hwemvura zhinji, nhumbi dzako dzekutengeserana neboka rako rose pakati pako zvakawa.

35 Vagari vose vepazviwi vachashamiswa pamusoro pako, nemadzimambo avo achatya zvinorwadza, chiso chavo chichabvongodzwa.

36 Vatengesi pakati pevanhu vachakuridzira muridzo; uchava zvityiso; haungazovipozve kusvika rinhi narinhi.