ShonaTeam Ezekiel « 26 »

Shoko pamusoro peTire

26Zvino zvakaitika mugore regumi nerimwe, nerekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusarema: Toko! Raputsika, raiva masuwo evanhu; ratendeukira kwandiri; ndichazadzwa; rava dongo.

3 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, Tire, uye ndichakwidza marudzi mazhinji kuzokurwisa, sezvinokwidza gungwa mafungu aro.

4 Uye vachaparadza masvingo eTire, nekukoromora shongwe dzaro; uye ndichapara guruva raro kubva pariri, ndigoriita ruware rwusine chinhu.

5 Richava nzvimbo yekunikwa mimbure pakati pegungwa, nokuti ini ndazvitaura, anoreva Ishe Jehovha; uye richava chakapambiwa kumarudzi.

6 Zvino vakunda varo vari kumunda vachaurawa nemunondo. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.

7 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichauisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wemadzimambo, kubva kumaodzanyemba, ane mabhiza uye nengoro uye nevatasvi vemabhiza, nechaunga, nevanhu vazhinji.

8 Achauraya vakunda vako vari kumunda nemunondo; uye achakuitira nhare, ndokukudururira murwi, nekukusimudzira nhovo huru.

9 Zvino achamisa makondobwe ekuputsa kurwisa masvingo ako, uye shongwe dzako achaputsa neminondo yake.

10 Nekuda kweuwandu hwemabhiza ake, guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nekuda kweruzha rwevatasvi vemabhiza, nerwemavhiri, nerwengoro, paachapinda pamasuwo ako, sevanhu vanopinda muguta rakapaziwa.

11 Nemahwanda emabhiza ake achatsikira pasi nzira dzako dzemumusha dzose; achauraya vanhu vako nemunondo; neshongwe dzako dzesimba dzichawira muvhu.

12 Zvino vachapamba fuma yako, nekutapa zvishambadzirwa zvako, uye vachaputsa masvingo ako, nekuparadza dzimba dzako dzinofadza, uye vachaisa mabwe ako nematanda ako neguruva rako mukati memvura.

13 Zvino ndichagumisa ruzha rwenziyo dzako; neinzwi rembira dzako haringazonzwikwizve.

14 Zvino ndichakuita ruware rwusina chinhu; uchava nzvimbo yekunikwa mimbure; hauchazovakwizve; nokuti ini Jehovha ndazvitaura, anoreva Ishe Jehovha.

15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha kuTire: Zviwi hazvingadengenyeki here pamutinhiro wekuwa kwako, vakakuvadzwa pavanogomera, pakuurawa kwevanourawa mukati mako?

16 Ipapo machinda ose egungwa achaburuka kubva pazvigaro zvawo zveushe, ndokukurura nguvo dzavo refu, ndokubvisa zvipfeko zvavo zvakarukwa; vachapfeka kudedera, vachagara pasi, vagodedera nguva nenguva, ndokushamisika zvikuru pamusoro pako.

17 Vachakusimudzira mariro ndokuti kwauri: Wakaparadzwa sei pamakungwa, iwe waigarwa, guta rine mbiri, waiva nesimba pagungwa, iye nevagari vake, ivo vakamisa kutyisa kwavo kumugari waro umwe neumwe.

18 Ikozvino zviwi zvichadedera pazuva rekuwa kwako, hongu, zviwi zviri mugungwa zvichavhunduka pakubuda kwako.

19 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pandichakuita guta dongo, semaguta asingagarwi, pandichakwiridzira udziku pamusoro pako, uye mvura zhinji ichakufukidza;

20 ipapo ndichakuburusa pamwe navo kuburukira kugomba, kuvanhu venguva yekare, uye ndichakugarisa munzvimbo dzepasi dzepanyika, panzvimbo dzematongo ekare, pamwe nevanoburukira kugomba, kuti usazogarwa; zvino ndichaisa kubwinya panyika yevapenyu.

21 Ndichakuita chityiso chikuru, hauchazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nekusingaperi, anoreva Ishe Jehovha.