ShonaTeam Ezekiel « 25 »

Shoko pamusoro pevaAmoni

25Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuvana vaAmoni, ugoporofita pamusoro pavo.

3 Zvino uti kuvana vaAmoni: Inzwai shoko raIshe Jehovha: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvamakati: Toko! pamusoro penzvimbo yangu tsvene payakasvibiswa, nepamusoro penyika yaIsraeri payakava dongo, nepamusoro peimba yaJudha pavakaenda muutapwa;

4 naizvozvo tarirai, ndichakukumikidzai kuvarume vemabvazuva muve vavo, uye vachamisa mizinda yavo mamuri, nekuita misha yavo mamuri; ivo vachadya zvibereko zvenyu, uye ivo vachanwa mukaka wenyu.

5 Zvino ndichaita Rabha rive mafuro emakamera, nevana vaAmoni nzvimbo yekurara yemakwai. Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

6 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti wakarova ruoko, nekudididza netsoka, nekufara pamweya weupenyu nekuzvidza kwako kose uchirwisa nyika yaIsraeri;

7 naizvozvo tarirai, ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pako, uye ndichakukumikidza kuva chakapambiwa kumarudzi, uye ndichakugura kubva pavanhu, uye ndichakuita uparare kubva munyika zhinji; ndichakuparadza, zvino uchaziva kuti ndiri Jehovha.

Shoko pamusoro paMoabhu

8 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti Moabhu naSeiri vanoti: Tarirai, imba yaJudha yakaita semarudzi ose;

9 naizvozvo, tarirai, ndichazarura rutivi rwaMoabhu kubva kumaguta, kubva kumaguta ake kubva kumiganho yake, runako rwenyika: Bheti-Jeshimoti, Bhaari-Meyoni, uye kusvika kuKiriataimi,

10 kuvana vekumabvazuva, pamwe nevana vaAmoni, uye ndichaita kuti ive yavo, kuti vana vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pemarudzi.

11 Ndichaitawo mitongo pamusoro paMoabhu. Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.

Shoko pamusoro pevaEdhomu

12 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Edhomu zvavakabata imba yaJudha nekutsiva tsivo, wakatadza zvekutadza, wakazvitsivira pamusoro pavo;

13 naizvozvo, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichatandavadzirawo ruoko rwangu pamusoro peEdhomu, uye ndichagura kubva mariri munhu nemhuka, uye ndichariita dongo, kubva paTemani, uye kusvika paDhedhani vachawa nemunondo.

14 Zvino ndichaisa tsvivo yangu pamusoro paEdhomu neruoko rwevanhu vangu Israeri; uye vachaitira Edhomu zvinoenderana nekutsamwa kwangu uye zvinoenderana nehasha dzangu; naizvozvo vachaziva tsivo yangu, anoreva Ishe Jehovha.

Shoko pamusoro pevaFirisitia

15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: VaFirisitia zvavakaita netsivo, uye vakatsiva tsivo nekuzvidza pamweya, kuti vaparadze, ruvengo rwekusingaperi;

16 naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pevaFirisitia, uye ndichagura VaKereti, nekuparadza vakasara vepamahombekombe egungwa.

17 Zvino ndichaita tsivo huru kwazvo pamusoro pavo nekutsiura kukuru kwehasha; ipapo vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichaisa tsivo yangu pamusoro pavo.