ShonaTeam Ezekiel « 24 »

Mufananidzo wegate rinovira

24Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, mugore repfumbamwe, nemwedzi wegumi, neregumi remwedzi, richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, zvinyorere zita rezuva, zvezuva rino iri. Mambo weBhabhironi wakazvimisa kurwisa Jerusarema nezuva rino iri.

3 Zvino reva mufananidzo kuimba inopanduka, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Isa gate, riise, uyewo dira mvura mariri.

4 Unganidzira mariri nhindi dzaro, nhindi imwe neimwe yakanaka, chidya nebandauko; zadza nemafuta akasarudzwa.

5 Tora rakasarudzwa paboka remakwai, uyewo svinga remapfupa pasi paro, rivhaidze kwazvo; kubikwewo mapfupa aro mukati maro.

6 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kuguta reropa zhinji, gate furo raro riri mariri, uye risina kubudamo furo raro! Budisa nhindi imwe neimwe; hapana mujenya unokandwa pamusoro paro.

7 Nokuti ropa raro riri mukati maro; wakariisa paruware rwusina chinhu; haana kuridururira pasi, kurifukidza neguruva.

8 Kuti rimutse hasha kuti ritsive tsvivo, ndakaisa ropa rake paruware rwusina chinhu, kuti risafukidzwa.

9 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kuguta reropa zhinji! Neni ndichakurisa svinga.

10 Wanza huni, pfutidza moto, pedza nyama, uye irunge kwazvo, nemapfupa ngaatsve.

11 Zvino uriise risina chinhu pamusoro pemazimbe aro, kuti ndarira yaro ipise uye itsve, neutsvina hwaro hunyunguduke mariri, furo raro ripere.

12 Rakandinetesa nekushingaira; nefuro raro zhinji harina kubuda mariri; furo raro riri mumoto!

13 Mune uipi mutsvina yako. Nokuti ndakakunatsa, asi hauna kunatswa, haunganatswizve kubva muutsvina hwako, kusvika ndazorodzesa hasha dzangu pamusoro pako.

14 Ini Jehovha ndakataura; zvichasvika, uye ndichazviita, handingadzokeri shure, uye handingasii, uye handingazvidembi; zvichienderana nenzira dzako uye zvichienderana nezviito zvako vachakutonga, anoreva Ishe Jehovha.

Kufa kwemukadzi waEzekieri

15 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

16 Mwanakomana wemunhu, tarira, ndinobvisa kwauri chishuwo chemeso angu neshamhu; zvakadaro haungachemi uye haungaungudzi, nemisodzi yako haingabudi.

17 Gomera, unyarare, usaitira mariro vakafa, sunga nguwani pamusoro pako, uye uise shangu dzako patsoka dzako, uye usapfumbira miromo, uye usadya chingwa chevanhu.

18 Zvino ndakataura kuvanhu mangwanani, madekwani mukadzi wangu ndokufa; zvino ndikaita mangwanani sezvandakarairwa.

19 Zvino vanhu vakati kwandiri: Haungaudzi here kwatiri kuti zvinhu izvi zvii kwatiri zvaunoita?

20 Zvino ndakati kwavari: Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

21 Taura kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndichasvibisa nzvimbo yangu tsvene, mbiri yesimba renyu, chishuwo chemeso enyu, uye chinonzwirwa tsitsi nemweya weupenyu wenyu; uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vamakasiya vachawa nemunondo.

22 Zvino muchaita sezvandaita; hamungapfumbiri miromo, uye hamungadyi chingwa chevanhu.

23 Nenguwani dzenyu dzichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi uye hamungaungudzi, asi muchaonda nekuda kwezvakaipa zvenyu, nekuchemana umwe kune umwe.

24 Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvichienderana nezvose zvaaita, muchaita; kana zvasvika muchaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.

25 Iwewo, mwanakomana wemunhu, hazvizoitiki here pazuva randichatora kubva kwavari simba ravo, mufaro wekubwinya kwavo, chishuwo chemeso avo, nechinodiwa nemweya yeupenyu yavo, vanakomana vavo nevanasikana vavo,

26 nezuva iro kuchasvika kwauri anopukunyuka, kuzokunzwisa nenzeve?

27 Nezuva iro muromo wako uchashamisirwa anopukunyuka, uye uchataura, ukasazovazve chimumumu; uye uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.