ShonaTeam Ezekiel « 22 »

Guta reropa

22Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

2 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, uchatonga here, utonge guta reropa zhinji? Zvirokwazvo ucharizivisa zvinyangadzo zvaro zvose.

3 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti rizvisvibise!

4 Iwe wava nemhosva muropa rako rawateura, uye wazvisvibisa muzvifananidzo zvako zvawakaita; uye waswededzesa mazuva ako, uye wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakuita chishoorwa kumarudzi, nechiseko kunyika dzose.

5 Vari pedo nevari kure newe vachakuseka, iwe une zita rakasviba, uzere nebope.

6 Tarira machinda aIsraeri aiva mukati mako, umwe neumwe nechanza chake, kuteura ropa.

7 Vakazvidza baba namai mauri; vakabata nekumanikidza mweni mukati mako; vakamanikidza nherera nechirikadzi mauri.

8 Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, uye wakasvibisa masabata angu.

9 Mauri mune vanhu vanotakura makuhwa kuteura ropa, uye mauri vanodya pamusoro pemakomo, vakaita chinyangadzo mukati mako.

10 Vakafukura kushama kwemadzibaba avo mauri; vakaninipisa mauri mukadzi waiva akasvibiswa nekuva kumwedzi.

11 Zvino umwe wakaita chinyangadzo nemukadzi wewekwake; uye umwe wakasvibisa muroora wake nekuipa; uye umwe wakaninipisa hanzvadzi yake mauri, mukunda wababa vake.

12 Vakagamuchira chipo mauri kuti vateure ropa; iwe wakatora mubereko nezvakapamhidzirwa, uye wakazvifumisa nekumanikidza wekwako; uye wakandikanganwa, anoreva Ishe Jehovha.

13 Naizvozvo, tarira, ndakarova ruoko rwangu pamusoro pefuma yako yakaipa yawakaita, nepamusoro peropa rako raiva mukati mako.

14 Moyo wako ungamira here, kana maoko ako asimbe, pamazuva andichabata newe? Ini Jehovha ndakataura, zvino ndichaita.

15 Zvino ndichakukusha pakati pemarudzi, nekukuparadzira mudzinyika, uye ndichapedza tsvina yako kubva kwauri.

16 Zvino uchasvibiswa mukati mako pameso emarudzi; zvino uchaziva kuti ndiri Jehovha.

17 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

18 Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri yava marara kwandiri; vose vava ndarira netini nedare nemutobvu mukati mevira; vava marara esirivha.

19 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti mose mava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusarema.

20Sezvavanounganidza sirivha nendarira nedare nemutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo kunyausa, saizvozvo ndichakuunganidzai mukutsamwa kwangu nemuhasha dzangu, ndigosiya nekunyausa.

21 Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai nekukupfutidzai mumoto wehasha dzangu; zvino muchanyauswa mukati mawo.

22 Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imwi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.

23 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

24 Mwanakomana wemunhu, uti kwairi: Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunaiwa pazuva reshungu.

25 Rangano yevaporofita vayo mukati mayo yakaita seshumba inoomba ichibvambura chijimbiwa; vakadya mweya yeupenyu, ndokutora fuma nezvinokosha; vakawanza chirikadzi dzayo mukati mayo.

26 Vapristi vayo vakabata murairo wangu nechisimba, uye vakasvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havana kuisa mutsauko pazvitsvene nezvakasviba, uye havana kuratidza mutsauko pazvisina kuchena nezvakachena; uye vakavanza meso avo pamasabata angu; naizvozvo ndakasvibiswa pakati pavo.

27 Machinda ayo mukati mayo vakaita semapere anobvambura zvakajimbiwa, kuti vateure ropa, kuti vaparadze mweya yeupenyu, kuti vawane pundutso isakavimbika.

28 Nevaporofita vayo vakavavuwa nemazivhu, vachiona zvisina maturo, uye vachivaukira nhema, vachiti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha; izvo Jehovha haana kutaura.

29 Vanhu venyika vakamanikidza manikidzo, nekupamba zvakapambiwa; uye vakamanikidza murombo neanoshaiwa, uye vakamanikidza mutorwa pasina mutongo.

30 Zvino ndakatsvaka munhu pakati pavo angagadzira ruzhowa, ndokumira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana umwe.

31 Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nemoto wehasha dzangu; ndakapa nzira yavo pamusoro pemusoro wavo, anoreva Ishe Jehovha.