ShonaTeam Ezekiel « 21 »

Munondo waJehovha

21Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kuJerusarema, udonhedze shoko nechekudzinzvimbo tsvene, uporofite uchipokana nenyika yaIsraeri;

3 zvino uti kunyika yaIsraeri: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndinopokana newe, uye ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara mawo, uye ndichagura kubva kwauri wakarurama newakaipa.

4 Zvandichagura kubva kwauri wakarurama newakaipa, naizvozvo munondo wangu uchabuda kubva mumuhara mawo kurwisana nenyama yose kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba.

5 Kuti nyama yose izive kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara mawo; haungadzokerizve.

6 Naizvozvo, iwe mwanakomana wemunhu, gomera nekupwanyika kwechiuno uye nekurwadza, gomera pamberi pemeso avo.

7 Zvino zvichaitika pavachati kwauri: Unogomererei? kuti uchati: Nekuda kweshoko, nokuti rinouya; zvino moyo umwe neumwe uchanyauka, nemaoko ose achashaiwa simba, nemweya wose uchaziya, uye mabvi ose achayerera semvura; tarirai, rinouya, uye richaitika, anoreva Ishe Jehovha.

8 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

9 Mwanakomana wemunhu, porofita, zvino uti: Anoreva seizvi Ishe: Uti: Munondo, munondo warodzwa, uyewo wabwinyiswa.

10 Warodzwa kuti uuraye zvekuuraya; wabwinyisirwa kuti uve nekupenya. Tichafara here? Tsvimbo yemwanakomana wangu inozvidza muti umwe neumwe.

11 Zvino wakapa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe neruoko; munondo uyu warodzwa, uye wabwinyiswa, kuupa muruoko rwemuurayi.

12 Chema, uungudze, mwanakomana wemunhu, nokuti uchava pamusoro pevanhu vangu, uchava pamusoro pemachinda ose aIsraeri; vachakandwa pamusoro pemunondo pamwe nevanhu vangu; naizvozvo rova pachidya.

13 Nokuti kuidzwa; zvino zvichava sei kana tsvimbo ichizvidzawo? Hazvingavipo, anoreva Ishe Jehovha.

14 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, porofita, urove ruoko paruoko; zvino munondo ngaupamhidzirwe kechitatu, munondo wevakaurawa, munondo wevakuru vakaurawa, uchavapoteredza.

15 Ndakamisa kwakapinza kwemunondo pamisuwo yavo yose, kuti moyo unyunguduke nezvigumbuso zviwande. Haiwa! Wakaitwa kuti upenyese, wakarodzwa kuti uuraye.

16 Zviunganidzei, muende kurudyi, zvimisei, muende kuruboshwe, kwakamiswa chiso chako.

17 Neniwo ndicharova ruoko rwangu paruoko rwangu, uye ndichazorodza hasha dzangu. Ini Jehovha ndataura.

18 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

19 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvimisire nzira mbiri, kuti munondo wamambo weBhabhironi usvike; dziri mbiri dzichabuda munyika imwe; uye sarudza nzvimbo, sarudza pamusoro wenzira yeguta.

20 Misa nzira kuti munondo uuye kuRabha revaAmoni, nekuna Judha muJerusarema rakashoshewa.

21 Nokuti mambo weBhabhironi wakamira pamharadzano dzenzira, pamusoro wenzira mbiri, kuti auke kuuka, achukuche miseve, abvunze zvifananidzo, ndokutarisa pachiropa.

22 Muruoko rwake rwerudyi maiva nekuuka pamusoro peJerusarema, kumisa makondohwe ekuputsanya, kuzarura muromo pakuuraya, kusimudzira inzwi pakudanidzira, kumisa makondohwe ekuputsanya kurwisa masuwo, kututira murwi, kuvaka nhare.

23 Asi zvichava kwavari sekuuka kwenhema pamberi pemeso avo, ivo vakavapikira dzimhiko; asi iye acharangarira kusarurama, kuti vabatwe.

24 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu kwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa muzviito zvenyu zvose, zvamakarangarirwa, muchabatwa neruoko.

25 Zvino iwe, muchinda waIsraeri wakasviba wakaipa, wezuva rake rasvika, panguva yechitadzo chekupedzisira,

26 anoreva seizvi Ishe Jehovha: Bvisa nguwani yeupristi, uye kurura korona; izvi hazvingavi zvakangodaro; kwiridzira wepasi, uye deredza wakakwirira.

27 Ndichazviita matongo, matongo, matongo; izvi hazvichazovipo, kusvika asvika iye ane mutongo, wandakapa izvo.

28 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, porofita uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha pamusoro pevaAmoni uye pamusoro peshooro yavo; zvino iwe uti: Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyiswa kuuraya, kuti upedze, kuti upenye.

29 Vachiri kukuonera zvisina maturo, vachiri kukuukira nhema, kukuuisa pamitsipa yevanouraya vevakaipa, vezuva ravo rasvika, panguva yechitadzo chekupedzisira.

30 Dzosera mumuhara wawo. Ndichakutonga panzvimbo yawakazvarirwa, panyika yechizvarigo chako.

31 Zvino ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichafuridzira kurwisana newe mumoto wehasha dzangu; uye ndichakukumikidza muruoko rwevanhu vane upengo, nyanzwi pakuparadza.

32 Iwe uchava kudya kwemoto, ropa rako richava pakati penyika, hauchazorangarirwi; nokuti ini Jehovha ndataura.