ShonaTeam Ezekiel « 20 »

VaIsraeri vanopandukira Jehovha

20Zvino zvakaitika mugore rechinomwe, mune wechinomwe, neregumi remwedzi, kwakauya vamwe vevakuru vaIsraeri kuzobvunza Jehovha, ndokugara pamberi pangu.

2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

3 Mwanakomana wemunhu, taura kuvakuru vaIsraeri, ugoti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Mauya kuzobvunza kwandiri here? Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo handingabvunzwi nemwi.

4 Uchavatonga here, mwanakomana wemunhu, uchatonga here? Vazivise zvinyangadzo zvemadzibaba avo.

5 Ugoti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, nekusimudzira ruoko rwangu kumbeu yeimba yaJakove, nekuzvizivisa kwavari munyika yeEgipita, pandakasimudzira ruoko rwangu kwavari ndichiti: Ndiri Jehovha Mwari wenyu.

6 Pazuva iro ndakasimudzira ruoko rwangu kwavari, kuvabudisa kubva munyika yeEgipita, ndivaise kunyika yandakavashorera, inoyerera mukaka neuchi, inova kubwinya kwenyika dzose.

7 Zvino ndakati kwavari: Rasai umwe neumwe zvinyangadzo zvemeso ake, uye musazvisvibisa nezvifananidzo zveEgipita. Ndiri Jehovha Mwari wenyu.

8 Asi vakandipandukira, ndokusada kuteerera kwandiri; havana umwe neumwe kurasa zvinyangadzo zvemeso avo, uye havana kusiya zvifananidzo zveEgipita. Ipapo ndakati: Ndichadurura kupfuta kwangu pamusoro pavo kupedzisa kuvatsamwira kwangu pakati penyika yeEgipita.

9 Asi ndakaita nekuda kwezita rangu, kuti rirege kusvibiswa pameso emarudzi avaiva pakati pawo, andakazvizivisa kwaari pameso awo, pakuvabudisa kubva munyika yeEgipita.

10 Naizvozvo ndakavabudisisa kubva munyika yeEgipita, ndokuvaunza murenje.

11 Zvino ndakavapa mitemo yangu, nekuvazivisa mitongo yangu, izvo munhu akazviita achararama mazviri.

12 Uye ndakavapawo masabata angu, kuva chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndiri Jehovha anovaita vatsvene.

13 Asi imba yaIsraeri yakandipandukira murenje; havana kufamba mumitemo yangu, uye vakazvidza mitongo yangu, iyo munhu akaiita, achararama mairi; uye vakasvibisa masabata angu zvikuru, ipapo ndakati: Ndichadururira kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.

14 Asi ndakaita nekuda kwezita rangu, kuti risasvibiswa pameso pemarudzi andakavabudisa pameso pawo.

15 Uyewo ini ndakasimudzira ruoko rwangu kwavari murenje, kuti handingavauisi kunyika yandaiva ndapa, inoyerera mukaka neuchi, inova kubwinya kwenyika dzose;

16 nokuti vakazvidza mitongo yangu, uye havana kufamba mumitemo yangu, asi vakasvibisa masabata angu, nokuti moyo wavo wakatevera zvifananidzo zvavo.

17 Zvakadaro ziso rangu rakavarega kubva pakuvaparadza uye handina kuvapedza murenje.

18 Asi ndakati kuvana vavo murenje: Musafamba mumitemo yemadzibaba enyu, uye musachengeta mitongo yavo, uye musazvisvibisa nezvifananidzo zvavo.

19 Ndiri Jehovha Mwari wenyu; fambai mumitemo yangu, uye chengetai mitongo yangu, muzviite.

20 Zvino muite masabata angu matsvene; zvino achava chiratidzo pakati pangu nemwi, kuti muzive kuti ndiri Jehovha Mwari wenyu.

21 Asi vana vakandipandukira; havana kufamba mumitemo yangu, uye havana kuchengeta mitongo yangu, kuti vazviite; zvinoti munhu akazviita achararama mazviri; vakasvibisa masabata angu; ipapo ndakati: Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kupedzisa kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.

22 Zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nekuda kwezita rangu, kuti rirege kusvibiswa pamberi pemeso emarudzi, pandakavabudisa pamberi pemeso awo.

23 Ini ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndivakushire pakati pemarudzi, nekuvaparadzira munyika zhinji;

24 nokuti havana kuita mitongo yangu, asi vakazvidza mitemo yangu, uye vakasvibisa masabata angu, nemeso avo aiva shure kuzvifananidzo zvemadzibaba avo.

25 Ini ndakavapawo mitemo yaiva isina kunaka, nemitongo yavaiva vasingararami nayo.

26 Zvino ndakavasvibisa muzvipo zvavo, pakuti vakapfuudza nemumoto chose chakazarura chizvaro, kuti ndivaite dongo, kuitira kuti vazive kuti ndiri Jehovha.

27 Naizvozvo, mwanakomana wemunhu, taura kuimba yaIsraeri, uye uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Madzibaba enyu akandinyombazve pachinhu ichi, kuti vakanditadzira chitadzo.

28 Pandakavaunza munyika, yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kwavari, ipapo vakaona chikomo chimwe nechimwe chakakwirira, nemiti yose mikobvu, ndokupa ipapo zvibairo zvavo, uye ipapo vakapa kutsamwisa kwechipo chavo, vakaitapowo hwema hwavo hunonhuhwira, ndokudururapo zvipo zvavo zvechinwiwa.

29 Zvino ndakati kwavari: Nzvimbo yakakwirira chii yamunoenda kwairi? Uye zita rayo rinonzi Nzvimbo Yakakwirira kusvika zuva rino.

30 Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Muchasvibiswa netsika yemadzibaba enyu here? Uye muchaita ufeve kutevera zvinyangadzo zvavo here?

31 Nokuti pamunopa zvipo zvenyu, pamunopfuudza vanakomana venyu nemumoto, munosvibiswa nezvifananidzo zvenyu zvose, kusvika pazuva rino; zvino ini ndichabvunzwa nemwi here, imwi imba yaIsraeri? Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, handingabvunzwi nemwi.

32 Neizvo zvinopinda mupfungwa yenyu hazvingatongovipo, zvamunoti: Tichava sevechirudzi, semhuri dzenyika zhinji, kushumira danda neibwe.

33Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo nechanza chine simba uye neruoko rwakatandavadzwa uye nehasha dzakadururwa ndichatonga pamusoro penyu.

34 Zvino ndichakubudisai kubva muvanhu, uye ndichakuunganidzai kubuda munyika zhinji mamakaparadzirwa, nechanza chine simba uye neruoko rwakatandavadzwa uye nehasha dzakadururwa.

35 Zvino ndichakuunzai murenje revanhu, uye ndichakutongai ipapo chiso nechiso.

36 Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeEgipita, saizvozvo ndichakutongai, anoreva Ishe Jehovha.

37 Zvino ndichakupfuudzai nepasi petsvimbo, uye ndichakuunzai muchisungo chesungano.

38 Zvino ndichanatsa ndibvise pakati penyu vapanduki, nevanonditadzira. Ndichavabudisa kubva munyika mavagere sevatorwa, uye havangapindi munyika yaIsraeri; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

39 Kana muri imwi, imba yaIsraeri, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Endai, munoshumira umwe neumwe zvifananidzo zvake, uye shure kweizvozvi, kana musingateereri kwandiri; asi musingachasvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.

40 Nokuti mugomo rangu dzvene, mugomo rakakwirira raIsraeri, anoreva Ishe Jehovha, ipapo imba yose yaIsraeri, vose vari munyika, vachandishumira; ipapo ndichavagamuchira, uye ipapo ndichadana zvipo zvenyu, nezvibereko zvekutanga zvezvinopiwa zvenyu, pamwe nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.

41 Ndichakugamuchirai nehwema hunonhuhwira kana ndichikubudisai kubva muvanhu nekukuunganidzai kubva kunyika kwamakaparadzirwa kwadziri, zvino ndichaitwa mutsvene mamuri pamberi pemeso emarudzi.

42 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, pandichakuunzai munyika yaIsraeri, munyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kumadzibaba enyu.

43 Zvino ipapo mucharangarira nzira dzenyu, nezviito zvenyu zvose, mamakasvibiswa mazviri, zvino muchazvisema pamberi pechiso chenyu pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.

44 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndaita kwamuri izvi nekuda kwezita rangu, kwete zvichienderana nenzira dzenyu dzakaipa kana kuenderana nezviito zvenyu zvakaora, imwi imba yaIsraeri, anoreva Ishe Jehovha.

Shoko pamusoro pechamhembe

45 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

46 Mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kurutivi rwechamhembe, udonhedze shoko kuchamhembe, ugoporofita pamusoro pesango remunda wekuchamhembe.

47 Uye uti kusango rekuchamhembe: Inzwa shoko raJehovha: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uye iwo uchapedza muti umwe neumwe mutema mukati mako, nemuti umwe neumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, uye zviso zvose kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba zvichapiswa mauri.

48 Zvino nyama yose ichaona kuti ini Jehovha ndaubatidza; haungadzimwi.

49 Ipapo ndakati: Aiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu: Haasi mutauri wemifananidzo here?