ShonaTeam Ezekiel « 19 »

Shungu pamusoro pemachinda aIsraeri

19Zvino iwe, simudzira mariro machinda aIsraeri;

2 zvino uti: Mai vako chii? Shumbakadzi yakarara pakati pedzishumba; yakarera imbwanana dzayo pakati peshumba diki.

3 Zvino yakarera imwe yeimbwanana dzayo; ikava shumba diki, ndokudzidza kubata chijimbiwa, ikadya vanhu.

4 Marudzi akanzwawo nezvayo; yakabatwa mugomba rawo; iwo akaiunza iri mumaketani kunyika yeEgipita.

5 Payakaona kuti yaiva yamirira, tariro yayo yakarasika, zvino yakatora imwe yeimbwanana dzayo, ikaiita shumba diki.

6 Zvino yakafamba-famba pakati pedzishumba, yakava shumba diki, ndokudzidza kubata chijimbiwa, ikadya vanhu.

7 Zvino yakaziva matongo avo, ndokuparadza maguta avo; nyika ndokuva dongo nekuzara kwayo neruzha rwekuomba kwayo.

8 Ipapo marudzi akamira kurwisana nayo kumativi ose ematunhu, ndokutandira mumbure wavo pamusoro payo; yakabatwa mugomba ravo.

9 Zvino vakaiisa muchirugu nemaketani, ndokuiunza kuna mambo weBhabhironi; vakaiunza mudzinhare, kuti inzwi rayo risachinzwikwazve pamusoro pemakomo ekwaIsraeri.

10 Mai vako vakaita semuzambiringa muropa rako, wakasimwa pamvura; wakava nezvibereko ukazara nematavi nekuda kwemvura zhinji.

11 Wakava nematanda akasimba ekuva tsvimbo dzevanotonga; uye urefu hwawo hwaiva hwakakwirira pakati pematavi makobvu; uchionekera neurefu hwawo nekuwanda kwematavi awo.

12 Asi wakadzurwa mukutsamwa, wakakandwa pasi; nemhepo yekumabvazuva yakaomesa chibereko chawo; matanda awo akasimba akavhuniwa akasvava; moto ukaapedza.

13 Ikozvinowo wakasimwa murenje, muvhu rakaoma uye rine nyota.

14 Zvino moto wabuda padanda rematavi awo, ukapedza michero yawo, zvekuti wakasava nedanda rakasimba, mudonzvo wekutonga. Awa mariro, uye achava mariro.