ShonaTeam Ezekiel « 18 »

Anotadza achafa nekuda kwezvivi zvake

18Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

2 Munorevei, kuti mushandise tsumo iyi pamusoro penyika yaIsraeri, muchiti: Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino evana ndokuhwadzira?

3Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo hazvichavizve kwamuri kushandisa tsumo iyi kwaIsraeri.

4 Tarirai, mweya yeupenyu yose ndeyangu; semweya weupenyu wababa, wakadarowo mweya weupenyu wemwanakomana ndewangu; mweya weupenyu unotadza, ndiwo uchafa.

5 Asi kana munhu akarurama, uye achiita zviri pamurairo nezvakarurama,

6 asina kudyira pamusoro pemakomo, uye asina kusimudzira meso ake kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri, uye asina kusvibisa mukadzi wewekwake, uye asina kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake;

7 uye asina kumanikidza munhu, wakadzorera mukwereti chibatiso chake, asina kupamba nechisimba, wakapa chingwa chake kune ane nzara, uye wakafukidza wakashama nenguvo;

8 asina kupa achida mubereko, uye asina kutora zvakawedzerwa, wakabvisa ruoko rwake pane zvakaipa, akaita mutongo wechokwadi pakati pemunhu nemunhu;

9 wakafamba mumitemo yangu, uye wakachengeta mitongo yangu, kuita pachokwadi; iye wakarurama, achararama zvirokwazvo, anoreva Ishe Jehovha.

10 Kana akabereka mwanakomana ari gororo, muteuri weropa, kana anoita chakafanana nechimwe cheizvi;

11 uye iye asingaiti chinhu chimwe cheizvo, asi kunyange akadyira pamusoro pemakomo, uye akasvibisa mukadzi wewekwake,

12 wakamanikidza murombo neanoshaiwa, wakapamba nechisimba kwazvo, haana kudzosera chibatiso, uye wakasimudzira meso ake kuzvifananidzo, akaita zvinyangadzo,

13 wakapa achida mubereko, uye wakatora zvakawedzerwa; zvino achararama here? Haangararami; wakaita zvinyangadzo zvose izvi; achauraiwa zvirokwazvo; ropa rake richava pamusoro pake.

14 Zvino tarira, wakabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake zvavakaita, akaona, akasaita zvakadaro;

15 asina kudyira pamusoro pemakomo, uye asina kusimudzira meso ake kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri, asina kusvibisa mukadzi wewekwake,

16 uye asina kumanikidza munhu, asina kuramba nechibatiso, uye asina kupamba nechisimba, wakapa chingwa chake kune ane nzara, uye wakafukidza wakashama nenguvo,

17 wakabvisa ruoko rwake pamurombo, asina kugamuchira mubereko kana zvakawedzerwa, wakaita mitongo yangu, wakafamba mumitemo yangu; iye haangafi nekuda kwechakaipa chababa vake; achararama zvirokwazvo.

18 Baba vake, nokuti vakamanikidza zvikuru, vakapamba nechisimba zvemwana wamai vavo, uye vakaita zvisina kunaka pakati pevanhu vavo; tarirai, vachafa nekuda kwezvakaipa zvavo.

19 Asi munoti: Mwanakomana anoregerei kutakura chitadzo chababa? Kana mwanakomana aita zviri pamurairo uye zvakarurama, wakachengeta mitemo yangu yose nekuiita, achararama zvirokwazvo.

20 Mweya weupenyu unotadza, ndiwo uchafa. Mwanakomana haangatakuri chitadzo chababa, uye baba havangatakuri chitadzo chemwanakomana; kururama kwewakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwewakaipa kuchava pamusoro pake.

21 Asi kana wakaipa akatendeuka kubva pazvivi zvake zvose zvaakaita, nekuchengeta mitemo yangu yose, nekuita zviri pamurairo uye zvakarurama, achararama zvirokwazvo, haangafi.

22 Zvitadzo zvake zvose zvaakaita hazvingarehwi kwaari; mukururama kwake kwaakaita achararama.

23 Ndingafarira zvekufarira here rufu rwewakaipa? anoreva Ishe Jehovha; kwete kuti atendeuke panzira dzake agorarama here?

24 Asi kana wakarurama akatendeuka kubva pakururama kwake, ndokuita chitadzo, akaita zvinoenderana nezvinyangadzo zvose wakaipa zvaanoita, angararama here? Kururama kwake kose kwaakaita hakungarehwi; muchitadzo chake chaakatadza, uye muchivi chake chaakaita, achafira mazviri.

25 Zvakadaro munoti: Nzira yaIshe haina kuenzana. Inzwai ikozvino, imwi imba yaIsraeri, nzira yangu haina kuenzana here? Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kuenzana here?

26 Wakarurama paanotendeuka kubva pakururama ndokuita zvitadzo ndokufira mazviri, nekuda kwezvitadzo zvaakaita, achafa.

27 Uye kana wakaipa akatendeuka kubva pakuipa kwake kwaakaita, uye akaita zviri pamurairo nezvakarurama, iye achaponesa mweya weupenyu wake uri mupenyu.

28 Zvaakaona, ndokutendeuka kubva pazvitadzo zvake zvose zvaakaita, achararama zvirokwazvo, haangafi.

29 Zvakadaro imba yaIsraeri inoti: Nzira yaIshe haina kuenzana. Imba yaIsraeri, nzira dzangu hadzina kuenzana here? Hadzisi nzira dzenyu dzisina kuenzana here?

30 Naizvozvo ndichakutongai, imba yaIsraeri, umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake, anoreva Ishe Jehovha. Dzokai, mutendeuke kubva pazvitadzo zvenyu zvose, kuti chakaipa chisava chigumbuso kwamuri.

31 Rasai kure nemwi zvitadzo zvenyu zvose zvamakatadza, muzviitire moyo mutsva nemweya mutsva; nokuti muchafirei, imba yaIsraeri?

32 Nokuti handifariri rufu rweunofa, anoreva Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.