ShonaTeam Ezekiel « 15 »

Jerusarema rakaita semuzambiringa usina zvibereko

15Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, muti wemuzambiringa unopfuura miti yose nei, davi riri pakati pemiti yemusango?

3 Danda ringatorwa pauri kuita basa here? Vangatora pauri mbambo here kuti varemberedze mudziyo upi neupi pairi?

4 Tarirai, unoiswa mumoto uve chekudya; moto unopedza micheto miviri yawo, nepakati pawo panopiswa; unobatsira basa here?

5 Tarirai, pawaiva wakaperera, hauna kuitwa uve basa. Uchaitwa uve basa zvishoma sei moto paunenge waupedza wapiswa!

6 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Semuti wemuzambiringa pakati pemiti yemusango, wandakapa kumoto uve chekudya, saizvozvo ndichaita vagari veJerusarema.

7 Zvino ndichavaringira chiso changu; vachabuda kubva mumoto kuti umwe moto uvaparadze; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndichivaringira chiso changu.

8 Zvino ndichaitisa nyika dongo, nokuti vakatadza chitadzo, anoreva Ishe Jehovha.