ShonaTeam Ezekiel « 14 »

Vanonamata zvifananidzo vacharohwa naJehovha

14Zvino kwakasvika kwandiri vamwe vevakuru vaIsraeri ndokugara pamberi pangu.

2 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

3 Mwanakomana wemunhu, vanhu ava vakamisa zvifananidzo zvavo mumoyo wavo, uye vakaisa chigumbuso chechitadzo chavo pamberi pechiso chavo; ndingabvunzwa kwazvo navo here?

4 Naizvozvo taura kwavari, zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Munhu umwe neumwe weimba yaIsraeri anomisa zvifananidzo zvake mumoyo make, nekuisa chigumbuso chechitadzo chake pamberi pechiso chake, nekuuya kumuporofita, ini Jehovha ndichapindura uyo anouya zvichienderana nekuwanda kwezvifananidzo zvake;

5 kuti ndibate imba yaIsraeri mumoyo wavo, nokuti vose vaitwa vatorwa kwandiri nekuda kwezvifananidzo zvavo.

6 Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Dzokai, uye furatirai zvifananidzo zvenyu, uye furatidzai zviso zvenyu pazvinyangadzo zvenyu zvose.

7 Nokuti umwe neumwe weimba yaIsraeri, kana wemutorwa agere semutorwa paIsraeri anozviparadzanisa pakunditevera, ndokumisa zvifananidzo zvake mumoyo make, nekuisa chigumbuso chechitadzo chake pamberi pechiso chake, ndokuuya kumuporofita kumubvunza nezvangu: Ini Jehovha ndichamupindura ndomene.

8 Zvino ndicharingira chiso changu kupokana nemunhu uyu, uye ndichamuita chiratidzo netsumo zhinji, uye ndichamugura kubva pakati pevanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

9 Zvino kana muporofita akanyengerwa, kana ataura shoko, ini Jehovha ndanyengera muporofita uyo, uye ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pake, uye ndichamuparadza kubva pakati pevanhu vangu Israeri.

10 Zvino vachatakura mhosva yavo. Semhosva yeanobvunza, ichadaro mhosva yemuporofita;

11 kuti imba yaIsraeri isazotsaukazve kubva pakunditevera, uye isazozvisvibisazve nezvitadzo zvavo zvose; asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo, anoreva Ishe Jehovha.

Kuranga kwaJehovha kwakarurama

12 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

13 Mwanakomana wemunhu, nyika painonditadzira nekutadza kukuru, ipapo ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro payo, uye ndichavhuna mudonzvo wechingwa chayo, ndigotuma kwairi nzara, nekugura kubva kwairi munhu nemhuka.

14 Kunyange varume ava vatatu, Nowa, Dhaniyeri, naJobho vakava pakati paro, ivo vanganunura mweya yeupenyu yavo yega nekururama kwavo, anoreva Ishe Jehovha.

15 Kana ndikapfuurisa zvikara zvakaipa nemunyika, zvikaipedzera vana, ikava dongo, kuti kusava nemunhu anopfuura nekuda kwezvikara,

16kunyange varume ava vatatu vaiva pakati paro, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, havanganunuri vanakomana kana vanasikana. Ivo voga vachanunurwa, asi nyika ichava dongo.

17 Zvimwe kana ndikauisa munondo pamusoro penyika iyo, uye ndikati: Munondo, pfuura nemunyika! kuti ndigure munhu nemhuka kubva mairi;

18 kunyange varume ava vatatu vaiva pakati payo, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, havanganunuri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vomene vachanunurwa.

19 Zvimwe kana ndikatuma hosha munyika iyo, nekudurura kupfuta kwangu pamusoro payo muropa, kugura kubva mairi munhu nemhuka;

20 kana Nowa, Dhaniyeri, naJobho vaiva pakati paro, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, havanganunuri mwanakomana kana mwanasikana; ivo vachanunura mweya weupenyu wavo nekururama kwavo.

21 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvikuru sei pandinotuma mitongo yangu mina inorwadza pamusoro peJerusarema, munondo, nenzara, nechikara chakaipa, nehosha, kugura kubva mairi munhu nemhuka!

22 Asi tarirai, kuchasara mairi vakapukunyuka vachabudiswa, vanakomana nevanasikana; tarirai, vachabudira kwamuri, zvino muchaona nzira yavo nezviito zvavo, zvino muchanyaradzwa pamusoro pechakaipa chandakauisa pamusoro peJerusarema, zvose zvandakauisa pamusoro paro.

23 Zvino vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezviito zvavo; zvino muchaziva kuti handina kuita pasina chikonzero zvose zvandakaita mariri, anoreva Ishe Jehovha.