ShonaTeam Ezekiel « 13 »

13Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, porofitira vaporofita vaIsraeri vanoporofita, zvino uti kune vanoporofita kubva mumoyo yavo: Inzwai shoko raJehovha.

3 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kuvaporofita mapenzi, vanotevera mweya wavo, asi vasina kuona chinhu.

4 Israeri, vaporofita venyu vakaita semakava pamatongo.

5 Hamuna kukwira pakakoromorwa kana kugadzirira imba yaIsraeri ruzhowa kuti mumire pahondo pazuva raJehovha.

6 Vakaona zvisina maturo, nekuuka kwenhema, vaiti: Jehovha ati; asi Jehovha asina kuvatuma; uye vakatarira kusimbisa shoko.

7 Hamuna kuona chiratidzwa chisina maturo here, kana kutaura kuuka kwenhema here? Zvakadaro munoti: Jehovha wati; asi ini handina kutaura.

8 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvamakataura zvisina maturo, uye makaona nhema, naizvozvo tarirai, ndinopokana nemwi, anoreva Ishe Jehovha.

9 Zvino ruoko rwangu rwucharwa nevaporofita vanoona zvisina maturo nevanouka nhema; havangavi muungano yevanhu vangu, uye havanganyorwi muchinyorwa cheimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri; zvino muchaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.

10 Nokuti, hongu nokuti vanotsausa vanhu vangu vachiti: Rugare; iko kusina rugare; uye umwe anovaka rusvingo, uye tarira vamwe vanorwunama nedope.

11 Reva kune vanonama nedope kuti rwuchawa; kuchava nemvura inoyeredza; newe, mabwe makuru echimvuramabwe, uchawa; nedutu remhepo richatsemura.

12 Tarira, kana rusvingo rwawa, hazvinganzi here kwamuri: Riripi dope ramakanamisa?

13 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Hongu ndicharutsemusa nedutu remhepo mukupfuta kwangu, uye kuchava nemvura inokukura mukutsamwa kwangu, nemabwe echimvuramabwe mukupfuta kwangu, kurwupedza.

14 Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakanama nedope, nekurwuwisira pasi, kuti nheyo yarwo ifukurwe; zvino rwuchawa, nemwi muchapedzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

15 Saizvozvo ndichapedza kutsamwa kwangu parusvingo, nepavakarwunama nedope; zvino ndichati kwamuri: Rusvingo harwuchipo, nevakarwunama havachipo;

16zvinoreva vaporofita vaIsraeri vanoporofita pamusoro peJerusarema, nevanorionera chiratidzwa cherugare, izvo hakuna rugare, anoreva Ishe Jehovha.

17 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, ringira chiso chako kupokana nevakunda vevanhu vako, ivo vanoporofita kubva mumoyo yavo, uporofite uchipokana navo.

18 Zvino uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nhamo kune vakadzi vanosonera mazango pamagokora eruoko rwumwe nerwumwe, vanoita micheka mirefu yekufukidza pamusoro pemusoro weurefu hwupi nehwupi, kuti vavhime mweya yeupenyu. Muchavhima mweya yeupenyu yevanhu vangu here, uye muchazvichengetera mweya yeupenyu iri mipenyu here?

19 Zvino muchandisvibisa here pakati pevanhu vangu nekuda kwetsama dzebhari uye nekuda kwezvimedu zvechingwa, kuti muuraye mweya yeupenyu isingafaniri kufa, nekuchengeta iri mipenyu mweya yeupenyu isingafaniri kuva mipenyu, nekureva kwenyu nhema kuvanhu vangu vanoteerera nhema.

20 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinopokana nemazango enyu, amunovhima nawo ikoko mweya yeupenyu muchiibhururusa, zvino ndichaadimura kubva pamaoko enyu ndigorega mweya yeupenyu iende, iyo mweya yeupenyu yamunovhima kuti muibhururuse.

21 Nemicheka yenyu mirefu yekufukidza misoro ndichabvarura, zvino ndichanunura vanhu vangu kubva muruoko rwenyu, uye havachazovizve muruoko rwenyu kuti vavhimiwe. Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

22 Nokuti nenhema makarwadzisa moyo wewakarurama, wandisina kurwadzisa ini, uye makasimbisa maoko ewakaipa, kuti asadzoka kubva panzira yake yakaipa, kumuchengeta ari mupenyu.

23 Naizvozvo hamuchaonizve zvisina maturo, uye hamuchauki zvinoukwa, nokuti ndichanunura vanhu vangu kubva muruoko rwenyu; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.