ShonaTeam Ezekiel « 12 »

Mufananidzo wekutapwa

12Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, ugere pakati peimba inopanduka, ivo vane meso ekuona asi havaoni, vane nzeve dzekunzwa asi havanzwi, nokuti vari imba inopanduka.

3 Naizvozvo iwe, mwanakomana wemunhu, zviitire nhumbi dzekutama, utame masikati pamberi pemeso avo; zvino uchatama kubva panzvimbo yako kuenda kune imwe nzvimbo pamberi pemeso avo. Zvimwe vachaona kunyange vari imba inopanduka.

4 Zvino uchabudisa nhumbi dzako masikati senhumbi dzekutama pamberi pemeso avo; uye iwe uchabuda madekwani pamberi pemeso avo, sekubuda kwevanotama.

5 Zvino uzviboorere rusvingo pamberi pemeso avo, udzibudise nepo.

6 Uchadzitakura pafudzi pamberi pemeso avo, udzibudise kwasviba; uchafukidza chiso chako kuti usaona ivhu; nokuti ndakakuisa kuva chiratidzo kuimba yaIsraeri.

7 Zvino ndakaita saizvozvo sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati senhumbi dzekutama; uye madekwani ndikazviboorera rusvingo neruoko; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi pamberi pemeso avo.

8 Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

9 Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri, imba yekupanduka, havana here kuti kwauri: Unoitei?

10 Uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uyu mutoro wemuchinda paJerusarema neimba yose yaIsraeri iri pakati pavo.

11 Uti: Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita, zvichaitwa saizvozvo kwavari; vachaenda mukutamiswa, muutapwa.

12 Zvino muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi pafudzi kwasviba ndokubuda; vachaboora nemurusvingo kuti vabudise nepo; achafukidza chiso chake, kuti iye asaona ivhu nemeso.

13 Zvino ndichamuwaridzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu, uye ndichamuunza muBhabhironi, nyika yevaKaradhiya; asi haangaioni, kunyange achafirako.

14 Nevose vakamupoteredza kumubatsira, nemapoka ake ose, ndichaparadzira kumhepo imwe neimwe, uye ndichavhomora munondo shure kwavo.

15 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, pandichavaparadzira pakati pemarudzi, nekuvarashanya mudzinyika.

16 Asi ndichasiya varume vashoma kwavari vabve pamunondo, panzara, nepahosha, kuti varondedzere zvinyangadzo zvavo zvose pakati pevahedheni kwavanosvikapo; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.

17 Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti:

18 Mwanakomana wemunhu, uchadya chingwa chako nekubvunda, nekunwa mvura yako nekudedera nekungwarira.

19 Zvino uti kuvanhu vepanyika: Anoreva seizvi Ishe Jehovha pamusoro pevagari veJerusarema munyika yaIsraeri: Vachadya chingwa chavo nekungwarira, nekunwa mvura yavo nekukanganiswa, kuti nyika yepo iitwe dongo nekuzara kwayo, nekuda kwechisimba chavo vose vageremo.

20 Zvino maguta anogarwa achava matongo, nenyika ichava renje; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

21 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

22 Mwanakomana wemunhu, tsumo iyi chii yamunayo munyika yaIsraeri inoti: Mazuva anorebeswa, asi chiratidzo chose chichaparara?

23 Naizvozvo uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichagumisa tsumo iyi, uye havachaishandisizve setsumo kwaIsraeri. Asi uti kwavari: Mazuva ava pedo, neshoko rechiratidzo chose.

24 Nokuti hakuchazovizve nechiratidzo chose chisina maturo kana kuuka kunobata kumeso pakati peimba yaIsraeri.

25 Nokuti ini Jehovha ndichataura; shoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti mumazuva enyu, iwe imba inopanduka, ndichareva shoko, uye ndichariita, anoreva Ishe Jehovha.

26 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

27 Mwanakomana wemunhu, tarira, vemba yaIsraeri vanoti: Chiratidzo chaanoona ndechemazuva mazhinji, uye anoporofita zvenguva dziri kure.

28 Naizvozvo uti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Hakuna rimwe remashoko angu richazononokazve; shoko randakataura richaitika, anoreva Ishe Jehovha.