ShonaTeam Ezekiel « 11 »

Vakuru veJerusarema vachatongwa

11Zvino Mweya wakandisimudza ndokundiunza pasuwo remabvazuva reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva; zvino tarira, pamukova wesuwo paiva nevarume makumi maviri nevashanu; uye pakati pavo ndakaona Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu.

2 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, ava varume vanofunga zvakaipa, uye vanoraira zano rakaipa muguta iri;

3 vanoti: Hazvisati zvava pedo kuvaka dzimba; guta iri igate, uye isu tiri nyama.

4 Naizvozvo porofita uchipokana navo, porofita, mwanakomana wemunhu.

5 Zvino Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, ndokuti kwandiri: Taura: Anoreva seizvi Jehovha: Ndizvo zvamakareva imwi imba yaIsraeri; nokuti zvinobva mupfungwa yenyu, ini ndinozviziva.

6 Makawanza vakaurawa venyu muguta iri, ndokuzadza nzira dzaro dzemumusha nevakaurawa.

7 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Vakaurawa venyu vamakaradzika mukati maro, ivo inyama, asi iri igate, asi imwi ndichakubudisai mukati maro.

8 Makatya munondo, zvino ndichaunza munondo pamusoro penyu, anoreva Ishe Jehovha.

9 Zvino ndichakubudisai mukati maro, nekukukumikidzai muruoko rwevatorwa, uye ndichaita mutongo pakati penyu.

10 Muchawa nemunondo; ndichakutongai mumuganhu waIsraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.

11Guta iri haringavi gate renyu kana imwi kuva nyama mukati maro; ndichakutongai mumuganhu waIsraeri.

12 Zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu uye hamuna kuita mitongo yangu, asi makaita maererano nemitongo yevatorwa vakakupoteredzai.

13 Zvino zvakaitika pandakaporofita kuti Peratiya mwanakomana waBhenaya wakafa. Zvino ndakawa nechiso changu ndokudanidzira neinzwi guru ndokuti: Haiwa, Ishe Jehovha, imwi muchapedza vakasara vaIsraeri here?

14 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

15 Mwanakomana wemunhu, hama dzako, varume veukama hwako, neimba yose yaIsraeri yose, ndivo vagari veJerusarema vavakati kwavari: Ibvai kure naJehovha, nyika iyi yakapiwa isu kuva nhaka.

16 Naizvozvo uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Kunyange ndakavaisa kure pakati pevahedheni, uye kunyange ndakavaparadzira pakati penyika zhinji, zvakadaro ndichava kwavari senzvimbo tsvene diki kunyika dzavachasvika kwadziri.

17 Naizvozvo uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichakukokorodzaiwo kubva kumarudzi, uye ndichakuunganidzai kubva kunyika dzamakaparadzirwa kwadziri, uye ndichakupai nyika yaIsraeri.

18 Zvino vachasvikamo ndokubvisa zvose zvinosemesa zvaro nezvinyangadzo zvaro zvose kubvapo.

19 Zvino ndichavapa moyo umwe, nemweya mutsva ndichapa pakati pavo, uye ndichabvisa mweya weibwe kubva munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;

20 kuti vafambe muzvimiso zvangu, nekuchengeta mitemo yangu, nekuzviita. Zvino vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.

21 Asi vemoyo wavo unofamba uchitevera moyo wezvinosemesa zvavo nezvinyangadzo zvavo, ndichaunza nzira yavo pamusoro wavo, anoreva Ishe Jehovha.

22 Zvino makerubhi akasimudza mapapiro awo, nemavhiri parutivi rwawo; uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaiva pamusoro pawo nechekumusoro.

23 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakwira kubva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.

24 Zvino Mweya wakandisimudza ndokundiisa kuKaradhiya muchiratidzo cheMweya waMwari, kuna vakatapwa. Saizvozvo chiratidzo chandakaona chakakwira kubva kwandiri.

25 Zvino ndakataura kune vakatapwa zvinhu zvose Jehovha zvaakandionesa.