ShonaTeam Ezekiel « 10 »

Kubwinya kwaJehovha kunobva mutembere

10Zvino ndakaona, uye tarira, muchadenga chaiva pamusoro pemusoro wemakerubhi, kwakaonekwa pamusoro pawo sechaiva sebwe resafire, sekuonekwa kwemufananidzo wechigaro cheushe.

2 Zvino wakataura kumurume wakapfeka mucheka wakapfava, ndokuti: Pinda mukati memavhiri, pasi pekerubhi, zvino uzadze zvanza zvemaoko ako nemazimbe emoto kubva pakati pemakerubhi, zvino ukushe pamusoro peguta. Zvino wakapinda pamberi pemeso angu.

3 Zvino makerubhi aiva akamira parutivi rwerudyi rweimba, murume uyu paakapinda; gore ndokuzadza chivanze chemukati.

4 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakakwira kubva pakerubhi, pamusoro pechikumbaridzo cheimba; imba ndokuzara negore, nechivanze ndokuzara nekupenya kwekubwinya kwaJehovha.

5 Zvino ruzha rwemapapiro emakerubhi rwakanzwikwa kusvika kuchivanze chekunze, seinzwi raMwari Wemasimbaose kana achitaura.

6 Zvino zvakaitika araira murume waiva akapfeka mucheka wakapfava achiti: Tora moto kubva pakati pemavhiri, kubva pamakerubhi; ipapo akapinda ndokumira parutivi rwemavhiri.

7 Zvino kerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kubva pakati pamakerubhi kumoto waiva pakati pemakerubhi, ndokutorapo ndokuuisa muzvanza zvewaiva akapfeka mucheka wakapfava; iye ndokuutora ndokubuda.

8 Zvino kwakaonekwa mumakerubhi chimiro cheruoko rwemunhu pasi pemapapiro awo.

9 Zvino ndakaona, uye tarira, mavhiri mana parutivi rwemakerubhi, vhiri rimwe parutivi rwekerubhi rimwe, uye rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe; zvino kuonekwa kwemavhiri kwaiva kwakaita seruvara rweibwe rebheriri.

10 Pakuonekwa kwawo, iwo ari mana aiva nemufananidzo umwe, sezvinonzi vhiri raiva mukati mevhiri.

11 Pakuenda kwawo, aienda nemativi awo mana; haana kutsauka paaifamba, asi nzvimbo kwaaiva akatarisa musoro akaitevera; haana kutsauka pakufamba kwawo.

12 Zvino muviri wawo wose, nemisana yawo, nemaoko awo, nemapapiro awo, nemavhiri, zvaiva zvizere meso kupoteredza, mavhiri awo ari mana aaiva nawo.

13 Kana ari mavhiri, kwakadanidzirwa kwaari munzeve dzangu: Vhiri!

14 Zvino rimwe nerimwe raiva nezviso zvina; chiso chekutanga chaiva chiso chekerubhi, uye chiso chechipiri chaiva chiso chemunhu, uye chechitatu chaiva chiso cheshumba, nechechina chaiva chiso chegondo.

15 Zvino makerubhi ndokuzvisimudza. Ichi chisikwa chipenyu chandakaona parwizi rweKebhari.

16 Zvino makerubhi paaifamba, mavhiri akafamba kurutivi rwawo; uye makerubhi paakasimudza mapapiro awo kuti akwire abve panyika, mavhiri iwayo haana kudzoka kubva kurutivi rwawo.

17 Paaimira, aimira, uye paaisimuka, aizvisimudzawo; nokuti mweya wechisikwa chipenyu waiva mukati mawo.

18 Zvino kubwinya kwaJehovha kwakabuda kubva pachikumbaridzo cheimba, ndokumira pamusoro pamakerubhi.

19 Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokukwira kubva panyika pamberi pemeso angu, paaibuda, mavhiriwo aiva parutivi rwawo, uye akamira pamukova wesuwo rekumabvazuva reimba yaJehovha; uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaiva pamusoro pawo.

20 Ichi chisikwa chipenyu chandakaona pasi paMwari waIsraeri parwizi rwaKebhari; zvino ndikaziva kuti aiva makerubhi.

21 Rimwe nerimwe raiva nezviso zvina, uye rimwe nerimwe raiva nemapapiro mana; nemufananidzo wemaoko emunhu pasi pemapapiro awo.

22 Kana uri mufananidzo wezviso zvawo, ndizvo zviso zvandakaona parwizi rweKebhari, kuonekwa kwazvo, naizvo pachazvo; zvakafamba, chimwe nechimwe pamberi pechiso chacho.