ShonaTeam Ezekiel « 8 »

Kushumirwa kwezvifananidzo mutembere

8Zvino zvakaitika mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu, nereshanu remwedzi, ini ndigere muimba yangu, uye vakuru vaJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha ndokuwirapo pamusoro pangu.

2 Zvino ndakaona, uye tarira, mufananidzo sekuonekwa kwemoto; kubva pakuonekwa kwechiuno chake zvichiburukawo, moto; uye kubva pachiuno chake zvichikwira sekuonekwa kwekupenya, seruvara rwendarira.

3 Zvino wakatandavadza chimiro cheruoko, ndokunditora nemhotsi yemusoro wangu; Mweya ndokundisimudza pakati penyika nematenga, ndokundiunza kuJerusarema muzviratidzo zvaMwari, kumukova wesuwo rechivanze chemukati wakananga kumaodzanyemba, paiva nechigaro chechifananidzo chegodo, chinomutsa godo.

4 Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaivapo, zvinoenderana nechiratidzo chandakaona mumupata.

5 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, simudzira hako meso ako kunzira yakananga kumaodzanyemba. Naizvozvo ndakasimudzira meso angu kunzira yakananga kumaodzanyemba; zvino tarira, kumaodzanyemba pasuwo rearitari chifananidzo ichi cheshanje panopindwa napo.

6 Akatizve kwandiri: Mwanakomana wemunhu, unoona zvavanoita here? Zvinyangadzo zvikuru imba yaIsraeri zvairi kuita pano, kuti ndive kure nenzvimbo yangu tsvene here? Asi uchaonazve zvimwe zvinyangadzo zvikuru.

7 Zvino wakandiunza kumukova wechivanze, uye pandakatarisa, tarira buri pamadziro.

8 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, chera ikozvino pamadziro; zvino pandakachera pamadziro, tarira, mukova.

9 Zvino wakati kwandiri: Pinda, zvino tarira zvinyangadzo zvakaipa zvavanoita pano.

10 Zvino ndakapinda ndokuona, zvino tarira, rudzi rumwe nerumwe rwechinokambaira, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri, zvakavezwa pamadziro mativi ose akapoteredza.

11 Zvino varume makumi manomwe vevakuru veimba yaIsraeri vaiva vakamira pamberi pazvo, uye Jaazaniya mwanakomana waShafani waiva akamira pakati pavo; uye umwe neumwe hadyana yake yezvinonhuhwira muruoko rwake; uye gore gobvu rezvipfungaidzo zvinonhuhwira richikwira.

12 Zvino iye wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, waona here vakuru veimba yaIsraeri zvavanoita murima, umwe neumwe mumakamuri emifananidzo yake? Nokuti vanoti: Jehovha haationi; Jehovha wakasiya nyika.

13 Zvino wakati kwandiri: Uchaonazve zvimwe zvinyangadzo zvikuru zvavanoita.

14 Zvino wakandiunza kumukova wesuwo reimba yaJehovha raiva kumaodzanyemba; zvino tarira, kwaiva kugerepo vakadzi vachichema Tamuzi.

15 Zvino wakati kwandiri: Waona here, iwe mwanakomana wemunhu? Uchaonazve zvimwe zvinyangadzo zvikuru kupfuura izvi.

16 Zvino wakandiunza muchivanze chemukati cheimba yaJehovha; uye tarira, pamukova wetembere yaJehovha pakati peberere nearitari pane varume vanenge makumi maviri nevashanu; misana yavo yakatarisa kutembere yaJehovha, uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva; uye ivo vaishumira zuva kumabvazuva.

17 Zvino wakati kwandiri: Waona here, iwe mwanakomana wemunhu? Chinhu chakareruka here kuimba yaJudha kuti vaite zvinyangadzo zvavanoita pano? Nokuti vakazadza nyika nechisimba, zvino vakadzoka kunditsamwisa. Zvino tarira, vanoisa davi kumhino yavo.

18 Naizvozvo neni ndichaita nekupfuta; ziso rangu haringavi netsitsi, uye handingaregi; kunyange vakachema munzeve dzangu neinzwi guru, handingavanzwi.