ShonaTeam Ezekiel « 7 »

Kuguma kwaIsraeri

7Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti:

2 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, anoreva seizvi Ishe Jehovha kunyika yaIsraeri: Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.

3 Ikozvino kuguma kuri pamusoro pako; zvino ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, uye ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, uye ndichauisa pamusoro pako zvinyangadzo zvako zvose.

4 Zvino ziso rangu haringakunzwiri tsitsi, uye handingaregi; nokuti ndichapa nzira dzako pamusoro pako, uye zvinyangadzo zvako zvichava pakati pako; ipapo muchaziva kuti ndiri Jehovha.

5 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Njodzi, njodzi imwe chete, tarirai yasvika.

6 Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira; tarirai, kwasvika.

7 Mangwanani asvika kwauri, iwe mugari wepanyika; nguva yasvika, zuva redambudziko rava pedo, uye asati ari maungira emakomo.

8 Ikozvino ndava pedo kudurura kupfuta kwangu pamusoro pako, uye ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, uye ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, uye ndichauisa pamusoro pako zvinyangadzo zvako zvose.

9 Zvino ziso rangu haringanzwiri tsitsi, uye handingaregi; ndichapa zvinoenderana nenzira dzako pamusoro pako, uye zvinyangadzo zvako zvichava pakati pako; ipapo muchaziva kuti ndiri Jehovha anorova.

10 Tarirai zuva, tarirai rasvika; mangwanani abuda, tsvimbo yabukira, kuzvikudza kwamera.

11 Chisimba chasimuka kuva tsvimbo yeuipi; hakuna anosara kwavari, uye hakuna pachaunga chavo, uye hakuna pana ani wavo, uye hakungavi nekuvaungudzira.

12 Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, nemutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pechaunga chayo chose.

13 Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange upenyu hwavo huchiri mukati mevapenyu, nokuti chiratidzo maererano nechaunga chayo chose hachingadzokeri, uye hakungavi nemunhu anosimbisa upenyu hwake pauipi hwake.

14 Vakaridza hwamanda kuti vagadzire zvose, asi hakuna anoenda kuhondo; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pechaunga chayo chose.

15 Munondo uri kunze, nehosha nenzara zviri mukati; ari kusango achafa nemunondo; uye ari muguta, nzara nehosha zvichamupedza.

16 Asi vakapukunyuka vavo vachapukunyuka, uye vachava pamakomo senjiva dzemipata, vose vachichema, umwe neumwe pamusoro pechitadzo chake.

17 Maoko ose achashayiwa simba, uye mabvi ose achayerera semvura.

18 Zvino vachazvisunga zviuno nemasaga, uye kutya kuchavafukidza, nenyadzi dzive pamusoro pezviso zvose, nemhanza pamusoro pemisoro yavo yose.

19 Vacharasa sirivha yavo munzira dzemumusha, negoridhe ravo rive chakasviba; sirivha yavo negoridhe ravo hazvingagoni kuvanunura nezuva rekutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yeupenyu yavo, uye hazvingazadzi ura hwavo, nokuti zvichava chigumbuso chechitadzo chavo.

20 Kana kuri kunaka kwezvishongo zvake, wakakuisa paukuru, asi vakaita zvifananidzo zvezvinyangadzo zvavo nezvezvinosemesa zvavo mazviri; naizvozvo ndakazviita zvive chinhu chakasviba kwavari.

21 Zvino ndichazvipa muruoko rwevatorwa kuva chakapambiwa, uye kune vakaipa vepanyika kuva chakapambiwa, uye vachazvisvibisa.

22 Ndichafuratidzawo chiso changu kubva kwavari, uye vachasvibisa nzvimbo dzangu dzakavanzwa; nokuti vapambi vachapindamo ndokuisvibisa.

23 Itai ketani, nokuti nyika izere mhosva dzeropa, uye guta rizere nechisimba.

24 Naizvozvo ndichauisa vakaipisisa vemarudzi, ivo vachagara nhaka yedzimba dzavo; ndichaitawo mugumo wemanyawi evane simba; nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.

25 Kutya kunouya, zvino vachatsvaka rugare, asi hakuna.

26 Kuparara kuchauya pamusoro pekuparara, uye guhu richava pamusoro peguhu; ipapo vachatsvaka chiratidzwa chemuporofita, asi murairo uchaparara kubva kumupristi, nezano kubva kuvakuru.

27 Mambo achachema, uye muchinda achapfeka kuparara, uye maoko evanhu venyika achabvunda; ndichaita kwavari zvinoenderana nenzira yavo, uye zvinoenderana nemitemo yavo ndichavatonga. Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.