ShonaTeam Ezekiel « 6 »

Kutukwa kwemakomo aIsraeri

6Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsraeri, ugoporofita pamusoro pawo,

3 uye uti: Imwi makomo aIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Anoreva seizvi Ishe Jehovha kumakomo, nekuzvikomo, kunzizi, nekumipata: Tarira, iyeni ndichauisa munondo pamusoro penyu, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.

4 Zvino dziaritari dzenyu dzichava matongo, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvichakoromorwa; uye vakaurawa venyu ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.

5 Zvino ndichaisa zvitunha zvevana vaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; uye ndichaparadzira mapfupa enyu kupoteredza dziaritari dzenyu.

6 Panzvimbo dzenyu dzose dzekugara maguta achaitwa matongo, kuti nzvimbo dzenyu dzakakwirira dziparare, kuti dziaritari dzenyu dziparadzwe dziitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nemabasa enyu anyangarike.

7 Zvino vakaurawa vachawa pakati penyu, zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

8 Zvakadaro ndichasiya vakasara kuti muve nevamwe vachapukunyuka munondo pakati pemarudzi pamuchaparadzirwa nemudzinyika.

9 Zvino vakapukunyuka venyu vachandirangarira pakati pemarudzi kwavachatapirwa, nokuti ndaputswa nekuda kwemoyo yavo inofeva yakabva kwandiri, uye nemeso avo anofeva achitevera zvifananidzo zvavo; uye vachazvisema ivo vomene nekuda kwezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.

10 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvi.

11 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Rova neruoko rwako, uye tsikisa pasi nerutsoka rwako, uye uti: Maiwe! Nekuda kwezvinyangadzo zvakaipa zvose zveimba yaIsraeri; nokuti vachawa nemunondo, nenzara, uye nehosha.

12 Ari kure achafa nehosha, uye ari pedo achawa nemunondo, newakasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.

13 Ipapo muchaziva kuti ndiri Jehovha, vakaurawa vavo pavachava pakati pezvifananidzo kupoteredza dziaritari dzavo, pamusoro pechikomo chipi nechipi chakakwirira, panhongonya dzose dzemakomo, nepasi pemuti umwe neumwe munyoro, nepasi pemuouki umwe neumwe mukobvu, nzvimbo pavakapa zvinonhuhwira zvinotapira kuzvifananidzo zvavo zvose.

14 Saizvozvo ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nekuita nyika dongo, hongu kuva dongo kupfuura renje wakananga kuDhibhirati, panzvimbo dzavo dzose dzekugara; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.