ShonaTeam Ezekiel « 5 »

5Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, zvitorere banga rinopinza; uzvitorere chisvo chevavevuri, uchifambise pamusoro pemusoro wako nepamusoro pechirebvu chako; zvino uzvitorere zvipimo zvekuyera ugokamura vhudzi.

2 Chetatu upise nemoto pakati peguta, kana mazuva ekukomba azara; utorewo chetatu uchiteme mativi aro ose nemunondo; uye chetatu uparadzire mumhepo; zvino ndichavhomora munondo shure kwavo.

3 Utorewo shoma pauwandu pariri urisungire mumipendero yako.

4 Zvino uchatorazve pariri ndokurikandira mukati memoto, uripise mumoto; kuchabuda pariri moto kuenda kuimba yose yaIsraeri.

5 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Iri iJerusarema, ndakarimisa pakati pemarudzi, uye nyika dzakaripoteredza.

6 Asi rakashandura mitongo yangu ikava kuipa kupfuura marudzi, nezvimiso zvangu kupfuura nyika dzakaripoteredza; nokuti vakaramba mitongo yangu nezvimiso zvangu; havana kufamba mazviri.

7 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti makaita bongozozo kupfuura marudzi akakupoteredzai, hamuna kufamba muzvimiso zvangu, uye hamuna kuchengeta mitongo yangu, uye hamuna kuita zvinoenderana nemitongo yemarudzi akakupoteredzai,

8 naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, iyeni, ndinopikisana newe, uye ndichaita mitongo pakati pako pameso emarudzi.

9 Uye ndichaita pakati penyu zvandisina kumboita, uye handingaitizve zvakadaro, nekuda kwezvinyangadzo zvako zvose.

10 Naizvozvo madzibaba achadya vanakomana mukati mako, nevanakomana vachadya madzibaba avo; zvino ndichaita mitongo pakati pako, nevakasara vako vose ndichavaparadzira kumhepo dzose.

11 Naizvozvo, neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvinosemesa zvako zvose, uye nezvinyangadzo zvako zvose, naizvozvo ini ndichakudukupisa, uye ziso rangu haringakuregi, uye ini handingavi netsitsi.

12 Chetatu chako chichafa nehosha, uye chichapedzwa nenzara mukati mako; uye chetatu chichawa nemunondo kumativi ako ose; uye chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nekuvhomora munondo shure kwavo.

13 Saizvozvo kutsamwa kwangu kuchapera, uye ndichazorodzesa hasha dzangu pamusoro pavo, zvino ndichanyaradzwa; uye vachaziva kuti ini Jehovha ndakataura mukushingaira kwangu, kana ndapedza hasha dzangu mavari.

14 Zvino ndichakuita dongo nechishoorwa pakati pemarudzi akakupoteredza, pameso evose vanopfuura.

15 Saizvozvo chichava chishoorwa nechiseko, chidzidzo nechityiso kumarudzi akakupoteredza, pandichaita mitongo mauri mukutsamwa nemuhasha nemukutsiura kukuru kwehasha; ini Jehovha ndataura.

16 Pandichatuma pamusoro pavo miseve yakaipa yenzara, ichava yekuparadza, yandichatuma kukuparadza, ipapo ndichawedzera nzara pamusoro pako, uye ndichagura mudonzvo wechingwa kwamuri.

17 Saizvozvo ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa, uye zvichakutorerai vana; uye hosha neropa zvichapfuura nemauri, uye ndichauisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.