ShonaTeam Ezekiel « 4 »

Mufananidzo wekuparadzwa kweJerusarema

4Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, zvitorere chitinha, uchigadzike pamberi pako, unyore nekuvezapo guta Jerusarema.

2 Zvino urikombe kurirwisa, urivakire nhare kurirwisa, uritutire murwi wekurwa nawo, uriitire musasa kurirwisa, nekuriisira makondobwe ekuputsa kumativi ose kurirwisa.

3 Zvino iwe, zvitorere gango redare, urigadze rive rusvingo rwedare pakati pako neguta; zvino urinzire chiso chako wakatarisana naro, zvino richava pakukombwa, uye ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsraeri.

4 Iwe urarewo nerutivi rwako rweruboshwe, uye uise pamusoro parwo chitadzo cheimba yaIsraeri; zvichienderana neuwandu hwemazuva aunorara pamusoro parwo uchatakura chitadzo chavo.

5 Nokuti ini ndakakupa makore echitadzo chavo zvichienderana neuwandu hwemazuva, mazuva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura chitadzo cheimba yaIsraeri.

6 Kana waapedza iwo, rara zvekare nerutivi rwako rwerudyi, kuti utakure chitadzo cheimba yaJudha, mazuva makumi mana; ndakakutarira zuva rive gore, zuva rive gore.

7 Naizvozvo ucharinzira chiso chako pakukombwa kweJerusarema, uye ruoko rwako rwakafukurwa; zvino uchaporofita pamusoro paro.

8 Zvino tarira, ndichaisa zvisungo pamusoro pako kuti usashanduka kubva kurutivi kuenda kuritivi, kusvika wapedza mazuva ekukomba kwako.

9 Iwe uzvitorerewo gorosi nebhari nenyemba nemarendiri* nemapfunde nesipereti, uzviise mumudziyo umwe, ugozviitira chingwa nazvo; zvichienderana neuwandu hwemazuva aucharara nerutivi rwako, mazuva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe, uchadya icho.

10 Zvino zvekudya zvako zvauchadya zvichava nechiyero, mashekeri makumi maviri pazuva; uchazvidya nguva nenguva.

11 Uchanwawo mvura nechiyero, chetanhatu chehini; uchainwa nguva nenguva.

12 Zvino uchadya keke rebhari, uye ucharibheka* pameso pavo nendove inobuda pamunhu.

13 Jehovha ndokuti: Saizvozvo vana vaIsraeri vachadya chingwa chavo chakasvibiswa pakati pemarudzi kwandichavadzingira.

14 Zvino ndakati: Haiwa, Ishe Jehovha! Tarirai, mweya weupenyu wangu hauna kusvibiswa; kunyange kubva paudiki hwangu kusvika ikozvino handina kudya chakafa chega kana chakabvamburwa, uye hakuna nyama yakan'ora yakapinda mumuromo mangu.

15 Zvino akati kwandiri: Tarira, ndakupa ndove yemombe pachinzvimbo chendove yevanhu; zvino uchagadzira chingwa chako nayo.

16 Akatiwo kwandiri: Mwanakomana wemunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wechingwa paJerusarema; zvino vachadya chingwa neuremu uye nekungwarira, uye vachanwa mvura nechiyero uye nekuvhunduka;

17 kuti vashayiwe chingwa nemvura, vavhunduke umwe neumwe, vapere muuipi hwavo.