ShonaTeam Ezekiel « 3 »

3Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, idya chaunowana; idya rugwaro rwakapetwa urwu, zvino uende unotaura kuimba yaIsraeri.

2 Zvino ndakashamisa muromo wangu, iye ndokundidyisa rugwaro urwo rwakapetwa.

3 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, dyisa dumbu rako, ugozadza ura hwako nerugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Zvino ndakadya, ndokuva seuchi mumuromo mangu pakutapira.

4 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, famba uende kuimba yaIsraeri, utaure kwavari nemashoko angu.

5 Nokuti hautumwi kuvanhu vemutauro wakadzama neverurimi rwunorema, asi kuimba yaIsraeri.

6 Kwete kuvanhu vazhinji vemutauro wakadzama neverurimi rwunorema, manzwi avo ausinganzwisisi; zvirokwazvo dai ndakakutuma kwavari, ivo vaikunzwa.

7 Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera, nokuti havadi kunditeerera; nokuti imba yose yaIsraeri ine huma yakasindimara, uye vane moyo mukukutu.

8 Tarira, ndakasimbisa chiso chako kurwisa chiso chavo, uye huma yako yakasimba kurwisa huma yavo.

9 Ndakaitisa huma yako sedhaimani rinooma kupfuura musarasara; usavatya, uye usavhunduswa nechiso chavo, kunyange vari imba inopanduka.

10 Wakatiwo kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, gamuchira mumoyo mako ugonzwa nenzeve dzako.

11 Uye famba uende kune vari muutapwa, kuvana vevanhu vako, ugotaura kwavari ugoti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha; kunyange vakakunzwa uye kunyange vakarega.

12 Zvino Mweya wakandisimudza, uye ndakanzwa shure kwangu ruzha rwekuunga kukuru kuchinzi: Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe kubva panzvimbo yake.

13Ndakanzwawo ruzha rwemapapiro ezvisikwa zvipenyu zvaibatana, neruzha rwemavhiri pakanangana nazvo, neruzha rwekuunga kukuru.

14 Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundibvisa; zvino ndakaenda kukushungurudzika pakupfuta kwemweya wangu; asi ruoko rwaJehovha rwaiva nesimba pamusoro pangu.

15 Zvino ndakasvika kune vaiva muutapwa paTeriabhibhi, vaiva vagere parwizi rwaKebhari, uye ndakagara pavaiva vakagara, ndokugarapo mazuva manomwe ndakashamisika pakati pavo.

Ezekieri inharirire yaIsraeri

16 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva manomwe kuti shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

17 Mwanakomana wemunhu, ndakakuita nharirire kuimba yaIsraeri; naizvozvo inzwa shoko kubva mumuromo mangu, uvayambire zvinobva kwandiri.

18 Kana ndikati kune wakaipa: Uchafa zvekufa; zvino iwe ukasamuyambira, uye ukasataura kuyambira wakaipa kubva panzira yake yakaipa, kuponesa upenyu hwake, wakaipa uyu achafa muuipi hwake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.

19 Asi kana iwe ukayambira wakaipa, asi akasatendeuka kubva pazvakaipa zvake nepanzira yake yakaipa, iye achafira muuipi hwake, asi iwe wanunura mweya weupenyu wako.

20 Uye kana wakarurama akatsauka pakururama kwake, ndokuita chitadzo, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, iye achafa; nokuti iwe hauna kumuyambira, achafira muchivi chake, uye kururama kwake kuzhinji kwaakaita hakungarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.

21 Asi kana iwe ukayambira wakarurama, kuti wakarurama asatadza, zvino iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nokuti akayambirwa; zvino iwe uchanunura mweya weupenyu wako.

22 Zvino ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu ipapo; iye ndokuti kwandiri: Simuka, ubude uende mubani, zvino ikoko ndichataura newe.

23 Zvino ndakasimuka ndokubudira kubani, zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kumirepo, sekubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; zvino ndakawira pasi nechiso changu.

24 Zvino Mweya wakapinda mandiri ndokundimisa nemakumbo angu, ndokutaura neni ndokuti kwandiri: Enda, uzvivharire mukati meimba yako.

25 Asi iwe, mwanakomana wemunhu, tarira, vachaisa zvisungo pamusoro pako uye vachakusunga nazvo kuti usabuda pakati pavo.

26 Zvino ndichanamatidza rurimi rwako kumatadza ako, kuti uve mbeveve, uye hauchavi mutsiuri kwavari; nokuti ivo iimba inopanduka.

27 Asi pandinotaura newe, ndichashamisa muromo wako, zvino uchati kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha. Anonzwa ngaanzwe, uye anorega ngaarege, nokuti ivo iimba inopanduka.