ShonaTeam Ezekiel « 2 »

Kudanwa kwaEzekieri

2Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, mira nemakumbo ako, zvino ndichataura newe.

2 Zvino kwakapinda kwandiri Mweya paaitaura kwandiri, ndokundimisa netsoka dzangu; ini ndokumunzwa achitaura kwandiri.

3 Zvino wakati kwandiri: Mwanakomana wemunhu, ndinokutuma kuvana vaIsraeri, kumarudzi anopanduka akandipandukira; ivo nemadzibaba avo vakanditadzira, kusvika zuva irori chairo.

4 Nokuti vana vakasindimara pachiso uye vane moyo mikukutu; ndinokutuma kwavari uye uchati kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha.

5 Zvino ivo, kunyange vachanzwa, kana kunyange vakarega (nokuti iimba inopanduka), zvakadaro vachaziva kuti paiva nemuporofita pakati pavo.

6 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, usavatya, uye usatya mashoko avo, kunyange rukato neminzwa zvinewe, uye ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, uye usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti vari imba inopanduka.

7 Asi uchataura mashoko angu kwavari, kunyange vakanzwa, kana kunyange vakarega; nokuti vanopanduka.

8 Asi iwe, mwanakomana wemunhu, inzwa zvandinoreva kwauri; usapanduka seimba inopanduka; zarura muromo wako ugodya zvandichakupa.

9 Zvino ndakaona, uye tarira, ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, uye tarira, rugwaro rwakapetwa rwuri marwuri.

10 Zvino wakarwupetenura pamberi pangu, uye rwaiva rwakanyorwa mberi neshure, uye maiva makanyorwa mukati marwo mariro nekuchema nenhamo.