ShonaTeam Lamentations « 5

Munyengetero wekukumbira ngoni

5Rangarirai, Jehovha, zvakaitika kwatiri; tarirai, muone kushoorwa kwedu.

2 Nhaka yedu yashandurirwa kuvatorwa, dzimba dzedu kuvaeni.

3 Tiri nherera dzisina baba; vana amai vedu vava sechirikadzi.

4 Takanwa mvura yedu nemari; huni dzedu dzinouya nemutengo.

5 Tinodzingirirwa pamitsipa yedu; taneta uye hatina zororo.

6 Takapa ruoko kuvaEgipita, nekuvaAsiriya, kuti tigutswe nezvekudya.

7 Madzibaba edu akatadza, havachipo; uye isu takatakura zvitadzo zvavo.

8 Varanda vanotitonga; hapana anonunura kubva muruoko rwavo.

9 Tinowana chingwa chedu nenjodzi yeupenyu hwedu, nekuda kwemunondo werenje.

10 Ganda redu rakapisa sechoto nekuda kwekupisa kukuru kwenzara.

11 Vakachinyira vakadzi paZiyoni, nemhandara pamaguta aJudha.

12 Machinda akasungirirwa neruoko rwavo; zviso zvevakuru hazvina kuremekedzwa.

13 Majaya akatakura guyo, vana ndokugumburwa pasi pehuni.

14 Vakuru vakapera pasuwo, nemajaya pakuimba kwavo.

15 Mufaro wemoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashandurwa kuva kuchema.

16 Korona yemusoro wedu yawa; haiwa, nhamo kwatiri nokuti takatadza!

17 Nekuda kweizvi moyo yedu yapera simba; nekuda kwezvinhu izvi meso edu asvibirirwa.

18 Nekuda kwegomo reZiyoni rava dongo; makava anofamba pamusoro paro.

19 Imwi Jehovha munogara nekusingaperi; chigaro chenyu cheushe chinobva kuzera kusvika kuzera.

20 Munotikanganwirei nekusingaperi, muchitirasa pakureba kwemazuva?

21 Tidzoserei kwamuri, Jehovha, zvino tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sekare.

22 Asi makatiramba zvirokwazvo; makatitsamwira zvikurusa.