ShonaTeam Lamentations « 4 »

Kutambudzika kwevanhu nekuda kwezvivi

4Haiwa, goridhe rasvibirira, goridhe rakanaka rashanduka! Mabwe enzvimbo tsvene adururwa panhongonya yenzira imwe neimwe yemumusha!

2 Vanakomana vanokosha veZiyoni vanofananidzwa negoridhe rakaisvonaka, vakanzi zvirongo zvevhu sei, basa remaoko emuumbi!

3 Kunyange makava anobudisa zamu, anoyamwisa vana vawo; mukunda wevanhu vangu wava neutsinye semhou dziri murenje.

4 Rurimi rwemwana anoyamwa rwunonamatira kumatadza ake nekuda kwenyota; vanana vanokumbira chingwa; hakuna anovamedurira.

5 Avo vaisidya zvinozipa vava vakasiiwa munzira dzemumusha; vairerwa nezveruvara rushava vombundikira maturunhuru.

6 Nokuti chitadzo chemukunda wevanhu vangu chikuru kupfuura chivi cheSodhoma, rakaparadzwa sekamwe-kamwe uye kusina maoko akarishonyorora.

7 VaNazari varo vakanatswa kupfuura magada echando, vakachena kupfuura mukaka, vaiva vakatsvuka pamuviri kupfuura makorari, chimiro chavo chaiva sesafire.

8 Kuonekwa kwavo kwakasviba kupfuura utema, havazikanwi munzira dzemumusha; ganda ravo rinonamatira mapfupa avo, rasvava, rava sedanda.

9 Vakaurawa nemunondo vari nani pane vakaurawa nenzara; nokuti ivo vanoonda vachibaiwa nekushaya zvibereko zvemunda.

10 Maoko evakadzi vane tsitsi akabika vana vavo; vakava zvekudya kwavari pakuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu.

11 Jehovha wakapedzisa kutsamwa kwake, wakadurura kupfuta kwekutsamwa kwake, uye wakabatidza moto muZiyoni, iwo ndokupedza nheyo dzaro.

12 Madzimambo epasi nevagari vose vepanyika havazaitenda kuti mudzivisi nemuvengi vangadai vakapinda mumasuwo eJerusarema.

13Zvakadaro nekuda kwezvivi zvevaporofita varo nezvitadzo zvevapristi varo vakateura ropa revakarurama mukati maro.

14 Vakadzungaira semapofu munzira dzemumusha, vakasvibiswa neropa, pasina vanogona kubata nguvo dzavo.

15 Vakadanidzira kwavari vachiti: Ibvai, rakasviba! Ibvai, ibvai, regai kubata! Pavakatiza nekudzungaira, vakati pakati pemarudzi: Havangazogarizve pano sevatorwa.

16 Chiso chaJehovha chakavaparadzira; haachavataririzve; havana kuremekedza vapristi, uye havana kuva nenyasha kuvakuru.

17 Isu, meso edu anongopera achitarira rubatsiro rwedu pasina; pakutarira kwedu takatarira rudzi rusingaponesi.

18 Vanoronda matsimba edu kuti tisafamba munzira dzedu dzemumusha; kuguma kwedu kwaswedera, mazuva edu azadziswa, nokuti kuguma kwedu kwasvika.

19 Vadzingiriri vedu vanomhanyisa kupfuura makondo ematenga, vakadzingirirana nesu pamusoro pemakomo, vakativandira murenje.

20 Mweya wemhino dzedu, muzodzwa waJehovha, wakabatwa mumakomba avo; iye watakati: Pasi pemumvuri wake tichararama pakati pemarudzi.

21 Farisisa, uve nemufaro, iwe mukunda weEdhomu, ugere munyika yeUzi; mukombe uchapfuurira kwauriwo; iwe uchadhakwa ukazvifukura.

22 Uipi hwako hwapera, iwe mukunda weZiyoni; haachazokutapizve; achashanyira uipi hwako, iwe mukunda weEdhomu; achafukura zvivi zvako.