ShonaTeam Lamentations « 3 »

Kuvimba naMwari pakutambudzika

3Ndini murume wakaona dambudziko netsvimbo yekutsamwa kwake.

2 Wakanditungamirira ndokundiuisa murima asi kwete muchiedza.

3 Zvirokwazvo wakanditendeukira, wakatendeusira ruoko rwake zuva rose.

4 Wakasakadza nyama yangu neganda rangu, wakavhuna mapfupa angu.

5 Wakavaka kundirwisa, ndokundikomberedza nenduru nemarwadzo.

6 Wakandigarisa panzvimbo dzerima sevakafa vekare.

7 Wakandikomberedza nerusvingo kuti ndirege kubuda; wakaremesa ketani yangu.

8 Zvino pandinochema nekudanidzira, anodzivirira munyengetero wangu.

9 Wakadzivira nzira dzangu nerusvingo rwemabwe akavezwa, akakombamisa makwara angu.

10 Wava kwandiri bheya rakavandira, shumba iri panzvimbo dzakavanda.

11 Wakatsausa nzira dzangu, ndokundibvarura-bvarura, wakandiita dongo.

12 Wakahwembura uta hwake, ndokundiita sechinangwa chemuseve.

13 Wakapinzisa miseve yegoba rake muitsvo dzangu.

14 Ndava chiseko kuvanhu vose, rwiyo rwavo zuva rose.

15 Wakandigutisa nezvinovava, wakandidhakisa negavakava.

16 Zvino wakapwanya meno angu nerubwe, wakandipwanyidzira mumadota.

17 Zvino imwi makarasa mweya weupenyu wangu kure nerugare, ndakanganwa zvakanaka.

18 Naizvozvo ndakati: Zvaparara simba rangu netariro yangu kuna Jehovha.

19 Rangarirai dambudziko rangu, nekudzungaira kwangu, gavakava, nenduru.

20 Mweya weupenyu wangu unogarokurangarirai, uye unokotama mandiri.

21 Izvi ndinozvidzosa mumoyo mangu, naizvozvo ndine tariro.

22 Unyoro ukuru hwaJehovha kuti tisapedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.

23 Zvitsva mangwanani ega-ega, kutendeka kwenyu kukuru.

24 Jehovha mugove wangu, unoreva mweya weupenyu wangu; naizvozvo ndichavimba naye.

25 Jehovha wakanaka kune vanomumirira, kumweya weupenyu unomutsvaka.

26 Zvakanaka kuva netariro uye kumirira ruponeso rwaJehovha mukunyarara.

27 Zvakanakira murume kuti atakure joko paudiki hwake.

28 Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye wakamutakudza iro.

29 Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe pangava netariro.

30 Ngaape dama rake kune anomurova, ngaagute nekushoorwa.

31 Nokuti Ishe haangarasi nekusingaperi.

32 Nokuti kunyange akashungurudza, achanzwira tsitsi nekuwanda kwetsitsi dzake.

33 Nokuti haatambudzi nemoyo wake kana kushungurudza vana vevanhu.

34 Kupwanya pasi petsoka dzake vose vasungwa vepanyika;

35 kutsausa kodzero yemurume pamberi pechiso cheWekumusoro-soro;

36 kukanganisa munhu panyaya yake; Ishe haazvioni here?

37 Ndiani angataura, izvo ndokuitika, kana Ishe asingazvirairi?

38 Hakubudi zvakaipa nezvakanaka kubva mumuromo meWekumusoro-soro here?

39 Munhu mupenyu anonyunyutirei, murume achirangwa pazvivi zvake?

40 Ngatinzverei nekuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.

41 Ngatisimudze moyo wedu nemaoko kuna Mwari ari kumatenga.

42 Isu takadarika uye takapanduka; imwi hamuna kukanganwira.

43 Makafukidza nekutsamwa, uye makatidzingirira, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.

44 Makazvifukidza mugore kuti munyengetero urege kupfuurira.

45 Makatiita marara nezvinoraswa pakati pemarudzi.

46 Vavengi vedu vose vakatishamisira muromo wavo.

47 Kutya nehunza zviri pamberi pedu, kuva dongo nekuparara.

48 Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pekuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu.

49 Ziso rangu rinoduruka, uye hariregi, pasina kuguma,

50 kusvika Jehovha achitarira pasi achiona ari kumatenga.

51 Ziso rangu rinorwadzisa mweya weupenyu wangu nekuda kwevakunda vose veguta rangu.

52 Vavengi vangu vakandidzingirira zvinorwadza seshiri pasina chikonzero.

53 Vakagura upenyu hwangu mugomba, ndokukanda ibwe pamusoro pangu.

54 Mvura zhinji yakayerera nepamusoro pemusoro wangu; ndakati: Ndagurwa.

55 Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba pasi-pasi.

56 Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu pakuchema kwangu.

57 Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, imwi makati: Usatya.

58 Ishe, makandireverera nyaya dzemweya weupenyu wangu, makadzikinura upenyu hwangu.

59 Jehovha, makaona kutadzirwa kwangu; tongai nyaya yangu.

60 Makaona tsivo yavo yose, mazano avo ose kundirwisa.

61 Makanzwa kumhurwa kwavo, Jehovha, mazano avo ose kundirwisa;

62 miromo yevakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.

63 Tarirai kugara kwavo pasi nekusimuka kwavo; ndiri rwiyo rwavo.

64 Dzoserai kwavari tsivo, Jehovha, zvichienderana nebasa remaoko avo.

65 Vapei kuoma kwemoyo, kutuka kwenyu kwavari.

66 Vadzingirirei mukutsamwa uye vaparadzei kubva pasi pematenga aJehovha.