ShonaTeam Lamentations « 2 »

Kutonga kwaJehovha pamusoro peJerusarema

2Ishe wakafukidza sei mukunda weZiyoni negore mukutsamwa kwake! Wakapotsera kunaka kwaIsraeri kubva kumatenga kuenda pasi, uye haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rekutsamwa kwake.

2 Ishe wakamedza ugaro uzhinji hwose hwaJakove, uye haana kunzwira tsitsi; pakutsamwa kwake wakaputsa nhare dzemukunda waJudha; akadziuisa pasi; wakasvibisa umambo nemachinda ahwo.

3 Wagura mukupfuta kwekutsamwa runyanga rwose rwaIsraeri; wakadzosera shure ruoko rwake rwerudyi pamberi pemuvengi; uye wakapisa muna Jakove semurazvo wemoto unopedza kumativi ose.

4 Wakakunga uta hwake semuvengi; wakamira neruoko rwake rwerudyi semudzivisi; ndokuuraya vose vaifadza ziso; mutende remukunda weZiyoni wakadurura hasha dzake semoto.

5 Ishe wakava semuvengi; wakamedza Israeri; wakamedza mizinda yake yose; wakaparadza nhare dzake dzose; uye anowedzera kurira nekuchema kumukunda waJudha.

6 Zvino watora tende rake nechisimba sebindu; waparadza nzvimbo yake yekusangana; Jehovha wakanganwa nguva yakatarwa uye sabata paZiyoni; ndokumhura muhasha dzekutsamwa kwake mambo nemupristi.

7 Ishe wakarasa aritari yake; wakasema nzvimbo yake tsvene; wakapfigira muruoko rwemuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha muimba yaJehovha sezuva reungano yakatarwa.

8 Jehovha wakafunga kuparadza rusvingo rwemukunda weZiyoni; wakatatamura rwonzi rwekuyera; haana kubvisa ruoko rwake pakuparadza; naizvozvo wakachemedza nhare nerusvingo; zvinopera simba pamwe chete.

9 Masuwo aro akanyura pasi; wakaparadza nekuvhuna zvipfigiso zvaro; mambo nemachinda aro vari pakati pevechirudzi; hapana murairo; uye vaporofita varo havawani chiratidzo kubva pana Jehovha.

10 Vakuru vemukunda weZiyoni vagere pasi; vanonyarara; vakakushira guruva pamusoro wavo; vakazvisunga zviuno nemasaga; mhandara dzeJerusarema dzakakotamisa musoro wadzo pasi.

11 Meso angu apera nemisodzi; ura hwangu hunotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nekuda kwekuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu, nokuti vanana nevanoyamwa vanoziya munzira dzemumusha dzeguta.

12 Vanoti kunana amai vavo: Zviyo newaini zviripi? Pavanoziya sevakakuvadzwa munzira dzemumusha dzeguta, mweya weupenyu wavo paunozvidururira pachipfuva chaamai vavo.

13 Ndichakupupurei? Chii chandichafananidza newe, iwe mukunda weJerusarema? Chii chandichaenzanisa newe kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZiyoni? Nokuti kuvhunika kwako kukuru segungwa; ndiani achakuporesa?

14 Vaporofita vako vakakuonera zvisina maturo nezvisina kurungwa, uye havana kubudisa uipi hwako, kuti vadzosere utapwa hwako, asi vakakuonera mitoro yenhema nezvinotapisa.

15 Vose vanopfuura nenzira vachavarovera maoko pamusoro pako, vanoridza muridzo nekudzungudzira mukunda weJerusarema musoro wavo, vachiti: Ndiro here guta ravanoti nezvaro rakaperera mukunaka, mufaro wenyika yose?

16 Vavengi vako vose vakakushamisira muromo wavo; vanoridza muridzo nekugeda-geda meno, vanoti: Tarimedza; zvirokwazvo iri izuva rataiva takatarisira; tawana, taona.

17 Jehovha wakaita zvaaiva akafunga; wakazadzisa shoko rake raaiva araira pamazuva ekare; waputsa uye haana kuva netsitsi; uye wafadza muvengi pamusoro pako; wamisa runyanga rwevadzivisi vako.

18 Moyo wavo wakachemera kuna Ishe. Iwe rusvingo rwemukunda weZiyoni, misodzi ngaiyerere serwizi masikati neusiku; usazvipa zororo; mboni yeziso rako isarega kunyarara.

19 Muka, udanidzire neusiku pakutanga kwemirindiro, durura moyo wako semvura pamberi pechiso chaIshe; simudzira maoko ako kwaari nekuda kweupenyu hwevanana vako, vanoziya nenzara panhongonya penzira dzose dzemumusha.

20 Onai, Jehovha, uye tarirai wamakaitira zvakadai! Vakadzi vachadya chibereko chavo here, vana vavakasvusvudzira? Mupristi nemuporofita vangaurawa panzvimbo tsvene yaIshe here?

21 Mudiki nemukuru varere pasi munzira dzemumusha; mhandara dzangu nemajaya angu vawa nemunondo; makauraya nezuva rekutsamwa kwenyu, makabaya, hamuna kunzwira tsitsi.

22 Makadaidza sepazuva reungano yakatarwa zvityiso zvangu kupoteredza; kuti nezuva rekutsamwa kwaJehovha hakuna anopukunyuka kana anosara; vandakagumbatira nekurera muvengi wangu wavapedza.