ShonaTeam Lamentations « 1 »

1 Haiwa, kugara roga kweguta raiva rakazara vanhu! Rava sechirikadzi; raiva guru pakati pemarudzi; muchindakadzi pakati pematunhu rava nhapwa.

2 Rinochema zvekuchema usiku, uye misodzi yaro iri pamatama aro; hapana anorinyaradza pakati pevadikanwi varo vose; shamwari dzaro dzose dzakaita nekunyengera kwariri, vava vavengi varo.

3 Judha waenda muutapwa nekuda kwekutambudzika uye nekuda kweukuru hweutapwa; iye agere pakati pevechirudzi, haawani zororo; vadzingiriri vake vose vakamubata pakati pepakamanikana.

4 Nzira dzeZiyoni dzinochema, nokuti hakuna vanouya kumutambo; masuwo aro ose matongo; vapristi varo vanogomera; mhandara dzaro dzinoshungurudzika; nairo riri mukuvaviwa.

5 Vadzivisi varo vava musoro, vavengi varo vatambarara; nokuti Jehovha wakarishungurudza nekuda kweuwandu hwezvitadzo zvaro; vanana varo vaenda kuutapwa pamberi pemudzivisi.

6 Zvino runako rwaro rwose rwakabva pamukunda weZiyoni; machinda aro aita senondo dzisingawani mafuro, uye dzinofamba dzisina simba pamberi pemudzingiriri.

7Pamazuva edambudziko raro nekudzungaira kukuru kwaro, Jerusarema rinorangarira zvinhu zvaro zvose zvinofadza zvaivapo kubva pamazuva ekare, vanhu varo pavakawira pamaoko emudzivisi, uye rusina mubatsiri; vadzivisi vakariona, vakasveveredza masabata aro.

8 Jerusarema rakatadza zvikuru; naizvozvo rakava chinhu chisina kuchena; vose vairiremekedza vanorishoora, nokuti vakaona kushama kwaro; zvirokwazvo iro rakagomera ndokudzokera shure.

9 Tsvina yaro yaiva pamipendero yenguvo yaro; harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakaburuka zvinoshamisa, raiva risina munyaradzi. Jehovha, onai dambudziko rangu, nokuti muvengi wazvikudza.

10 Mudzivisi watambanudzira ruoko rwake pamusoro pezvose zvaro zvinofadza; nokuti rakaona vechirudzi vachipinda panzvimbo yaro tsvene, avo makaraira nezvavo kuti varege kupinda paungano yenyu.

11 Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka chingwa; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuva zvekudya kuvandudza mweya weupenyu. Onai, Jehovha, mutarire; nokuti ndava chinozvidzwa.

12 Hachisi chinhu kwamuri here imwi mose munopfuura nenzira? Tarirai, zvino onai kana pane kusuruvara sekusuruvara kwangu, kwakaitwa kwandiri, Jehovha kwaakandishungurudza nako pazuva rekupfuta kwekutsamwa kwake.

13 Ari kumusoro wakatuma moto kumapfupa angu, uye wakakunda; wakateyera tsoka dzangu mumbure; wakandidzosera shure; wakandiita dongo, ndakapera simba zuva rose.

14 Joko rezvitadzo zvangu rakasungwa neruoko rwake, zvakarukwa, zvakwira pamutsipa wangu; wakawisisa simba rangu, Ishe wakandipa mumaoko avo; handigoni kumuka.

15 Ishe wakashaisa simba vane simba vangu vose pakati pangu; wakandidanira ungano yakatarwa kuzopwanya majaya angu; Ishe wakatsikira mhandara mukunda waJudha chisviniro.

16 Ndinochema misodzi nekuda kwezvinhu izvi; ziso rangu, ziso rangu rinoyerera mvura, nokuti munyaradzi anofanira kuvandudza mweya weupenyu wangu ari kure neni; vana vangu vava vakasiiwa, nokuti muvengi wakunda.

17 Ziyoni rinotandavadza maoko aro; hakuna angarinyaradza; Jehovha wakaraira maererano naJakove kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusarema rava mukadzi wakasviba pakati pavo.

18 Jehovha wakarurama, nokuti ndakapandukira muromo wake; inzwai henyu, vanhu vose, uye onai kushungurudzika kwangu; mhandara dzangu nemajaya angu vaenda muutapwa.

19 Ndakadana vadikanwi vangu; ivo vakandinyengera; vapristi vangu nevakuru vangu vakafema kekupedzisira muguta, vachiri kuzvitsvakira zvekudya kuti vavandudze mweya weupenyu wavo.

20 Onai, Jehovha, nokuti ndiri mukushungurudzika; ura hwangu hwabvongodzwa, moyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndapanduka zvinorwadza. Kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita serufu.

21 Vakanzwa kuti ini ndinogomera; hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa zvedambudziko rangu, vanofara nokuti imwi makazviita. Muchasvikisa zuva ramakaparidza, ipapo vachava seni.

22 Uipi hwavo hwose ngahusvike pamberi penyu; uye muvaitire sezvamakandiitira nekuda kwezvitadzo zvangu zvose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, nemoyo wangu wapera simba.