ShonaTeam Jeremiah « 52

Kukundwa kweJerusarema

52Zedhekia waiva nemakore makumi maviri nerimwe paakava mambo, ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.

2 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha zvichienderana nezvose Jehoyakimu zvaakaita.

3 Nokuti nekuda kwekutsamwa kwaJehovha zvakaitika muJerusarema naJudha, kusvika avarasa kubva pachiso chake, kuti Zedhekia wakamukira mambo weBhabhironi.

4 Zvino zvakaitika mugore repfumbamwe rekutonga kwake, mumwedzi wegumi, neregumi remwedzi, kuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakasvika, iye nehondo yake yose, kurwisa Jerusarema, ndokudzika matende kurirwisa, ndokuvaka nhare kurirwisa vakarikomba.

5 Guta ndokupinda pakukombwa kusvika pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

6 Mumwedzi wechina, nerepfumbamwe remwedzi, nzara yakasimba mukati meguta, vanhu venyika ndokushaiwa zvekudya.

7 Zvino guta rakapazirwa, varume vose vehondo ndokutiza, ndokubuda muguta usiku nenzira yesuwo, pakati pemasvingo maviri aiva pabindu ramambo; (zvino vaKaradhiya vaiva vakakomba guta); vakaenda nenzira yebani.

8 Asi hondo yevaKaradhiya yakadzingirirana namambo, ndokubata Zedhekia pamapani eJeriko; hondo yake yose ndokupararira kubva kwaari.

9 Zvino vakabata mambo, ndokumukwidza kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, ndokutaura mitongo paari.

10 Zvino mambo weBhabhironi wakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pemeso ake, wakaurayawo machinda ose aJudha muRibhira.

11 Zvino wakapofumadza meso aZedhekia, uye wakamusunga neketani mbiri dzendarira, mambo weBhabhironi ndokumutakurira kuBhabhironi, ndokumuisa mutirongo kusvika pazuva rekufa kwake.

12 Zvino mumwedzi weshanu, neregumi remwedzi, raiva gore regumi nepfumbamwe ramambo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakapinda muJerusarema.

13 Zvino wakapisa imba yaJehovha, neimba yamambo, nedzimba dzose dzeJerusarema, neimba imwe neimwe yemukuru, wakapisa nemoto.

14 Zvino hondo yose yevaKaradhiya, yaiva nemukuru wevarindi, yakaputsa masvingo ose eJerusarema kupoteredza.

15 Zvino Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakatapa vamwe pavarombo vevanhu, nevakasara vevanhu vakasara muguta, nevaiva vapanduka vaiva vapandukira kuna mambo weBhabhironi, nevakasara vechaunga.

16 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakasiya vamwe pavarombo venyika kuti vave vabati veminda yemizambiringa nevarimi.

17 Nembiru dzematare dzaiva muimba yaJehovha, nezvigadziko, negungwa rendarira zvaiva muimba yaJehovha, vaKaradhiya vakaputsanya, ndokutakurira ndarira yose yazvo kuBhabhironi.

18 Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nembiya, nezvihwepura, nemidziyo yose yendarira yavaishumira nayo.

19 Nendiro, nezvaenga zvemoto, nembiya, nehari, nezvigadziko zvemwenje, nezvihwepura, nemikombe, nemidziyo yezvipo zvaiva goridhe goridhe uye zvaiva sirivha sirivha, mukuru wevarindi wakazvitora.

20 Mbiru mbiri, gungwa rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvigadziko, mambo Soromoni zvaakaitira imba yaJehovha, ndarira yemidziyo yose iyi yaiva isina uremu hwakayerwa.

21 Maererano nembiru, urefu hwembiru imwe hwaiva makubhiti gumi nemasere, uye rwodzi rwekuyera rwaiva makubhiti gumi nemaviri rwakaipoteredza, uye ukobvu hwayo hwaiva minwe mina; yaiva nemhango.

22 Uye musoro pamusoro payo waiva ndarira, uye kureba kwemusoro umwe kwaiva makubhiti mashanu, nezvakarukwa nemapomegiranati pamusoro pemusoro kupoteredza, zvose zviri ndarira; nembiru yechipiri yaiva yakafanana neiyi, nemapomegiranati.

23 Zvino kwaiva nemapomegiranati makumi mapfumbamwe nematanhatu parutivi; mapomegiranati ose aiva zana pane zvakarukwa pamativi ose.

24 Zvino mukuru wevarindi wakatora Seraya mupristi mukuru, naZefaniya mupristi wechipiri, nevarindi vemukova vatatu.

25 Uye kubva muguta wakatora mutenwa waiva akaiswa pamusoro pevarume vehondo, nevarume vanomwe pane vakaona chiso chamambo, vakawanikwa muguta, nemunyori mukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, nevarume makumi matanhatu vevanhu venyika, vaiva vawanikwa mukati meguta.

26 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi ndokuvatora, ndokuvaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

27 Mambo weBhabhironi ndokuvarova, ndokuvauraya paRibhira panyika yeHamati. Naizvozvi Judha wakatapwa kubva panyika yake.

28 Ava vanhu Nebhukadhirezari vaakatapa: Mugore rechinomwe vaJudha zvuru zvitatu nemakumi maviri nevatatu.

29 Mugore regumi nemasere raNebhukadhirezari wakatapa kubva paJerusarema mweya weupenyu mazana masere nemakumi matatu nevaviri.

30 Mugore remakumi maviri nematatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakatapa vaJudha, mweya yeupenyu mazana manomwe nemakumi mana nevashanu. Mweya yeupenyu yose yaiva zvuru zvina nemazana matanhatu.

31 Zvino zvakaitika mugore remakumi matatu nemanomwe reutapwa hwaJehoiakini mambo waJudha, mumwedzi wegumi nemiviri, neremakumi maviri nemashanu remwedzi, Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi mugore raakava mambo, wakasimudza musoro waJehoiakini mambo waJudha, ndokumubudisa kubva mutirongo.

32 Zvino wakataura zvakanaka naye, ndokuisa chigaro chake cheushe pamusoro pechigaro cheushe chemadzimambo waiva naye muBhabhironi.

33 Zvino wakashandura nguvo dzake dzeusungwa. Zvino wakadya chingwa pamberi pake rinhi narinhi mazuva ose eupenyu hwake.

34 Uye mugove wake wakatarwa, mugove wakatarwa unoenderera mberi wakapiwa kwaari namambo weBhabhironi, chinhu chezuva pazuva racho, kusvika pazuva rekufa kwake, mazuva ose eupenyu hwake.