ShonaTeam Jeremiah « 50 »

Chirevo pamusoro peBhabhironi

50Shoko Jehovha raakataura pamusoro peBhabhironi, pamusoro penyika yevaKaradhiya neruoko rwaJeremiya muporofita.

2 Danidzirai pakati pemarudzi, uye zivisai, zvino muise mureza, zivisai, musavanza, muti: Bhabhironi ratapwa, Bheri wanyadziswa, Merodhaki waputsanywa, zvifananidzo zvake zvanyadziswa, mifananidzo yake yaputsanywa.

3 Nokuti rudzi rwunokwira kumurwisa kubva kumaodzanyemba; irwo rwuchaita nyika yake dongo, uye hakuna achagaramo; kubva kumunhu kusvika kumhuka zvichatiza zviende.

4 Mumazuva iwayo, uye panguva iyoyo, anoreva Jehovha, vana vaIsraeri vachauya, ivo nevana vaJudha pamwe chete; vachafamba vachichema; vachafamba uye vachatsvaka Jehovha Mwari wavo.

5 Vachabvunza nzira yeZiyoni; zviso zvavo zvakaringako vachiti: Uyai ngatizvibatanidze kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.

6 Vanhu vangu vaiva makwai akarasika; vafudzi vavo vakavarasisa, vakavatsausira kumakomo; vakafamba kubva kugomo kuenda kuchikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yekuzorora.

7 Vose vaivawana vaivadya, nevadzivisi vavo vaiti: Hatingavi nemhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo ugaro hwekururama, iye Jehovha, tariro yemadzibaba avo.

8 Tizai mubve pakati peBhabhironi, uye budai panyika yevaKaradhiya; uye muve sedzinhongo pamberi peboka remakwai.

9 Nokuti tarira, ndichamutsa ndikwidze chaunga chemarudzi makuru kuBhabhironi kubva kunyika yekumaodzanyemba; uye vachazvigadzirira kurirwisa; kubva ipapo richatapwa; miseve yavo yakaita seyemhare ine simba, haingadzokeri pasina.

10 Zvino Karadhiya ichava chakapambwa; vose vanoitapa vachaguta, anoreva Jehovha.

11 Nokuti maifara, nokuti maipembera, imwi vapambi venhaka yangu, nokuti maiuruka setsiru pauswa unyoro, muchipfeza semabhiza makono,

12 mai venyu vachanyara kwazvo, ivo vakakuberekai, vachasvoda. Tarira, veshure vemarudzi vachava renje, nyika yakaoma, uye gwenga.

13 Nekuda kwekutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; ani nani anopfuura nepaBhabhironi achashamiswa uye acharidzira matambudziko aro ose muridzo.

14 Zvigadzirirei kurwisa Bhabhironi kumativi ose, nemwi mose munohwembura uta, rifurei, musarega miseve, nokuti rakatadzira Jehovha.

15 Danidzirai kuripikisa mativi ose; rakapa ruoko rwaro; nheyo dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; tsivai kwariri sezvarakaita muriitirewo.

16 Gurai mudzvari kubva muBhabhironi, newakabata jeko panguva yekukohwa; nekuda kwekutya munondo unomanikidza vachatendeuka, umwe neumwe kuvanhu vake, uye vachatiza, umwe neumwe kunyika yake.

17 Israeri igwai rakaparadzirwa, shumba dzakadzingira kure; pakutanga mambo weAsiriya wakamudya, uye pakupedzisira uyu Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake.

18 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarira, ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakaranga mambo weAsiriya.

19 Zvino ndichadzosera Israeri kuugaro hwake, uye achachedza paKarimeri neBhashani; uye mweya weupenyu wake uchaguta pagomo rekwaEfuremu naGireyadhi.

20 Mumazuva iwayo nepanguva iyo, anoreva Jehovha, zvakaipa zvaIsraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakaita vakasara.

21 Uchirwisa nyika yeMerataimu, kwira uirwise, nekuvagari vePekodhi; paradza unyangarise shure kwavo, anoreva Jehovha, uye uite zvichienderana nezvose zvandakakuraira.

22 Ruzha rwekurwa rwuri munyika, nekuparadza kukuru.

23 Nyundo yenyika yose yagurwa nekuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pemarudzi!

24 Ndakakuteyera musungo ndokupambwawo, iwe Bhabhironi, newe hauna kuziva; wakawanikwa ukabatwawo, nokuti wakapikisana naJehovha.

25 Jehovha wakazarura dura rake, ndokubudisa zvombo zvekutsamwa kwake, nokuti iri ibasa raIshe Jehovha wehondo panyika yevaKaradhiya.

26 Uyai murirwise kubva kumugumo; zarurai matura aro; riunganidzei semirwi; uye muriparadze chose; ngarirege kuva nevanosara.

27 Urayai nzombe diki dzaro dzose, ngadziburukire kunourawa. Nhamo kwavari! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yekurangwa kwavo.

28 Inzwi revanotiza nevanopukunyuka panyika yeBhabhironi, kuti vadanidzire paZiyoni tsivo yaJehovha Mwari wedu, tsivo yetembere yake.

29 Kokerai vafuri kurwisa Bhabhironi; imwi mose munohwembura uta, dzikai musasa makarikomba; ngakusava neumwe waro anopukunyuka; ritsivei zvinoenderana nebasa raro; zvinoenderana nezvose zvarakaita, itaiwo kwariri. Nokuti rakaita manyawi kurwisa Jehovha, kurwisa Mutsvene waIsraeri.

30 Naizvozvo majaya aro achawa munzira dzaro dzemumusha, uye varume varo vehondo vachaparadzwa pazuva iro, anoreva Jehovha.

31 Tarira, ndinopokona newe, iwe wekuzvikudza, anoreva Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakushanyira.

32 Zvino anozvikudza achagumburwa agowa, uye hakuna angamumutsa; zvino ndichabatidza moto mumaguta ake ugodya zvose zvakamupoteredza.

33 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Vana vaIsraeri nevana vaJudha vakamanikidzwa pamwe chete; uye vose vakavatapa vakavabata, vanoramba kuvarega vaende.

34 Mudzikunuri wavo ane simba; Jehovha wehondo izita rake; achamiririra kwazvo mhosva yavo, kuti ape nyika zororo, nekushaisa runyararo vagari veBhabhironi.

35 Munondo uri pamusoro pevaKaradhiya, anoreva Jehovha, nepamusoro pevagari veBhabhironi, nepamusoro pemachinda aro, nepamusoro pevachenjeri varo.

36 Munondo uri pamusoro pevane manyawi, kuti vaite neupenzi; munondo uri pamusoro pevane simba varo, kuti vavhunduke.

37 Munondo uri pamusoro pemabhiza aro, nepamusoro pengoro dzaro, nepamusoro pevanhu vose vakasangana mukati maro, kuti vave vakadzi; munondo pamusoro pefuma yaro, kuti ipambwe.

38 Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, uye ichapwa; nokuti inyika yezvifananidzo zvakavezwa, uye vanopengera zvifananidzo zvinotyisa.

39 Naizvozvo zvikara zvemarenje pamwe nemakava ezviwi zvichagaramo, nemhou diki dzichavamo; uye harichagarwizve kusvika rinhi narinhi, uye haringagarwi kubva kuzera kusvika kuzera.

40 Mwari sezvaakapidigura Sodhoma neGomora nevavakidzani vawo, anoreva Jehovha, hakuna munhu achagaramo, uye hakuna mwanakomana wemunhu achagara mariri semutorwa.

41 Tarirai, vanhu vanobva kumaodzanyemba, uye rudzi rukuru nemadzimambo mazhinji achamutswa kubva kumicheto yenyika.

42 Vachabata uta nepfumo, vane hasha, uye havangavi nenyasha; inzwi ravo richatinhira segungwa, uye vachatasva mabhiza, vakashongedzwa zvombo semurume anoenda kuhondo, kukurwisa, iwe mukunda weBhabhironi.

43 Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake ndokushaiwa simba; kumanikidzika kwakamubata, kurwadziwa semukadzi anorwadziwa nemimba.

44 Tarirai, achakwira seshumba kubva pakukukumuka kwaJoridhani kuenda kuugaro hweane simba; asi ndichavamhanyisa pakarepo kubva paari; uye ani nani wakasarudzwa wandingagadza pamusoro pake; nokuti ndiani wakafanana neni? Uye ndiani achandigadzira nguva? Zvino ndiani mufudzi uyo achamira pamberi pangu?

45 Naizvozvo inzwai zano raJehovha raakaraira kurwisa Bhabhironi, nezvinangwa zvake zvaakananga kurwisa nyika yevaKaradhiya: Zvirokwazvo vadiki veboka vachavakweva; zvirokwazvo achaita ugaro dongo pamusoro pavo.

46 Neruzha rwekutapwa kweBhabhironi nyika ichadengenyeka, uye kuchema kuchanzwikwa pakati pemarudzi.