ShonaTeam Jeremiah « 49 »

Chirevo pamusoro paAmoni

49Pamusoro pevana vaAmoni. Anoreva seizvi Jehovha: Israeri haana vanakomana here? Haana mugari wenhaka here? Sei Marikami agara nhaka yaGadhi, nevanhu vake vachigara mumaguta ake?

2 Naizvozvo tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichanzwisa mhere yehondo muRabha revana vaAmoni; uye richava murwi wedongo; uye vakunda varo vachapiswa nemoto; zvino Israeri achava mugari wenhaka kune vaiva vagari vedzinhaka vake, anoreva Jehovha.

3 Ungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa; chemai imwi vakunda vaRabha, zvisungei zviuno nemasaga, ungudzai, muende uko neuko pavuzhowa; nokuti Marikami achaenda muutapwa, vapristi vake nemachinda ake pamwe chete.

4 Unozvikudzirei mumipata? Mupata wako unoyerera, iwe mukunda wekudzokera shure, anovimba nefuma yake achiti: Ndiani achauya kwandiri?

5 Tarira, ndichauisa chityiso pamusoro pako, anoreva Ishe Jehovha wehondo, kubva kune vose vakakukomberedza; uye muchadzingwa, umwe neumwe pamberi pake; uye hakuna achaunganidza anodzungaira.

6 Zvino pashure ndichadzosa utapwa hwevana vaAmoni, anoreva Jehovha.

7 Pamusoro paEdhomu. Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Hakuchina uchenjeri muTemani here? Zano rapera here kune vanonzwisisa? Uchenjeri hwavo hwanyangarika here?

8 Tizai, tsaukai, garai makadzika, vagari vepaDhedhani; nokuti ndichauisa dambudziko raEsau pamusoro pake, nguva yekumushanyira kwangu.

9 Kana vakohwi vemazambiringa vakasvika kwauri, havangasii zvekufuhurudza here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangaparadzi kusvika vakwana here?

10 Asi ini ndafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzechivande, kuti asagona kuzvivanza; chizvarwa chake chaparadzwa, nehama dzake nevavakidzani vake, hongu, haachipo.

11 Siya nherera dzako, ini ndichadzichengeta dzichirarama, nechirikadzi dzako ngadzivimbe neni.

12 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, avo vemutongo wavo waiva wekusanwa mukombe vakanwa zvekunwa; zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarangwi here? Haungaregwi usina mhosva, asi uchanwa zvirokwazvo.

13 Nokuti ndakapika neni ndomene, anoreva Jehovha, kuti Bhozira richava chityiso, chishoorwa, dongo, uye chakatukwa; nemaguta aro ose achava matongo nekusingaperi.

14 Ndakanzwa shoko kubva kuna Jehovha, uye nhume yakatumwa pakati pemarudzi, ichiti: Unganai, muuye kuzorirwisa, uye simukirai hondo.

15 Nokuti tarira, ndakakuita mudiki pakati pemarudzi, anozvidzwa pakati pevanhu.

16 Kutyisa kwako kwakunyengera, kuzvikudza kwemoyo wako, iwe ugere mumikaha yedombo, wakabata nhongonya yechikomo; kunyange ukaita dendere rako rakakwirira segondo, ndichakuburusa kubvapo, anoreva Jehovha.

17 NeEdhomu richaitwa chityiso; ani nani anopfuura pariri achashamiswa kwazvo, uye achiridzira muridzo matambudziko aro ose.

18 Sekuparadzwa kweSodhoma neGomora nevavakidzani vawo, anoreva Jehovha, hakuna munhu achagaramo, uye hakuna mwanakomana wemunhu achagara mariri semutorwa.

19 Tarira, achakwira seshumba achibva pakukukumuka kwaJoridhani kurwisa ugaro hweakasimba; asi ndichamumhanyisa pakarepo kubva kwaari; zvino ndiani wakasarudzwa wandichagadza pamusoro pake? Nokuti ndiani wakaita seni? Uye ndiani achandigadzira nguva? Uye ndiani mufudzi achamira pamberi pangu?

20 Naizvozvo inzwai zano raJehovha raakapanga kurwisa Edhomu, nezvinangwa zvake zvaakananga kurwisa vagari veTemani: Zvirokwazvo vadikisa veboka vachavakweva, zvirokwazvo achaparadza ugaro hwavo pamusoro pavo.

21 Nyika yakadedera paruzha rwekuwa kwavo, rwekuchema, ruzha rwayo rwakanzwika paGungwa Dzvuku.

22 Tarira, achakwira ndokubhururuka-bhururuka segondo, ndokutandavadza mapapiro ake pamusoro peBhozira; zvino pazuva iro moyo wevane simba veEdhomu uchava semoyo wemukadzi pakurwadziwa kwake nemimba.

Chirevo pamusoro peDhamasiko

23 Pamusoro peDhamasiko. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti vakanzwa shoko rakaipa, vakanyauka; kusuruvara kuri pagungwa, harigoni kunyarara.

24 Dhamasiko rapera simba, rakatendeukira kutiza, uye kutya kwaribata, kumanikidzwa, nekushungurudzika kukuru kwaribata seanorwadziwa nemimba.

25 Harina kusiiwa sei guta rekurumbidzwa, guta remufaro wangu?

26 Naizvozvo majaya aro achawira munzira dzaro dzemumisha, nevarume vose vehondo vachagurwa pazuva iro, anoreva Jehovha wehondo.

27 Zvino ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasiko, uye uchaparadza mizinda yaBheni-Hadhadhi.

Chirevo pamusoro peKedhari neHazori

28 Pamusoro peKedhari nepamusoro peushe uzhinji hweHazori Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi hwaakarova. Anoreva seizvi Jehovha: Simukai, kwirai kuKedhari, munoparadza vana vekumabvazuva.

29 Vachatora matende avo nemapoka avo emakwai, maketeni avo nemidziyo yavo yose, nemakamera avo vachazvitakurira, vachadanidzira kwavari vachiti: Kutya pamativi ose!

30 Tizai, mudzungaire kwazvo, garai makadzika, imwi vagari veHazori, anoreva Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakaronga zano kukurwisai, uye wakafunga mufungo kukurwisai.

31 Simukai, mukwire kurwisana nerudzi rwakatambarara, rwunogara rwakatambarara, anoreva Jehovha; rwusina masuwo, rwusina zvipfigiso, rwunogara rwega.

32 Zvino makamera arwo achava chakapambwa, nemapoka ezvipfuwo zvavo achava chakapambwa; uye ndichavaparadzira kumhepo dzose, vakakandwa kumakona, uye ndichauisa dambudziko ravo kubva kumativi arwo ose, anoreva Jehovha.

33 Zvino Hazori richava ugaro hwemakava, dongo kusvika rinhi narinhi; hakungagarimo munhu, uye hakuna mwanakomana wemunhu achagara mariri semutorwa.

Chirevo pamusoro paEramu

34 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya muporofita pamusoro paEramu pakutanga kwekutonga kwaZedhekia mambo waJudha richiti:

35 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichavhuna uta hwaEramu, chikurusa chesimba ravo.

36 Zvino ndichauyisa mhepo ina pamusoro paEramu kubva kumigumo mina yematenga, uye ndichavaparadzira kumhepo dzose idzi, uye hakuna rudzi vakadzingwa vaEramu kwavasingasviki.

37 Nokuti ndichatyisa Eramu pamberi pevavengi vavo nepamberi pevanotsvaka upenyu hwavo, uye ndichauisa chakaipa pamusoro pavo, kupfuta kwekutsamwa kwangu, anoreva Jehovha; zvino ndichatuma shure kwavo munondo kusvika ndavapedza.

38 Zvino ndichamisa chigaro changu cheushe muEramu, uye ndichaparadza kubvapo mambo nemachinda, anoreva Jehovha.

39 Asi zvichaitika pakupera kwemazuva, ndichadzosa utapwa hwaEramu, anoreva Jehovha.