ShonaTeam Jeremiah « 48 »

Chirevo pamusoro paMoabhu

48Pamusoro paMoabhu; anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Nhamo kuNebho, nokuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa uye ratapwa; Mishigabhi ranyadziswa uye rakoromoka.

2 Hakuchavizve nembiri yaMoabhu; muHeshibhoni vakarirangana zvakaipa vachiti: Uyai, ngatirigure kubva pakuva rudzi. Newe Madhimeni, uchanyarara; munondo uchakutevera.

3 Inzwi rekuchema kubva Horonaimi; kuparadzwa nekukoromoka kukuru!

4 Moabhu raparadzwa; vanana vavo vakanzwisa kuchema.

5 Nokuti pamukwidza weRuhiti kuchema kuchakwira nekuchema; nokuti pamuteru weHoronaimi vavengi vakanzwa kuchema kwekuparara.

6 Tizai, ponesai mweya wenyu, muve segwenzi risina maturo murenje.

7 Nokuti nekuda kwekuvimba kwenyu nemabasa enyu uye nezvinokosha zvenyu, newe uchatapwa; naKemoshi achabudira muutapwa, vapristi vake nemachinda ake pamwe chete.

8 Zvino muparadzi achasvikira paguta ripi neripi, uye hapana guta richapukunyuka, nemupata uchaparara, nebani richaparadzwa, Jehovha sezvaakataura.

9 Ipai mapapiro kuna Moabhu, nokuti achabhururuka abude, uye maguta ake achava dongo, pasina anogaramo.

10 Wakatukwa anoita basa raJehovha asina hanya, uye wakatukwa anodzora munondo wake paropa.

11 Moabhu wakatambarara kubva paudiki hwake, uye wakazorora pamasese ake, uye haana kudururwa kubva mumudziyo kuenda mumudziyo, uye muutapwa haana kuenda; naizvozvo kuravirwa kwake kunogara maari, uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka.

12 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichatumira kwaari varereki vemidziyo, vachamureresa, uye vachadurura midziyo yake nekuputsa zvirongo zvavo.

13 Zvino Moabhu achanyara pamusoro peKemoshi, imba yaIsraeri sezvayakanyara pamusoro peBheteri, chivimbo chavo.

14 Munoreva sei muchiti: Tiri vane simba nevarume vehondo vakagwinya?

15 Moabhu waparadzwa, uye wakwira kubva mumaguta ake, nemajaya avo akasarudzwa akaburukira kunourawa, anoreva mambo, ane zita rinonzi Jehovha wehondo.

16 Njodzi yaMoabhu yava pedo kusvika, uye dambudziko rake rinokurumidza kwazvo.

17 Muchemei, imwi mose makamukomba, nemwi mose munoziva zita rake, muti: Tsvimbo yakasimba yavhunika sei, mudonzvo wakanaka!

18 Iwe mugarikadzi mukunda weDhibhoni, buruka kubva paukuru, zvino ugare panyota, nokuti mutapi waMoabhu wakwira kukurwisa, achaparadza nhare dzako.

19 Iwe mugarikadzi weAroeri, mira panzira, zvino utarire; ubvunze anotiza neanopukunyuka, uti: Chii chaitika?

20 Moabhu wakanyadziswa, nokuti wakakoromorwa. Ungudzai uye chemai, zivisai paArinoni kuti Moabhu waparadzwa.

21 Zvino mutongo wauya pamusoro penyika yebani, pamusoro peHoroni, nepamusoro peJaza, nepamusoro peMefaati,

22 nepamusoro peDhibhoni, nepamusoro peNebho, nepamusoro peBheti-Dhibhirataimu,

23 nepamusoro peKiriataimu, nepamusoro peBheti-Gamuri, nepamusoro peBheti-Meoni,

24 nepamusoro peKerioti, nepamusoro peBhozira, nepamusoro pemaguta ose enyika yaMoabhu, ari kure neari pedo.

25 Runyanga rwaMoabhu rwagurwa, uye ruoko rwake rwavhunwa, anoreva Jehovha.

26 Mudhakisei, nokuti anozvikudza pamberi paJehovha; Moabhuwo achaumburuka mumarutsi ake, hongu iyewo achava chiseko.

27 Nokuti Israeri haana kuva chiseko kwauri here? Wakawanikwa pakati pembavha here? Nokuti unodzungudza kubva panguva yemashoko ako pamusoro pake.

28 Siyai maguta, mugare mubwe, imwi vagari veMoabhu, uye ivai senjiva inoita dendere rayo pamativi emuromo weruwere.

29 Takanzwa kuzvikudza kwaMoabhu, anozvikudza kwazvo, kuzvikukumadza kwake, nekuzvikudza kwake, nekuzvida kwake, nemanyawi emoyo wake.

30 Ini ndinoziva hasha dzake, anoreva Jehovha, asi hazvingadaro, kuropota kwake hakuna kuita zvakarurama.

31 Naizvozvo ndichaungudza pamusoro paMoabhu, hongu ndichachema pamusoro paMoabhu wose; vachachema pamusoro pevanhu veKiri-Heresi.

32 Nekuungudza kweJazeri ndinokuungudzira iwe, muzambiringa weSibhima; matavi ako akadarika gungwa, akanosvika pagungwa reJazeri; muparadzi wawa pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha nepamusoro pemazambiringa ako akakohwewa.

33 Zvino mufaro nekufara zvabviswa pamunda unobereka, nepanyika yaMoabhu; uye ndakagumisa waini pazvisviniro, havangatsiki neruzha rwemufaro; ruzha rwemufaro harwungavi ruzha rwemufaro.

34 Kubva pakuchema kweHeshibhoni kusvika Ereare, kusvika Jahazi, vakabudisa inzwi ravo, kubva Zoari kusvika Horonaimi tsiru remakore matatu; nokutiwo mvura dzeNimirimi dzichava matongo.

35 Zvino ndichagumisa paMoabhu, anoreva Jehovha, iye anobaira panzvimbo yakakwirira, neanopisira vamwari vake zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

36 Naizvozvo moyo wangu ucharira senyere pamusoro paMoabhu, uye moyo wangu uchachema senyere pamusoro pevanhu veKiri-Heresi; nokuti fuma yavaiva vawana yaparara.

37 Nokuti musoro umwe neumwe imhanza, uye ndebvu imwe neimwe yakaveurwa, maoko ose akagurwa, uye saga riri pachiuno.

38 Pamusoro pematenga edzimba ose aMoabhu, nepanzira dzemumisha dzake, panzvimbo dzose pane kuungudza, nokuti ndaputsa Moabhu semudziyo usingafarirwi, anoreva Jehovha.

39 Vachaungudza vachiti: Wakoromoka sei! Moabhu washandura mutsipa achinyara sei! Naizvozvo Moabhu achava chiseko nechityiso kune vose vakamupoteredza.

40 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Tarira, achabhururuka nekuhwembuka segondo, uye achatambanudzira mapapiro ake pamusoro paMoabhu.

41 Maguta atapwa, nenhare dzabatwa; nemoyo weane simba waMoabhu wakava pazuva iroro semoyo wemukadzi anorwadziwa nemimba.

42 Zvino Moabhu achaparadzwa kubva pakuva rudzi, nokuti wakazvikudza pamberi paJehovha.

43 Kutya negomba nemusungo zviri pamusoro pako, iwe mugari weMoabhu, anoreva Jehovha.

44 Anotiza chityiso achawira mugomba, neanomuka kubuda mugomba achabatwa nemusungo, nokuti ndichauyisa kwaari, pamusoro paMoabhu gore rekurohwa kwavo, anoreva Jehovha.

45 Vakatiza vanomira pamumvuri weHeshibhoni vasina simba; nokuti moto uchabuda kubva muHeshibhoni, nemurazvo kubva mukati meSihoni, uye uchadya kona yaMoabhu nenhongonya yevana vemheremhere.

46 Nhamo kwauri, iwe Moabhu! Vanhu veKemoshi vapera; nokuti vanakomana vako vatapwa, nevakunda venyu muutapwa.

47 Asi ndichadzosa vakatapwa vaMoabhu pamazuva ekupedzisira, anoreva Jehovha. Kusvika apa mutongo waMoabhu.