ShonaTeam Jeremiah « 47 »

Shoko pamusoro pevaFirisitia

47Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya muporofita pamusoro pevaFirisitia, Farao asati arova Gaza.

2 Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, mvura dzinokwira kubva kumaodzanyemba, dzichava rwizi runopopoma, uye dzichafukidza nyika nekuzara kwayo, guta nevagere mariri; uye vanhu vachachema, nevagari vose vepanyika vachaungudza.

3 Nekuda kweruzha rwekutinhira kwemahwanda eane simba ake, nekuda kwemutinhiro wengoro dzake, nekuvirima kwemavhiri adzo; madzibaba haangacheukiri kuvana nemhaka yekushaya simba kwemaoko;

4 nekuda kwezuva rinouya kuparadza vaFirisitia vose, kugura paTire nepaSidhoni mubatsiri umwe neumwe wakasara; nokuti Jehovha achaparadza vaFirisitia, vakasara vechiwi cheKafitori.

5 Kuva nemhanza kwasvika muGaza; Ashikeroni ragurwa, vakasara vemupata wavo; uchazvitema kusvika rinhi?

6 Haiwa, munondo waJehovha, kusvika rinhi usinganyarari? Zviunganidze mumuhara mako, zorora, unyarare.

7 Unganyarara sei, Jehovha zvaakauraira pamusoro peAshikeroni nepamusoro pemahombekombe egungwa? Ndipo paakaugadza.