ShonaTeam Jeremiah « 46 »

Shoko pamusoro peEgipita

46Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya muporofita kurwisa marudzi;

2 kurwisa Egipita; kurwisa hondo yaFarao-Neko mambo weEgipita, yaiva parwizi Furati paKarikemishi, iyo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi yaakarova mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha.

3 Gadzirirai nhovo diki nenhovo huru, muswedere pahondo.

4 Sungai mabhiza, uye kwirai, vatasvi vemabhiza, muzvimise mune nguwani; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzematare.

5 Ndakavaonerei vachishamisika, vachidzokera shure? Nevane simba vavo varoverwa pasi uye vatizira kuutiziro, uye havacheukiri shure; kutya kuri pamativi ose, anoreva Jehovha.

6 Anomhanyisa ngaarege kutiza, neane simba ngaarege kupukunyuka; vachagumburwa ndokuwira pasi pamaodzanyemba parutivi rwerwizi Furati.

7 Ndiani uyu anokwirira serwizi, mvura dzarwo dzinopopoma senzizi?

8 Egipita rinokwirira serwizi, uye mvura dzarwo dzinopopoma senzizi; zvino rinoti: Ndichakwirira, uye ndichafukidza nyika, ndichaparadza guta nevageremo.

9 Kwirai, imwi mabhiza, mupenge, imwi ngoro, uye budai, imwi vane simba; vaItiyopiya nevaRibhiya vakabata nhovo, nevaRudhi vanobata nekuwembura uta.

10 Nokuti iri zuva nderaIshe Jehovha wehondo, zuva retsivo, kuti azvitsividze pavadzivisi vake, zvino munondo uchadya uye uchaguta uye uchadhakwa neropa ravo; nokuti Ishe Jehovha wehondo ane chibairo kunyika yekumaodzanyemba parwizi Furati.

11 Kwira kuende Giriyadhi, unotora mubharisami, iwe mhandara, mukunda weEgipita; mishonga wakaiwanzira pasina, hakuna kurapiwa kwauri.

12 Marudzi akanzwa zvekunyadziswa kwako, nekuchema kwako kwakazadza nyika; nokuti vakagumburwa, ane simba kurwisana neane simba, vakawa vose pamwe chete.

13 Shoko Jehovha raakataura kuna Jeremiya muporofita nezvekuuya kwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi kuzorova nyika yeEgipita.

14 Paridzirai paEgipita, uye zivisai paMigidhori, uye nzwisai paNofi nepaTapanesi, itii: Zvimise, zvigadzirire, nokuti munondo uchadya zvakakupoteredza.

15 Sei varume vako vane simba vakukurwa? Havana kumira, nokuti Jehovha wakavadzinga.

16 Wakawedzera vanogumburwa, hongu, umwe anowira pamusoro peumwe, uye vanoti: Simukai, tidzokere kuvanhu vedu, nekunyika yechiberekerwa chedu, kubva pamunondo unomanikidza.

17 Vakadanidzirako vachiti: Farao mambo weEgipita ruzha chete, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.

18Neupenyu hwangu, anoreva mambo, zita rake rinova Jehovha wehondo: Zvirokwazvo achauya seTabhori pakati pemakomo, uye seKarimeri pagungwa.

19 Zviitire zvombo zvekutapwa, mukunda anogara muEgipita; nokuti Nofi richava dongo riparadzwe risina mugari.

20 Egipita itsiru rakaisvonaka kwazvo; vuvu rinobva kumaodzanyemba rasvika, rasvika.

21 Uye vakahaiwa varo vari pakati pake semhuru dzemudanga; nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwe chete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, nguva yekushanyirwa kwavo.

22 Inzwi raro richafamba senyoka, nokuti vachafamba nehondo, ndokusvika pakatarisana naro nematemo sevatemi vemiti.

23 Vachatemera pasi sango raro, anoreva Jehovha; kunyange risinganzverwi, nokuti vakawanda kupfuura mhashu, uye havaverengeki.

24 Mukunda weEgipita achanyadziswa; achapiwa muruoko rwevanhu vekumaodzanyemba.

25 Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, anoti: Tarirai, ndicharanga Amoni weNo, naFarao, neEgipita, navamwari varo, nemadzimambo aro, hongu Farao, nevanovimba naye.

26 Zvino ndichavapa muruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo, nemuruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nemuruoko rwevaranda vake; zvino pashure richagarwa, sepamazuva ekare, anoreva Jehovha.

27 Asi usatya iwe Jakove muranda wangu, usavhunduswa iwe Israeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, nechizvarwa chako chiri munyika yeutapwa hwavo; uye Jakove achadzoka uye achazorora nekugadzikana, uye hapana achamutyisa.

28 Usatya iwe Jakove muranda wangu, anoreva Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichaita mugumo wemarudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakuiti mugumo, uye ndichakutsiura zvakafanira, asi handingakuregi zvekukurega usina kurangwa.