ShonaTeam Jeremiah « 45 »

Shoko raJeremiya kuna Bharuki

45Shoko Jeremiya muporofita raakataura kuna Bharuki mwanakomana waNeriya, paaiva anyora mashoko awa mubhuku zvichibva pamuromo waJeremiya, mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri kwauri, iwe Bharuki:

3 Iwe wakati: Nhamo kwandiri ikozvino! Nokuti Jehovha wakawedzera marwadzo pakushungurudzika kwangu; ndaneta pakugomera kwangu, uye handina kuwana zororo.

4 Zvino uchareva seizvi kwaari: Jehovha anoreva seizvi: Tarira, chandakavaka ndichachikoromora, uye chandakasima ndichachidzura, hongu, iyo nyika yose.

5 Zvino iwe uchazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndinouisa chakaipa pamusoro penyama yose, anoreva Jehovha; asi ndichakupa upenyu hwako huve chakapambwa kunzvimbo dzose kwaunoenda.