ShonaTeam Jeremiah « 43 »

Vanhu vanoenda Egipita

43Zvino zvakaitika Jeremiya apedza kutaura kuvanhu vose mashoko ose aJehovha Mwari wavo, Jehovha Mwari wavo aaiva amutuma nawo kwavari, mashoko awa ose,

2 kuti Azariya mwanakomana waHoshaiya, naJohwanani mwanakomana waKareya, nevanhu vose vanozvikudza, vakataura vachiti kuna Jeremiya: Unoreva nhema; Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uti: Musaenda Egipita kunogarapo sevatorwa.

3 Asi Bharuki mwanakomana waNeriya anokumutsa kurwisana nesu, kuti atipe muruoko rwevaKaradhiya, kuti vatiuraye nekutitapira kuBhabhironi.

4 Naizvozvo Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo, nevanhu vose, havana kuteerera kuinzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.

5 Asi Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vaiva vadzoka kumarudzi ose kwavaiva vadzingirwa, kugara sevatorwa munyika yaJudha,

6 varume, nevakadzi, nevanana, nevakunda vamambo, nemunhu upi neupi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi waakaisa kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwe naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeriya.

7 Zvino vakapinda munyika yeEgipita; nokuti havana kuteerera kuinzwi raJehovha; ndokusvika kuTapanesi.

8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi richiti:

9 Tora mabwe makuru muruoko rwako, zvino uavige muvhu pakati pezvitina, zviri pakupinda paimba yaFarao paTapanesi, pameso pevarume vaJudha.

10 Zvino uti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichatumira nditore Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi muranda wangu, ndiise chigaro chake cheushe pamusoro pemabwe awa andakaviga; uye achawarira pamusoro pawo jira rake reumambo.

11 Zvino achauya ndokurova nyika yeEgipita; avo verufu kurufu, neavo vekutapwa kukutapwa, neavo vemunondo kumunondo.

12 Zvino ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veEgipita; uye achadzipisa nekuvatapa; uye uchazvimonera nenyika yeEgipita semufudzi unozvimonera nenguvo yake, uye uchabvapo nerugare.

13 Achaputsawo shongwe dzeBheti-Shemeshi zviri zvifananidzo zviri panyika yeEgipita, uye dzimba dzavamwari veEgipita achadzipisa nemoto.