ShonaTeam Jeremiah « 42 »

Shoko raJeremiya kuna Johwanani

42Zvino vakaswedera vakuru vose vedzihondo, naJohwanani mwanakomana waKareya, naJezaniya mwanakomana waHoshaiya, nevanhu vose kubva kumudikisa kusvika kumukurusa,

2 ndokuti kuna Jeremiya muporofita: Dai mukumbiro wedu wawira pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, pamusoro pevakasara vose ava; nokuti takasara tiri vashoma kubva pavazhinji, meso enyu sezvaanotiona;

3 kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatichafamba mairi, nechinhu chatichaita.

4 Zvino Jeremiya muporofita wakati kwavari: Ndanzwa; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu zvichienderana nemashoko enyu; zvino zvichaitika kuti chinhu chipi nechipi Jehovha chaachakupindurai, ndichazivisa kwamuri; handingakunyimii chinhu.

5 Zvino ivo vakati kuna Jeremiya: Jehovha ngaave chapupu chechokwadi nechakatendeka pakati pedu, kana tikasaita saizvozvo, zvinoenderana neshoko rose Jehovha Mwari wenyu raachakutumai kwatiri naro.

6 Kana zvakanaka uye kana zvakaipa, tichateerera kuinzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari; kuti zvitinakire, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.

7 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva gumi kuti kwakava neshoko raJehovha kuna Jeremiya.

8 Zvino wakadana Johwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vedzihondo vaiva naye, nevanhu vose kubva kumudikisa kusvika kumukurusa.

9 Ndokuti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri wamakanditumira kwaari kuti ndiwisire chikumbiro chenyu pamberi pake:

10 Kana muchigara zvekugara munyika iyi, ipapo ndichakuvakai, uye ndirege kukoromora, uye ndichakusimai ndigorega kudzura; nokuti ndinozvidemba pane zvakaipa zvandakaita kwamuri.

11 Musatya mambo weBhabhironi wamunotya; musamutya, anoreva Jehovha; nokuti ndinemwi kukuponesei nekukununurai kubva paruoko rwake.

12 Zvino ndichakupai nyasha huru, kuti iye ave nenyasha nemwi, nekukudzoserai kunyika yekwenyu.

13 Asi kana mukati: Hatingagari munyika iyi, kuti musateerera kuinzwi raJehovha Mwari wenyu,

14 muchiti: Kwete, asi tichaenda kunyika yeEgipita, kwatisingazooni hondo, uye kwete kunzwa inzwi rehwamanda, uye kwete kuona nzara yezvekudya, uye tichanogarako;

15 zvino ikozvino inzwai naizvozvo shoko raJehovha, vakasara vaJudha: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Kana muchirinzira kwazvo zviso zvenyu kupinda muEgipita, kana mukapinda kunogaramo sevatorwa;

16 zvino zvichaitika, munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeEgipita; nenzara yamunoshungurudzikira ichanamatira shure kwenyu paEgipitapo, zvino muchafirapo.

17 Vachava saizvozvo varume vose vakarinzira zviso zvavo kuenda kuEgipita kunogarako sevatorwa; vachafa nemunondo, nenzara, uye nehosha; uye hakuna umwe wavo uchasara kana kupukunyuka pane chakaipa chandichauisa pamusoro pavo.

18 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pevagari veJerusarema, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, pamuchapinda muEgipita; uye muchava chituko, nechityiso, nechakatukwa, nechinyangadzo; uye hamungaonizve nzvimbo iyi.

19 Jehovha wakataura pamusoro penyu, imwi vakasara vaJudha, achiti: Musapinda muEgipita; zivai kwazvo kuti ndakupupurirai nhasi.

20 Nokuti makanyengera mweya yeupenyu yenyu; nokuti imwi makandituma kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti: Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, uye zvichienderana nezvose Jehovha Mwari wedu zvaachareva, zivisai kwatiri sezvazviri, zvino tichazviita.

21 Zvino nhasi ndakuzivisai, asi hamuna kuteerera kuinzwi raJehovha Mwari wenyu, kana chipi nechipi chaakandituma kwamuri.

22 Naizvozvo ikozvino zivai kwazvo kuti muchafa nemunondo, nenzara, uye nehosha, panzvimbo iyo yamunofarira kuenda kunogarako sevatorwa.