ShonaTeam Jeremiah « 40 »

Jeremiya anogara naGedhariya

40Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha shure kwekunge Nebhuzaradhani mukuru wevarindi amurega achienda kubva paRamah, paaiva amutora akasungwa mumaketani pakati pevose vakatapwa veJerusarema nekwaJudha, vakatapirwa kuBhabhironi.

2 Zvino mukuru wevarindi wakatora Jeremiya ndokuti kwaari: Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo iyi.

3 Zvino Jehovha wazviunza ndokuita sezvaakareva, nokuti makatadzira Jehovha, uye hamuna kuteerera inzwi rake; naizvozvo chinhu ichi chakaitika kwamuri.

4 Zvino ikozvino, tarira, ndinokusunungurira nhasi pamaketani ari paruoko rwako. Kana zvakanaka pameso ako kuti uende neni kuBhabhironi, uya; zvino ini ndichaisa ziso rangu pamusoro pako; asi kana zvakaipa pameso ako kuenda neni kuBhabhironi, rega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; uko kwakanaka uye kwakarurama pameso ako kuenda, endako.

5 Asi asati adzokera, wakati: Dzokera kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani, mambo weBhabhhironi waakagadza kuva mubati wemaguta aJudha, ugogara naye pakati pevanhu, kana kupi nekupi kwakarurama pameso ako kuendako, enda. Naizvozvo mukuru wevarindi wakamupa mbuva nechipo, ndokumurega achienda.

6 Zvino Jeremiya wakasvika kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami paMizipa, ndokugara naye pakati pevanhu vasiiwa panyika.

7 Kwakati vakuru vose vehondo vaiva vari mumasango, ivo nevarume vavo vanzwa kuti mambo weBhabhironi waiva aita Gedhariya mwanakomana waAhikami mubati munyika, uye kuti wapa kwaari varume nevakadzi nevanana, nekuvarombo venyika, kune vaiva vasina kutapirwa kuBhabhironi,

8 ipapo vakauya kuna Gedhariya paMizipa, naIshimaeri mwanakomana waNetaniya, naJohwanani naJonatani vanakomana vaKareya, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, nevanakomana vaEfai muNetofati, naJezaniya mwanakomana wemuMaakati, ivo nevarume vavo.

9 Uye Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani wakapika kwavari nekuvarume vavo achiti: Musatya kushumira vaKaradhiya; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, zvino zvichakunakirai.

10 Zvino tarirai, ini ndinogara paMizipa, kuti ndimire pamberi pevaKaradhiya vachasvika kwatiri; asi imwi unganidzai waini nezvibereko zvezhizha nemafuta, mugoisa mumidziyo yenyu, uye mugare mumaguta enyu amakatora.

11 Saizvozvo vaJudha vose vaiva paMoabhu, nepakati pevana vaAmoni, nepaEdhomu, nevaiva panyika dzose, pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi waiva asiya vakasiiwa muJudha, uye kuti waiva aisa pamusoro pavo Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani,

12 zvino vaJudha vose vakadzoka kubva panzvimbo dzose kwavaiva vadzingirwa, ndokusvika panyika yaJudha, kuna Gedhariya paMizipa, ndokuunganidza waini nezvibereko zvezhizha zvikawanda kwazvo.

13 NaJohwanani mwanakomana waKareya, nevakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedhariya paMizipa,

14 ndokuti kwaari: Munoziva zvirokwazvo here kuti Bhaarisi mambo wevana vaAmoni wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetaniya kukurovai pamweya weupenyu? Asi Gedhariya mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.

15 Ipapo Johwanani mwanakomana waKareya wakataura naGedhariya pachivande paMizipa, achiti: Regai henyu ndiende ndirove Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, zvino hakuna achaziva. Achakuroverei paupenyu, kuti vaJudha vose vakaungana kwauri vaparadzirwe, nevakasara vaJudha vaparare?

16 Asi Gedhariya mwanakomana waAhikami wakati kuna Johwanani mwanakomana waKareya: Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.