ShonaTeam Jeremiah « 39 »

Kukundwa kweJerusarema

39Mugore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose vakasvika kurwisa Jerusarema ndokurikomba.

2 Mugore regumi nerimwe raZedhekia, mumwedzi wechina, nezuva repfumbamwe remwedzi guta rakakoromorwa.

3 Zvino machinda ose amambo weBhabhironi akapinda ndokugara pasuwo repakati, Nerigari-Sari-Ezeri, Samigari-Nebhu, Sari-Sekimu, Rabhi-Sarisi, Nerigari-Sari-Ezeri, Rabhi-Magi, pamwe nevose vamwe vemachinda amambo weBhabhironi.

4 Zvino zvakaitika Zedhekia mambo waJudha nevarume vose vehondo pavakavaona, vakatiza, vakabuda muguta usiku nenzira yebindu ramambo pasuwo pakati pemasvingo maviri; zvino akabuda nenzira yebani.

5 Asi hondo yevaKaradhiya yakadzingirirana navo, ndokubata Zedhekia pamapani eJeriko. Zvino vakati vamubata, vakamukwidza kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati; iye ndokutaura mitongo paari.

6 Zvino mambo weBhabhironi wakauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira pamberi pemeso ake; mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.

7 Zvino wakapofumadza meso aZedhekia, ndokumusunga neketani mbiri dzendarira kumutakurira kuBhabhironi.

8 Zvino vaKaradhiya vakapisa imba yamambo nedzimba dzevanhu nemoto, ndokukoromora masvingo eJerusarema.

9 Zvino vakasara vevanhu vakasiiwa paguta, nevakapanduka vakapandukira kwaari, nevakasara vevanhu vakasiiwa, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavatapira kuBhabhironi.

10 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe vevarombo pavanhu, vaiva vasina chinhu, ndokuvapa minda yemizambiringa neminda nezuva iroro.

11 Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakaraira neruoko rwaNebhuzaradhani mukuru wevarindi pamusoro paJeremiya achiti:

12 Mutore, uise meso ako paari, usamuitira chinhu chakaipa, asi uite kwaari zvinoenderana nekutaura kwake kwauri.

13 Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakatumira shoko, naNebhushazibhani Rabhi-Sarisi, naNerigari-Sari-Ezeri Rabhi-Magi, nevakuru vose vamambo weBhabhironi,

14 uye vakatumira ndokutora Jeremiya muchivanze chetirongo ndokumupa kuna Gedhariya mwanakomana waAhikami mwanakomana waShafani, kuti amubudisire kumba; naizvozvo wakagara pakati pevanhu.

15 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paaiva akapfigirwa muchivanze chetirongo richiti:

16 Enda unotaura kuna Ebhedhi-Mereki muItiyopiya uchiti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tarira, ndichaunza mashoko angu kuguta iri pane zvakaipa uye kwete pane zvakanaka; uye achava pamberi pako nezuva iro.

17 Asi ndichakununura nezuva iro, anoreva Jehovha; uye haungapiwi muruoko rwevanhu vaunotya.

18 Nokuti ndichakununura zvekukununura, uye haungawi nemunondo, asi upenyu hwako huchava chakapambwa kwauri, nokuti wavimba neni, anoreva Jehovha.