ShonaTeam Jeremiah « 38 »

Jeremiya anokandirwa mugomba rine matope

38Zvino Shefatiya mwanakomana waMatani, naGedhariya mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikiya, vakanzwa mashoko Jeremiya aakataura kuvanhu vose, achiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha: Anosara muguta iri achafa nemunondo, nenzara, uye nehosha; asi anobuda kuenda kuvaKaradhiya achararama, nokuti achava neupenyu hwake huve chakapambiwa ararame.

3 Anoreva seizvi Jehovha: Guta iri richapiwa zvirokwazvo muruoko rwehondo yamambo weBhabhironi, uye acharitapa.

4 Zvino machinda akati kuna mambo: Tinokumbira, munhu uyu ngaauraiwe, nokuti saizvozvo anoshaisa simba maoko evarume vehondo vakasara muguta iri, nemaoko evanhu vose, pakutaura mashoko akadaro kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki rugare rwevanhu ava, asi zvakaipa.

5 Zvino Zedhekia mambo wakati: Tarirai, ari muruoko rwenyu, nokuti mambo haagoni kuita chinhu chinopokana nemwi.

6 Zvino vakatora Jeremiya ndokumukandira mugomba raMarikiya mwanakomana wamambo, raiva muchivanze chetirongo, ndokuburutsa Jeremiya nemabote; uye mugomba maiva musina mvura asi nhope; Jeremiya ndokunyura munhope.

7 Zvino Ebhedhi-Mereki muItiyopiya, murume mutenwa waiva muimba yamambo wakanzwa kuti vaisa Jeremiya mugomba, mambo paaiva agere pasuwo raBhenjamini.

8 Zvino Ebhedhi-Mereki wakabuda muimba yamambo, ndokutaura kuna mambo achiti:

9 Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pane zvose zvavakaita kumuporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; nokuti achafa panzvimbo yake nekuda kwenzara, nokuti hamuchina chingwa muguta.

10 Zvino mambo wakaraira Ebhedhi-Mereki muItiyopiya, achiti: Tora kubva pano varume makumi matatu pasi peruoko rwako, mugosimudza Jeremiya muporofita kubva mugomba asati afa.

11 Naizvozvo Ebhedhi-Mereki wakatora varume pasi peruoko rwake, ndokuenda muimba yamambo kusvika ava pasi pechivigiro, ndokutorapo nguvo dzakasakara nemamvemve akasakara, akazviburusira nemabote mugomba kuna Jeremiya.

12 Zvino Ebhedhi-Mereki muItiyopiya wakati kuna Jeremiya: Isa hako mamvemve akasakara awa nenguvo dzakasakara pasi pehapwa dzako pasi pemabote. Jeremiya ndokuita saizvozvo.

13 Naizvozvo vakakweva Jeremiya nemabote ndokumubudisa mugomba; Jeremiya ndokuramba ari muchivanze chetirongo.

14 Zvino mambo Zedhekia wakatumira ndokutora Jeremiya muporofita kumuisa kwaari panopindwa napo pechitatu paiva muimba yaJehovha; mambo ndokuti kuna Jeremiya: Ndichakubvunza nyaya; usandivanzira chinhu.

15 Jeremiya ndokuti kuna Zedhekia: Kana ndikakuzivisai, hamungandiurayi zvekundiuraya here? Uye kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.

16 Naizvozvo mambo Zedhekia wakapika kuna Jeremiya pachivande, akati: NaJehovha mupenyu, wakatiitira mweya weupenyu uyu: Zvirokwazvo handingakuurayi, uye zvirokwazvo handingakupi muruoko rwevarume ava vanotsvaka upenyu hwako.

17 Zvino Jeremiya wakati kuna Zedhekia: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsraeri: Kana ukabuda zvirokwazvo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya weupenyu wako uchararama, uye guta iri haringapiswi nemoto, uye uchararama iwe neimba yako.

18 Asi kana ukasabudira kumachinda amambo weBhabhironi, guta iri richapiwa muruoko rwevaKaradhiya; vagoripisa nemoto; newe haungapukunyuki kubva muruoko rwavo.

19 Zvino Zedhekia mambo wakati kuna Jeremiya: Ndinotya vaJudha vakapandukira kuvaKaradhiya, zvimwe vangandipa muruoko rwavo, ivo ndokundiseka.

20 Jeremiya ndokuti: Havangakupi kwavari. Teerera hako inzwi raJehovha pane zvandiri kukuudzai; saizvozvo zvichakunakira uye mweya weupenyu wako uchararama.

21 Asi kana ukaramba kuenda, heri shoko Jehovha raandiratidza:

22 Ipapo tarirai, vakadzi vose vakasara muimba yamambo waJudha vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi. Uye vachati: Shamwari dzenyu dzakakunyengerai dzakakukundai; tsoka dzenyu dzonyura munhope, vanodzokera shure.

23 Zvino vachabudisira vakadzi vako vose nevana vako kuvaKaradhiya; newe haungapukunyuki kubva muruoko rwavo; asi uchabatwa neruoko rwamambo weBhabhironi; neguta iri ucharipisa nemoto.

24 Zvino Zedhekia wakati kuna Jeremiya: Ngakurege kuva nemunhu anoziva mashoko awa, uye haungafi.

25 Asi kana machinda akanzwa kuti ndataura kwauri ndokuuya kwauri ndokuti kwauri: Tiudze hako zvawaudza mambo, usazvivanza kwatiri, zvino hatingakuurayi, uyewo mambo zvaareva kwauri.

26 Ipapo uchati kwavari: Ndawisira chikumbiro changu pamberi pamambo, kuti asandidzoseresa kumba kwaJonatani kuti ndifireko.

27 Zvino machinda ose akasvika kuna Jeremiya, ndokumubvunza, iye ndokuvaudza zvichienderana nemashoko ose awa mambo aakaraira. Ndokunyarara kwaari, nokuti nyaya yaiva isina kunzwikwa.

28 Zvino Jeremiya wakagara muchivanze chetirongo kusvika zuva rakatapwa Jerusarema. Waivapo Jerusarema parakatapwa.