ShonaTeam Jeremiah « 37 »

Jeremiya anoiswa mutirongo

37Zvino mambo Zedhekia mwanakomana waJosiya wakatonga pachinzvimbo chaKoniya mwanakomana waJehoyakimu, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi waakaita mambo panyika yaJudha.

2 Asi havana kuteerera, iye nevaranda vake nevanhu venyika, mashoko aJehovha aakataura neruoko rwemuporofita Jeremiya.

3 Zvino Zedhekia mambo wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, kumuporofita Jeremiya, achiti: Tinyengeterere hako kuna Jehovha Mwari wedu.

4 Zvino Jeremiya wakapinda nekubuda pakati pevanhu, nokuti vaiva vasina kumuisa mutirongo.

5 Zvino hondo yaFarao yaiva yabuda kubva muEgipita; vaKaradhiya vaiva vakakomba Jerusarema vakati vachinzwa runyerekupe rwavo vakakwira kubva paJerusarema.

6 Zvino rakasvika shoko raJehovha kumuporofita Jeremiya, richiti:

7 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Muchareva seizvi kuna mambo waJudha wakakutumai kwandiri kuzondibvunza: Tarirai, hondo yaFarao yabuda kukubatsirai ichadzokera kunyika yayo kuEgipita.

8 Zvino vaKaradhiya vachadzokazve ndokurwa neguta iri ndokuritora ndokuripisa nemoto.

9 Anoreva seizvi Jehovha: Musazvinyengera muchiti: VaKaradhiya vachabva kwatiri zvirokwazvo. Nokuti havangabvi.

10 Nokuti kunyange mairova hondo yose yevaKaradhiya vanorwa nemwi, ndokusara varume vakakuvara pakati pavo, vaimuka umwe neumwe mutende rake ndokupisa guta iri nemoto.

11 Zvino zvakaitika kuti hondo yevaKaradhiya payakakwira kubva paJerusarema nekuda kwehondo yaFarao,

12 Jeremiya wakabuda muJerusarema kuenda kunyika yevaBhenjamini, kuzogamuchira mugovepo pakati pevanhu.

13 Zvino zvakaitika ava pasuwo raBhenjamini, paivapo ipapo mukuru wevarindi, zita rake raiva Irija mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya; zvino wakabata Jeremiya muporofita, achiti: Iwe wapandukira kuvaKaradhiya.

14 Jeremiya ndokuti: Inhema, handina kupandukira kuvaKaradhiya. Asi haana kumuteerera. Naizvozvo Irija wakabata Jeremiya ndokumuuisa kumachinda.

15 Zvino machinda akatsamwira Jeremiya, ndokumurova, ndokumuisa mutirongo muimba yaJonatani munyori; nokuti vaiva vaiita tirongo.

16 Jeremiya paakapinda muimba yegomba, nemumakamuri, Jeremiya wakagaramo mazuva mazhinji,

17 mambo Zedhekia ndokutuma kunomutora; mambo ndokumubvunza pachivande muimba yake, ndokuti: Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Jeremiya ndokuti: Ririko. Akati: Muchapiwa muruoko rwamambo weBhabhironi.

18 Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia: Ndakakutadzirai chii, imwi nevaranda venyu nevanhu venyu, zvamandiisa mutirongo?

19 Varipi ikozvino vaporofita venyu vakaporofita kwamuri vachiti: Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemwi, kana kurwa nenyika iyi?

20 Naizvozvo inzwai ikozvino henyu, ishe wangu mambo; dai kunyengetera kwangu kwamuri kwagamuchirwa pamberi penyu, kuti musandidzosa kuimba yaJonatani munyori, zvimwe ndifiremo.

21 Naizvozvo mambo Zedhekia wakaraira kuti vaise Jeremiya muchivanze chetirongo, uye kuti apiwe bundu rechingwa zuva nezuva chinobva munzira yemuguta yevabiki vechingwa, kusvika chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya wakagara muchivanze chetirongo.