ShonaTeam Jeremiah « 36 »

Kunyorwa nekupiswa kwerugwaro rwakapetwa

36Zvino zvakaitika mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:

2 Zvitorere rugwaro rwakapetwa, ugonyora marwuri mashoko ose andakataura kwauri pamusoro paIsraeri, nepamusoro paJudha, nepamusoro pemarudzi ose, kubva pazuva randakataura kwauri, kubva pamazuva aJosiya kusvika pazuva rino.

3 Zvimwe imba yaJudha ichanzwa chakaipa chose chandinofunga kuita kwavari, kuti vadzoke umwe neumwe panzira yake yakaipa, kuti ndikanganwire uipi hwavo nechivi chavo.

4 Zvino Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeriya; Bharuki ndokunyora kubva pamuromo paJeremiya mashoko ose aJehovha aaiva ataura kwaari parugwaro rwakapetwa.

5 Zvino Jeremiya wakaraira Bharuki achiti: Ndakadzivirirwa, handigoni kupinda muimba yaJehovha.

6 Naizvozvo chienda iwe, unoverenga murugwaro rwakapetwa rwawakanyora kubva pamuromo pangu, mashoko aJehovha munzeve dzevanhu muimba yaJehovha pazuva rekutsanya; uye uchaaverenga munzeve dzaJudha wose anobva mumaguta avo.

7 Zvimwe kunyengetera kwavo kuchawira pamberi paJehovha; uye vakadzoka umwe neumwe panzira yake yakaipa; nokuti kutsamwa nehasha Jehovha zvaakataura pamusoro pevanhu ava zvikuru.

8 Zvino Bharuki mwanakomana waNeriya wakaita zvinoenderana nezvose Jeremiya muporofita zvaakamuraira, achiverenga mubhuku mashoko aJehovha muimba yaJehovha.

9 Zvino zvakaitika mugore reshanu raJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha mumwedzi wepfumbamwe, vakadanidzira mutsanyo pamberi paJehovha kuvanhu vose paJerusarema nekuvanhu vose vaibva mumaguta aJudha kuuya kuJerusarema.

10 Zvino Bharuki wakaverenga mubhuku mashoko aJeremiya muimba yaJehovha, mukamuri raGemaria mwanakomana waShafani munyori, muchivanze chekumusoro pakupinda pasuwo idzva reimba yaJehovha, munzeve dzevanhu vose.

11 Mikaya mwanakomana waGemaria mwanakomana waShafani wakati anzwa mashoko ose aJehovha kubva mubhuku,

12 ndokuburukira kuimba yamambo mukamuri remunyori; zvino tarira, machinda ose agerepo: Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekia mwanakomana waHananiya, nemachinda ose.

13 Zvino Mikaya wakavaparidzira mashoko ose aaiva anzwa, Bharuki paakaverenga mubhuku munzeve dzevanhu.

14 Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti: Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakaverenga munzeve dzevanhu ugouya. Naizvozvo Bharuki mwanakomana waNeriya wakatora rugwaro rwakapetwa muruoko rwake ndokusvika kwavari.

15 Zvino vakati kwaari: Gara pasi ikozvino, ugorwuverenga munzeve dzedu. Naizvozvo Bharuki wakaverenga munzeve dzavo.

16 Zvino zvakaitika pavaiva vanzwa mashoko ose vakatya, umwe kune umwe, ndokuti kuna Bharuki: Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.

17 Zvino vakabvunza Bharuki vachiti: Zvino tiudze, wakanyora sei mashoko ose awa kubva mumuromo make?

18 Zvino Bharuki wakati kwavari: Kubva mumuromo make wakandidudzira mashoko awa ose, zvino ndakanyora neingi mubhuku.

19 Zvino machinda akati kuna Bharuki: Endai munovanda, iwe naJeremiya; uye kusava nemunhu anoziva kwamunenge muri.

20 Zvino vakapinda kuna mambo muchivanze, asi vakaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri raErishama munyori, ndokutaura mashoko ose munzeve dzamambo.

21 Zvino mambo wakatuma Jehudhi kunotora rugwaro rwakapetwa, iye ndokurwutora mukamuri raErishama munyori. Jehudhi ndokurwuverenga munzeve dzamambo nemunzeve dzemachinda ose aiva amire pana mambo.

22 Zvino mambo wakagara paimba yemuchando mumwedzi wepfumbamwe; moto uchipfuta pamberi pake muchoto.

23 Zvino zvakaitika Jehudhi averenga mashizha matatu kana mana, wakarwugura nepeni yemunyori ndokukanda mumoto waiva muchoto kusvika rugwaro rwakapetwa rwapedzwa mumoto waiva muchoto.

24 Asi havana kutya, uye havana kubvarura nguvo dzavo, mambo nevaranda vake vose vakanzwa mashoko awa ose.

25 Zvakadarowo Erinatani naDheraia naGemaria vaiva vanyengetera kuna mambo kuti asapisa rugwaro rwakapetwa; asi haana kuvateerera.

26 Asi mambo wakaraira Jerameeri mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate Bharuki munyori naJeremiya muporofita; asi Jehovha wakavaviga.

27 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya shure kwekunge mambo apisa rugwaro rwakapetwa, nemashoko Bharuki aaiva anyora kubva mumuromo maJeremiya, richiti:

28 Zvitorerezve rwumwe rugwaro rwakapetwa ugonyora marwuri mashoko ose ekutanga aiva murugwaro rwakapetwa rwekutanga, Jehoyakimu mambo waJudha rwaapisa.

29 Uye uchati kuna Jehoyakimu mambo waJudha: Anoreva seizvi Jehovha: Iwe wapisa rugwaro rwakapetwa urwu uchiti: Wanyorereimo uchiti: Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya ndokuparadza nyika iyi, nekugumisamo munhu nechipfuwo?

30 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano naJehoyakimu mambo waJudha: Haangavi neachagara pachigaro cheushe chaDhavhidhi; uye chitunha chake chichakandirwa kunze mukupisa nezuva nemukutonhora neusiku.

31 Zvino ndichamuranga iye nembeu yake nevaranda vake nekuda kweuipi hwavo, uye ndichauisa pamusoro pavo nepamusoro pevagari veJerusarema nepamusoro pevarume vaJudha chakaipa chose chandakataura pamusoro pavo; asi havana kuteerera.

32 Zvino Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, ndokurwupa kuna Bharuki munyori, mwanakomana waNeriya; uyo wakanyora marwuri kubva mumuromo maJeremiya mashoko ose ebhuku Jehoyakimu mambo waJudha raaiva apisa mumoto; uye kwakawedzerwa kwaari mashoko mazhinji akafanana nawo.