ShonaTeam Jeremiah « 35 »

Kuteerera kwevaRekabhi

35Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha pamazuva aJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo waJudha, richiti:

2 Enda kuimba yevaRekabhi ugotaura kwavari, uye uuye navo kuimba yaJehovha, mune rimwe remakamuri, ugovapa waini kuti vanwe.

3 Zvino ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake, nevanakomana vake vose, neimba yose yevaRekabhi.

4 Zvino ndakauya navo muimba yaJehovha, mukamuri revanakomana vaHanani mwanakomana waIghidharia, munhu waMwari, yaiva pedo pakamuri remachinda, raiva pamusoro pekamuri raMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.

5 Zvino ndakaisa pamberi pevanakomana veimba yevaRekabhi mbiya dzizere newaini, nemikombe, ndokuti kwavari: Inwai waini.

6 Asi vakati: Hatinwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi baba vedu wakatiraira achiti: Musanwa waini, imwi nevanakomana venyu kusvika rinhi narinhi.

7 Uye musavaka imba, musadzvara mbeu, musasima munda wemizambiringa, musava nazvo; asi mazuva enyu ose muchagara mumatende, kuti murarame mazuva mazhinji pachiso chenyika pamunogara muri vatorwa.

8 Naizvozvo takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi baba vedu pane zvose zvaakatiraira, kuti tisanwa waini mazuva edu ose, isu, vakadzi vedu, vanakomana vedu, nevanasikana vedu;

9 uye kuti tisazvivakira dzimba dzekugara, uye kuti tisava nemunda wemizambiringa, kana munda, kana mbeu;

10 asi takagara mumatende, ndokuteerera, uye takaita zvinoenderana nezvose Jonadhabhi baba vedu zvavakatiraira.

11 Asi zvakaitika Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paakakwira panyika, kuti takati: Uyai, zvino ngatiende kuJerusarema nekuda kwehondo yevaKaradhiya, uye nekuda kwehondo yevaSiriya; naizvozvo tigere paJerusarema.

12 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richiti:

13 Anoreva seizvi Jehovha wehondo Mwari waIsraeri: Enda unotaura kuvarume vaJudha nevagari veJerusarema, uti: Hamugamuchiri kurairirwa kuti muteerere kumashoko angu here? anoreva Jehovha.

14 Anosimbiswa mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti vasanwa waini; nokuti havanwi kusvika zuva iri, asi vanoteerera murairo wababa vavo. Neni ndataura kwamuri, ndichimuka mangwanani ndokutaura, asi hamuna kunditeerera.

15 Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichituma ndichiti: Dzokai zvino umwe neumwe panzira yake yakaipa, muite zviito zvenyu zvive zvakanaka, uye musatevera vamwe vamwari kuti muvashumire, zvino muchagara munyika yandakakupai imwi nemadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve yenyu, uye hamuna kuteerera kwandiri.

16 Nokuti vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakasimbisa murairo wababa vavo, wavakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;

17 naizvozvo anoreva seizvi Jehovha Mwari wehondo, Mwari waIsraeri: Tarirai, ndichauisa pamusoro paJudha nepamusoro pevose vagari veJerusarema chakaipa chose chandataura pamusoro pavo; nokuti ndakataura kwavari asi havana kunzwa, uye ndakadana kwavari asi havana kupindura.

18 Zvino Jeremiya wakati kuimba yevaRekabhi: Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Nekuda kwekuti makateerera murairo waJonadhabhi baba venyu, nekuchengeta zviga zvavo zvose, nekuita zvose sezvaakakurairai,

19 naizvozvo anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Hakungagurwi munhu kuna Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi ungamira pamberi pangu mazuva ose.