ShonaTeam Jeremiah « 34 »

Zedhekia anoudzwa zvichaitirwa Jerusarema

34Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, neutongi hwose hwenyika hwekutonga kweruoko rwake, nemarudzi ose, pavakange vachirwa vachipikisa Jerusarema nemaguta ose aro, richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Enda unotaura naZedhekia mambo waJudha, uti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichapa guta iri muruoko rwamambo weBhabhironi; uye acharipisa nemoto.

3 Newe haungapukunyuki kubva muruoko rwake, asi zvirokwazvo uchabatwa, nekupiwa muruoko rwake; uye meso ako achaona meso amambo weBhabhironi, uye muromo wako uchataura nemuromo wake, zvino uchaenda kuBhabhironi.

4 Zvakadaro inzwa shoko raJehovha, iwe Zedhekia mambo waJudha. Anoreva seizvi Jehovha pamusoro pako: Haungafi nemunondo.

5 Uchafa murugare, uye sekuveserwa moto kwemadzibaba ako, madzimambo ekare aiva mberi kwako, saizvozvo vachakuvesera; uye vachakuchema vachiti: Haiwa ishe! Nokuti ini ndataura shoko iro, anoreva Jehovha.

6 Zvino Jeremiya muporofita wakataura mashoko awa ose kuna Zedhekia mambo waJudha paJerusarema,

7 hondo yamambo weBhabhironi payakarwa neJerusarema uye nemaguta ose aJudha aiva asara, neRakishi uye neAzeka; nokuti ndiwo maguta akakombwa aiva asara pakati pemaguta aJudha.

Vakaita hama dzavo varanda vacharohwa naJehovha

8 Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha shure kwekunge mambo Zedhekia aita sungano nevanhu vose vaiva paJerusarema, kudanidzira rusununguko kwavari,

9 kuti umwe neumwe arege nhapwa yake iende yakasununguka, uye umwe neumwe nhapwakadzi yake, muHebheru kana muHebherukadzi, kuti kusava nemunhu anoita muJudha anova hama yake ave nhapwa.

10 Machinda ose nevanhu vose vakateerera, ivo vapinda musungano iyi yekuti umwe neumwe anofanira kurega nhapwa yake uye umwe neumwe nhapwakadzi yake iende yakasununguka, kuti vasavaitazve nhapwa; zvino vakateerera, ndokurega vachienda.

11 Asi pashure vakatendeuka, ndokudzosa nhapwa nenhapwakadzi dzavaiva varega dzichienda dzakasununguka, ndokuvaisa pasi kuva nhapwa nenhapwakadzi.

12 Naizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha, richiti:

13 Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Ini ndakaita sungano nemadzibaba enyu pazuva randakavabudisa kubva munyika yeEgipita, kubva muimba yeuranda, ndichiti:

14 Pakupera kwemakore manomwe ucharega aende umwe neumwe hama yake, muHebheru wakatengeswa kwauri ndokukushandira makore matanhatu, umurege aende akasununguka abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kuteerera kwandiri uye haana kurerekera nzeve yavo.

15 Zvino imwi madzoka nhasi uye maita zvakarurama pameso pangu, pakudanidzira rusununguko umwe neumwe kune wekwake, uye maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa nezita rangu.

16 Asi makadzoka ndokusvibisa zita rangu, ndokudzosa umwe neumwe nhapwa yake, uye umwe neumwe nhapwakadzi yake, dzamaiva marega dziende dzakasununguka nechido chadzo; mukavaisa pasi kuva nhapwa nenhapwakadzi dzenyu.

17 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Imwi hamuna kunditeerera, kudanidzira rusununguko, umwe neumwe kuhama yake, uye umwe neumwe kune wekwake; tarirai, ndichadanidzira kwamuri, anoreva Jehovha, rusununguko pamunondo, pahosha, nepanzara; uye ndichakupai kuva chityiso kuushe hwose hwenyika.

18 Zvino ndichapa varume vakadarika sungano yangu, vasina kusimbisa mashoko esungano yavakaita pamberi pangu, mhuru yavakapamura kuita mbiri, ndokudarika nepakati penhindi dzayo:

19 Machinda aJudha, nemachinda eJerusarema, vatenwa, nevapristi, nevanhu vose venyika, vakapfuura nepakati penhindi dzemhuru.

20 Hongu, ndichavapa muruoko rwevavengi vavo, nemuruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo; uye zvitunha zvavo zvichava zvekudya zveshiri dzematenga nezvemhuka dzepanyika.

21 NaZedhekia mambo waJudha nemachinda ake ndichavapa muruoko rwevavengi vavo, nemuruoko rwevanotsvaka upenyu hwavo, nemuruoko rwehondo yamambo weBhabhironi, ivo vakakwira kubva kwamuri.

22 Tarirai, ndicharaira, anoreva Jehovha, nekuvadzosa kuguta iri; uye vacharwa naro ndokuritora ndokuripisa nemoto; zvino ndichaita maguta aJudha dongo risina mugari.