ShonaTeam Jeremiah « 33 »

Jehovha achadzosa zvakanaka kuJerusarema

33Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jeremiya achakapfigirwa muchivanze chetirongo richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha muiti wazvo, Jehovha wakazviumba kuzvisimbisa, Jehovha izita rake:

3 Danai kwandiri, zvino ndichakupindurai, uye ndichakuratidzai zvinhu zvikuru uye zvine simba zvamusingazivi.

4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri maererano nedzimba dzeguta iri, uye maererano nedzimba dzemadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuva mirwi uye nekuda kweminondo:

5 Vanouya kuzorwa nevaKaradhiya, asi vanodzizadza nezvitunha zvevanhu vandakarova mukutsamwa kwangu uye muhasha dzangu, uye kuti ndakavanzira guta iri chiso changu nekuda kwekuipa kwavo kose.

6 Tarirai, ndichavavigira utano nekupodza, ndivarape uye ndicharatidza kwavari kuwanda kwerugare nechokwadi.

7 Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJudha nekutapwa kwaIsraeri, uye ndichavavaka sepakutanga.

8 Zvino ndichavanatsa kubva pakuipa kwavo kose kwavakanditadzira nako, uye ndichakanganwira zvitadzo zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo uye zvavakandidarikira nazvo.

9 Zvino zvichava kwandiri zita remufaro, rumbidzo nerukudzo pamberi pemarudzi ose epanyika achanzwa zvose zvakanaka zvandakavaitira; zvino vachatya nekudedera pamusoro pezvakanaka zvose uye pamusoro perugare rwose zvandakavaitira.

10 Anoreva seizvi Jehovha: Panzvimbo iyi, yamunoti idongo isina munhu uye isina mhuka, mumaguta aJudha, nemunzira dzemumusha dzeJerusarema, mava dongo, musina munhu uye musina mugari uye musina mhuka, kuchanzwikwazve

11 inzwi remufaro neinzwi rekupembera, inzwi rechikomba neinzwi remwenga, inzwi revanoti: Rumbidzai Jehovha wehondo, nokuti Jehovha wakanaka, nokuti tsitsi dzake dziripo nekusingaperi; reavo vanounza zvipo zvekuvonga muimba yaJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika sepakutanga, anoreva Jehovha.

12 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Panzvimbo iyi iri dongo isina munhu kusvika kumhuka, nemumaguta aro ose, ichavazve nzvimbo yevafudzi vachirarisa mapoka.

13 Mumaguta egomo, mumaguta emapani, nemumaguta ekuchamhembe, nepanyika yaBhenjamini, nepanzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nemumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi pemaoko eanoaverenga, anoreva Jehovha.

14 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichamisa chinhu chakanaka chandakataura kuimba yaIsraeri nekuimba yaJudha.

15 Nemazuva iwayo uye nenguva iyo ndichabukisa davi rekururama kuna Dhavhidhi, uye iye achaita mutongo nekururama panyika.

16 Nemazuva iwayo Judha achaponeswa, neJerusarema richagara rakachengeteka; uye iri izita raachadanwa naro: Jehovha ndiye kururama kwedu.

17 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Hakungagurwi munhu kuna Dhavhidhi anogara pachigaro cheushe cheimba yaIsraeri.

18 Uye kuvapristi vaRevhi hakungagurwi munhu kubva pachiso changu angapa chipo chinopiswa nekupisa chipo chechidyiwa, nekuita chibairo nguva dzose.

19 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richiti:

20 Anoreva seizvi Jehovha: Kana mungaputsa sungano yangu yemasikati nesungano yangu yeusiku, kuti kusava nemasikati neusiku nenguva yazvo,

21 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ichaputswa, kuti asava nemwanakomana anotonga pachigaro chake cheushe, uye nevaRevhi, vapristi, vashumiri vangu.

22 Hondo yekumatenga sezvaisingaverengeki, nejecha regungwa risingayereki, saizvozvo ndichapamhidzira mbeu yaDhavhidhi muranda wangu, nevaRevhi vanondishumira.

23 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richiti:

24 Hauna kuona here zvakataura vanhu ava vachiti: Marudzi maviri Jehovha aakasarudza, wakaarasawo? Saizvozvo vakazvidza vanhu vangu, kuti vasachiva rudzi pamberi pavo.

25 Anoreva seizvi Jehovha: Kana sungano yangu isiri yemasikati neusiku, kana ndisina kutara zvimiso zvematenga nepasi,

26 ipapo ndicharasa mbeu yaJakove neyaDhavhidhi muranda wangu, kuti handingatori pambeu yake angatonga pamusoro pembeu yaAbhurahama, Isaka, naJakove; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, nekuvanzwira tsitsi.