ShonaTeam Jeremiah « 32 »

Jeremiya anotenga munda

32Shoko rakasvika kuna Jeremiya kubva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo waJudha, iri gore raiva gore regumi nemasere raNebhukadhirezari.

2 Nokuti nenguva iyo hondo yamambo weBhabhironi yakakomba Jerusarema; uye Jeremiya muporofita waiva akapfigirwa muchivanze chetirongo chaiva muimba yamambo waJudha.

3 Nokuti Zedhekia mambo waJudha waiva amupfigira achiti: Unoporofitirei uchiti: Anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndichapa guta iri muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharitapa.

4 Zvino Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki kubva muruoko rwevaKaradhiya, asi achapiwa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, uye muromo wake uchataura nemuromo wake, uye meso ake achaona meso ake.

5 Zvino achatungamirira Zedhekia kuBhabhironi, uye achavako, kusvika ndamushanyira, anoreva Jehovha. Kunyange muchirwa nevaKaradhiya, hamungabudiriri.

6 Zvino Jeremiya wakati: Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

7 Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi sekuru vako achauya kwauri achiti: Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nokuti ndiwe une kodzero yekuudzikinura kuti utenge.

8 Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakasvika kwandiri muchivanze chetirongo zvichienderana neshoko raJehovha, ndokuti kwandiri: Tenga hako munda wangu uri paAnatoti riri munyika yaBhenjamini, nokuti kodzero yenhaka ndeyako, nekudzikunurwa ndekwako, zvitengere. Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.

9 Zvino ndakatenga munda uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndokumuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi nemanomwe.

10 Zvino ndakanyora tsamba ndikadhinda, ndokupupuririsa zvapupu, ndokuyera mari pachikero.

11 Naizvozvo ndakatora tsamba yekutenga yaiva yakanamiwa pamurairo nemitemo, neyaiva yakavhurika.

12 Zvino ndakapa tsamba yekutenga kuna Bharuki mwanakomana waNeriya mwanakomana waMaaseya, pamberi pemeso aHanameri mwanakomana wasekuru vangu, uye pamberi pemeso ezvapupu zvaiva zvadhinda tsamba yekutenga pamberi pemeso evaJudha vose vaiva vagere muchivanze chetirongo.

13 Zvino ndakaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti:

14 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Tora tsamba idzi, tsamba iyi yekutenga, zvose yakanamiwa netsamba iyi yakavhurwa, ugodziisa mumudziyo wevhu, kuti dzigare mazuva mazhinji.

15 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Dzimba, neminda, neminda yemizambiringa zvichatengwazve munyika iyi.

16 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha mushure mekunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeriya tsamba yekutenga, ndichiti:

17 Haiwa, Ishe Jehovha, tarirai, imwi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru uye neruoko rwakatandavadzwa; hakuna chinhu chinokuremerai;

18 munoitira tsitsi zvuru, nekutsiva zvakaipa zvemadzibaba muchipfuva chevana vavo shure kwavo; Mwari mukuru, ane simba, Jehovha wehondo izita rake;

19 mukuru pazano uye ane simba pakuita, nokuti maziso enyu akazarukira kunzira dzose dzevanakomana vevanhu, kupa kune umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake, uye zvichienderana nechibereko chezviito zvake;

20 makamisa zviratidzo nezvishamiso munyika yeEgipita kusvika pazuva iri, uye kwaIsraeri nepakati pevanhu; uye makazviitira zita sanhasi.

21 Uye makabudisa vanhu venyu Israeri kubva panyika yeEgipita nezviratidzo uye nezvishamiso uye nechanza chine simba uye neruoko rwakatandavadzwa uye nekutyisa kukuru;

22 zvino makavapa nyika iyi, yamakapikira madzibaba avo kuvapa, nyika inoyerera mukaka neuchi.

23 Zvino vakapinda ndokugara nhaka yayo, asi havana kuteerera kuinzwi renyu, uye havana kufamba mumurairo wenyu; havana kuita zvose zvamakavaraira kuita; naizvozvo mauisa chakaipa chose ichi pamusoro pavo.

24 Tarira, mirwi yasvika muguta kuritapa; uye guta rapiwa muruoko rwevaKaradhiya vanorwa naro nekuda kwemunondo nekwenzara nekwehosha; uye zvamakataura zvaitika, zvino tarira, munoona.

25 Zvakadaro imwi Ishe Jehovha makati kwandiri: Zvitengere munda nemari, upupuririse zvapupu; nokuti guta rapiwa muruoko rwevaKaradhiya.

VaIsraeri vachatapwa asi vachadzoswazve

26 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti:

27 Tarira, ndiri Jehovha, Mwari wenyama yose; kune chipi nechipi chingandiremera here?

28 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndapa guta iri muruoko rwevaKaradhiya, nemuruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, uye acharitapa.

29 Zvino vaKaradhiya vanorwa neguta iri vachauya ndokutungidza guta iri nemoto ndokuripisa, pamwe nedzimba pamusoro pematenga adzo pavakapisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Bhaari, nekudururira chipo chechinwiwa kune vamwe vamwari, kunditsamwisa.

30 Nokuti vana vaIsraeri nevana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pameso angu kubva paudiki hwavo; nokuti vana vaIsraeri vakaditsamwisa chete nebasa remaoko avo, anoreva Jehovha.

31 Nokuti guta iri ranga riri kwandiri rekutsamwa kwangu nerehasha dzangu, kubva pazuva ravakarivaka kusvika zuva ranhasi, kuti ndiribvise kubva pamberi pechiso changu,

32 nekuda kwezvakaipa zvose zvevana vaIsraeri nezvevana vaJudha, zvavakaita kunditsamwisa, ivo, madzimambo avo, machinda avo, vapristi vavo, nevaporofita vavo, nevanhu vaJudha, nevagari veJerusarema.

33 Zvino vakanditendeusira gotsi uye kwete chiso; kunyange ndakavadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichidzidzisa, zvakadaro havana kuteerera kugamuchira kurairwa.

34 Asi vakaisa zvinyangadzo zvavo muimba inodanwa nezita rangu, kuti vaisvibise.

35 Zvino vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, dziri mumupata wemwanakomana waHinomi, kuti vapfuudzire Moreki vanakomana vavo nevanasikana vavo, zvandisina kuvaraira, uye zvisina kupinda mumoyo mangu kuti vaite chinyangadzo ichi, kuti vatadzise Judha.

36 Zvino ikozvino, naizvozvo anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri maererano neguta iri ramunoti pamusoro paro: Richapiwa muruoko rwamambo weBhabhironi nemunondo uye nenzara uye nehosha:

37 Tarirai, ndichavaunganidza kubva kunyika dzose kwandakavadzingirako pakutsamwa kwangu nepakupfuta kwangu uye muhasha huru; uye ndichavadzosa kunzvimbo iyi, ndigovagarisa vakachengeteka.

38 Zvino vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.

39 Zvino ndichavapa moyo umwe nenzira imwe kuti vanditye mazuva ose, kuti zvivanakire ivo nevana vavo shure kwavo.

40 Zvino ndichaita navo sungano yekusingaperi, kuti handingadzoki pakuvatevera, kuti ndivaitire zvakanaka. Uye ndichaisa kunditya mumoyo wavo, kuti vasatsauka vabve kwandiri.

41 Hongu, ndichafara pamusoro pavo kuvaitira zvakanaka, uye ndichavasima munyika iyi, muchokwadi, nemoyo wangu wose, uye nemweya weupenyu wangu wose.

42 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Sezvandakauisa chakaipa chikuru chose ichi pamusoro pevanhu ava, saizvozvo ndichauisa zvakanaka zvose zvandakataura pamusoro pavo.

43 Zvino minda ichatengwa munyika iyi yamunoti: Idongo, haina vanhu nemhuka; yapiwa muruoko rwevaKaradhiya.

44Vanhu vachatenga minda nemari, nekunyora tsamba nekudzidhinda, nekupupuririsa zvapupu, panyika yaBhenjamini, nepanzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nemumaguta aJudha, nemumaguta egomo, nemumaguta emupata, nemumaguta ekuchamhembe; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, anoreva Jehovha.