ShonaTeam Jeremiah « 31 »

31Nenguva iyo, anoreva Jehovha, ndichava Mwari wemhuri dzose dzaIsraeri, uye ivo vachava vanhu vangu.

2 Anoreva seizvi Jehovha: Vanhu vakasara pamunondo vakawana nyasha murenje, Israeri, pandakaenda kunomuzorodza.

3 Jehovha wakaonekera kwandiri kare achiti: Hongu, ndakakuda nerudo rwusingaperi; naizvozvo nerudo rweunyoro ndakakukweva.

4 Ndichakuvakazve, uye uchavakika, iwe mhandara yaIsraeri; uchashongedzwazve nengoma dzako, uchabuda mukutamba kwevanopembera.

5 Uchasimazve minda yemizambiringa pamusoro pemakomo eSamariya; vasimi vachasima, uye vachadya zvibereko.

6 Nokuti kuchava nezuva, nharirire dzichadanidzira pamusoro pegomo Efuremu, dzichiti: Simukai, zvino ngatikwire kuZiyoni kuna Jehovha Mwari wedu.

7 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Imbirai Jakove nemufaro, uye pururudzirai mukuru wemarudzi, paridzirai, rumbidzai, zvino muti: Jehovha, ponesai vanhu venyu, vakasara vaIsraeri.

8 Tarirai, ndichavauisa kubva kunyika yekumaodzanyemba, ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika, mapofu nezvirema pamwe navo, vakadzi vakazvitakura nevari kusununguka pamwe chete, vari boka guru vachadzoka pano.

9 Vachauya nekuchema, uye ndichavatungamirira vane mikumbiro, ndichavafambisa panzizi dzemvura zhinji munzira yakarurama mavasingagumburwi, nokuti ndiri baba kuna Israeri, naEfuremu ndiye dangwe rangu.

10 Inzwai shoko raJehovha, imwi marudzi, muparidzire pazviwi zviri kure, zvino muti: Uyo wakaparadzira Israeri achamuunganidza, uye achamuchengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.

11 Nokuti Jehovha wakadzikinura Jakove, uye wakamuripira kubva muruoko rweane simba kumupfuura.

12 Naizvozvo vachauya ndokuimba pakakwirira peZiyoni, uye vachayerera kune zvakanaka zvaJehovha, pazviyo, nepawaini itsva, nepamafuta, nepamakwayana emakwai, nemombe; uye mweya weupenyu wavo uchava sebindu rakadiridzwa, uye havangatongozosuwizve.

13 Ipapo mhandara ichafara pakutamba, nemajaya nevatana pamwe chete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo kuva mufaro, uye ndichavanyaradza, nekuvafadza pachinzvimbo chekusuwa kwavo.

14 Zvino ndichagutsa mweya weupenyu wevapristi nemafuta; uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu, anoreva Jehovha.

15 Anoreva seizvi Jehovha: Inzwi rinonzwikwa muRama, kuwungudza, kuchema kunorwadza: Rakeri achichema pamusoro pevana vake; anoramba kunyaradzwa pamusoro pevana vake, nokuti havachipo.

16 Anoreva seizvi Jehovha: Dzora inzwi rako pakuchema, nemeso ako pamisodzi, nokuti kune mubairo pabasa rako, anoreva Jehovha, uye vachadzoka kubva kunyika yemuvengi.

17 Zvino pane tariro pamugumo wako, anoreva Jehovha, uye vana vako vachadzoka kumuganhu wavo.

18 Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti: Imwi makandiranga, uye ndakarangwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzosei, ipapo ndichadzorwa, nokuti imwi muri Jehovha Mwari wangu.

19 Zvirokwazvo shure kwekudzoka kwangu ndakazvidemba, uye shure kwekurairirwa kwangu ndakarova pamusoro pechidya changu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo ndakasvoda, nokuti ndakatakura kushoorwa kweudiki hwangu.

20 Efuremu mwanakomana wangu anokosha here? Ndiye mwana anofadza here? Nokuti pandanguri ndataura ndichipokana naye, ndinoramba ndichingomurangarira; naizvozvo ura hwangu hunochema naye; ndichamunzwira ngoni zvirokwazvo, anoreva Jehovha.

21 Zvimisirei zviratidzo zvenzira, zviitirei shongwe dzekuratidzira; isai moyo wenyu wakananga kunzira huru, nzira yawakafamba nayo; dzoka, mhandara yaIsraeri, dzokera kumaguta ako awa.

22 Kusvika rinhi uchidzungaira, iwe mukunda wekudzokera shure? Nokuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika: Mukadzi achakomba murume.

23 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nemumaguta ayo, pandichadzosa vakatapwa vavo: Jehovha akuropafadze, iwe ugaro hwekururama, gomo reutsvene.

24 Zvino muchagara mariri Judha nemaguta aro ose pamwe chete, varimi nevanofamba nemapoka.

25 Nokuti ndakagutsa mweya weupenyu wakaneta, uye ndakazadza mweya weupenyu umwe neumwe unopera simba.

26 Ipapo ndakapepuka ndokuona, zvino hope dzangu dzakanditapirira.

27 Tarira, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichadzvara imba yaIsraeri neimba yaJudha nembeu yevanhu nembeu yemhuka.

28 Zvino zvichaitika, sezvandakarinda pamusoro pavo kuti ndidzure nekuputsa nekukanda pasi nekuparadza nekurwadzisa, saizvozvo ndicharinda pamusoro pavo kuvaka nekusima, anoreva Jehovha.

29 Mumazuva iwayo havangazoti: Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino evana ndokubwadzira.

30 Asi umwe neumwe achafira uipi hwake; munhu umwe neumwe anodya mazambiringa anovava, mazino ake achabwadzira.

31 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.

32 Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo pazuva randakabata ruoko rwavo kuvabudisa munyika yeEgipita, sungano yangu ivo yavakaputsa, kunyange ini ndaiva chikomba kwavari, anoreva Jehovha.

33 Asi iyi isungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anoreva Jehovha: Ndichaisa murairo wangu muzvemukati zvavo, nekuunyora mumoyo yavo, zvino ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu.

34 Zvino havangazodzidzisanizve umwe neumwe wekwake, uye umwe neumwe hama yake, vachiti: Ziva Jehovha; nokuti vose vavo vachandiziva, kubva kumudikisa wavo kusvika kumukurusa wavo, anoreva Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, uye handichazorangaririzve chivi chavo.

35 Anoreva seizvi Jehovha, anopa zuva kuva chiedza chemasikati, zvimiso zvemwedzi nenyeredzi kuva chiedza usiku, anoparadzanisa gungwa, mafungu aro ndokuomba, Jehovha wehondo ndiro zita rake:

36 Kana zvimiso izvo zvikabva pamberi pangu, anoreva Jehovha, mbeu yaIsraeriwo ichaguma pakuva rudzi pamberi pangu mazuva ose.

37 Anoreva seizvi Jehovha: Kana matenga aiyerwa kumusoro, nenheyo dzechinyika pasi dzichinzverwa, neniwo ndicharasa mbeu yose yaIsraeri nekuda kwezvose zvavakaita, anoreva Jehovha.

38 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha apo pachavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yeHananeri kusvika kusuwo rekona.

39 Uye rwonzi rwekuyera rwuchabudazve rwakanangana nayo kusvika pachikomo cheGarebhi, ndokutenderera ichienda kuGoa.

40 Uye mupata wose wezvitunha newemadota, neminda yose kusvika kurukova Kidhironi, kusvika kukona yesuwo remabhiza kumabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi uye hazvingaparadzwizve kusvika rinhi narinhi.