ShonaTeam Jeremiah « 29 »

Tsamba yaJeremiya kune vakatapirwa kuBhabhironi

29Zvino awa mashoko etsamba Jeremiya muporofita yaakatumira kubva kuJerusarema kuenda kune vakasara vevakuru vakatapwa nekuvapristi nekuvaporofita nekuvanhu vose Nebhukadhinezari vaakatapa kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi,

2 (shure kwekunge Jekoniya mambo, namambokadzi, nevatenwa, machinda ekwaJudha neJerusarema, nevavezi, nevapfuri vakabuda kubva Jerusarema),

3 neruoko rwaErasa mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikiya, Zedhekia mambo waJudha vaakatuma kuBhabhironi kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti:

4 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, kune vose vakatapwa, vandakatapisa kubva kuJerusarema kuenda kuBhabhironi:

5 Zvivakirei dzimba mugogara; uye simai mabindu mugodya muchero wawo.

6 Torai vakadzi mugobereka vanakomana nevanasikana, uye torerai vanakomana venyu vakadzi, mugopa vanasikana venyu kuvarume, kuti vabereke vanakomana nevanasikana, kuti muwandepo, uye murege kutapudzwa.

7 Zvino mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti nerugare rwaro muchava nerugare.

8 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Vaporofita venyu nevavuki venyu vari pakati penyu ngavarege kukunyengerai, uye musateerera kuzviroto zvenyu zvamunorotsa.

9 Nokuti vanoporofita nhema kwamuri muzita rangu; handina kuvatuma, anoreva Jehovha.

10 Nokuti anoreva seizvi Jehovha: Zvirokwazvo, makore manomwe paanenge azadziswa muBhabhironi, ndichakushanyirai; uye ndichasimbisa shoko rangu rakanaka kwamuri, pakukudzoserai kunzvimbo iyi.

11 Nokuti ini ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, anoreva Jehovha, ndangariro dzerugare, uye kwete dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo netariro.

12 Ipapo muchadana kwandiri uye muchaenda nekunyengetera kwandiri; zvino ndichakuteererai.

13 Zvino muchanditsvaka mugondiwana, kana muchinditsvaka nemoyo wenyu wose.

14 Zvino ndichawanikwa nemwi, anoreva Jehovha, uye ndichadzosa kutapwa kwenyu, uye ndichakuunganidzai kubva kumarudzi ose, uye kubva kunzvimbo dzose kwandakakudzingirai, anoreva Jehovha; uye ndichakudzosai kunzvimbo kwandakakutapisirai muchibvapo.

15 Nokuti makati: Jehovha wakatimutsira vaporofita muBhabhironi.

16 Nokuti anoreva seizvi Jehovha pamusoro pamambo agere pachigaro cheushe chaDhavhidhi, nepamusoro pevanhu vose vagere muguta iri, hama dzenyu dzisina kubuda pamwe nemwi pakutapwa:

17 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nzara, nehosha, uye ndichavaita semaonde anosemesa asingadyiwi nekuda kwekuipa.

18 Zvino ndichavadzingirira nemunondo, nenzara, uye nehosha; uye ndichavapa kuti vave chinotyisa paushe hwose hwepanyika, vave chakatukwa nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pemarudzi ose kwandakavadzingira;

19 nokuti havana kuteerera kumashoko angu, anoreva Jehovha, andakatuma kwavari nevaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani uye ndichituma, asi hamuna kunzwa, anoreva Jehovha.

20 Naizvozvo imwi inzwai shoko raJehovha, imwi mose vatapwa, vandakatuma kubva paJerusarema kuenda kuBhabhironi.

21 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, nepamusoro paZedhekia mwanakomana waMaaseya, vanoporofita nhema kwamuri muzita rangu: Tarirai, ndichavapa muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi; uye achavauraya pamberi pemeso enyu.

22 Zvino kuchatorwa pavari chakatukwa nevatapwa vose vekwaJudha vari muBhabhironi, vachiti: Jehovha akuite saZedhekia uye saAhabhi, mambo weBhabhironi vaakagocha pamoto.

23 Nokuti vakaita neupenzi kwaIsraeri, vakaita upombwe nevakadzi vevekwavo, uye vakataura shoko nenhema muzita rangu randisina kuvaraira; uye ndini ndinoziva, uye ndiri chapupu, anoreva Jehovha.

24 Zvino uchataura kuna Shemaya muNeheramite uchiti:

25 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, achiti: Zvawakatuma iwe dzitsamba muzita rako kuvanhu vose vari paJerusarema, nekuna Zefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, nekuvapristi vose, uchiti:

26 Jehovha wakakuita mupristi pachinzvimbo chaJehoiadha mupristi, kuti muve vabati muimba yaJehovha pamusoro pemunhu umwe neumwe anopenga uye anozviita muporofita, kuti mumuise muchitokisi uye mumatanda pamutsipa.

27 Naizvozvo ikozvino, waregerei kutsiura Jeremiya muAnatoti anozviita muporofita kwamuri?

28 Nokuti wakatitumira nekuda kweizvozvi paBhabhironi, achiti: Nguva irefu, vakai dzimba mugogara, uye simai mabindu mugodya chibereko chawo.

29 Zvino Zefaniya mupristi wakaverenga tsamba iyi munzeve dzaJeremiya muporofita.

30 Ipapo kwakasvika shoko raJehovha kuna Jeremiya richiti:

31 Tumira vakatapwa vose uchiti: Anoreva seizvi Jehovha maererano naShemaya muNeheramiti: Nekuda kwekuti Shemaya wakakaporofita kwamuri, uye ini handina kumutuma, uye akaita kuti muvimbe nenhema,

32 naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndicharanga Shemaya muNeheramiti, nechizvarwa chake; haangavi nemunhu angagara pakati perudzi urwu, uye haangaoni chakanaka chandichaitira vanhu vangu, anoreva Jehovha; nokuti wakataura kupandukira Jehovha.