ShonaTeam Jeremiah « 28 »

Hananiya anoparidza nhema

28Zvino zvakaitika mugore iroro, pakutanga kwekutonga kwaZedhekia mambo waJudha, mugore rechina, mumwedzi weshanu, Hananiya mwanakomana waAzuri muporofita waiva weGibhiyoni wakataura kwandiri muimba yaJehovha, pamberi pemeso evapristi neevanhu vose, achiti:

2 Anotaura seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, achiti: Ndavhuna joko ramambo weBhabhironi.

3 Muchiri mumakore maviri akazara, ndichadzosera kunzvimbo iyi midziyo yose yeimba yaJehovha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi yaakabvisa panzvimbo iyi, ndokuitakurira kuBhabhironi.

4 Zvino ndichadzosera kunzvimbo iyi Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo waJudha, pamwe nevatapwa vose vaJudha, vakaenda kuBhabhironi, anoreva Jehovha; nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.

5 Ipapo muporofita Jeremiya wakataura kumuporofita Hananiya pamberi pemeso evapristi uye pamberi pemeso evanhu vose vakamira muimba yaJehovha.

6 Jeremiya muporofita ndokuti: Ameni, Jehovha ngaaite saizvozvo; Jehovha ngaasimbise mashoko ako awakaporofita, kudzosa midziyo yeimba yaJehovha, nevose vakatapwa, kubva kuBhabhironi kuuya kunzvimbo iyi.

7 Asi inzwa ikozvino shoko iri randinotaura munzeve dzako uye munzeve dzevanhu vose.

8 Vaporofita vakanditangira nevakakutangira kare vakaporofitira nyika zhinji uye ushe ukuru, zvehondo uye zvechakaipa uye zvehosha.

9 Muporofita anoporofita zverugare, panoitika shoko remuporofita, muporofita achazikanwa kuti zvirokwazvo Jehovha wakamutuma.

10 Ipapo Hananiya muporofita wakabvisa joko kubva pamutsipa wemuporofita Jeremiya, ndokurivhuna.

11 Zvino Hananiya wakataura pamberi pemeso evanhu vose achiti: Anoreva seizvi Jehovha: Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva pamutsipa wemarudzi ose muchiri mumakore maviri akazara. Muporofita Jeremiya ndokuenda nenzira yake.

12 Zvino rakasvika shoko raJehovha kuna Jeremiya, shure kwekunge Hananiya muporofita avhuna joko kubva pamutsipa wemuporofita Jeremiya, richiti:

13 Enda unoudza Hananiya uchiti: Anoreva seizvi Jehovha: Wavhuna majoko ematanda, asi uchaita panzvimbo yawo majoko esimbi.

14 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Ndakaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi awa ose, kuti ashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achamushandira; uye ndamupawo mhuka dzesango.

15 Zvino Jeremiya muporofita wakati kuna Hananiya muporofita: Chinzwa zvino, Hananiya; Jehovha haana kukutuma, asi iwe unovimbisa vanhu ava nenhema.

16 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarira, ndichakurasa kubva pachiso chenyika; gore rino uchafa, nokuti wataura kupandukira Jehovha.

17 Naizvozvo Hananiya muporofita wakafa mugore iroro mumwedzi wechinomwe.